< Ezekiel 22 >
1 HERRENS Ord kom til mig saaledes:
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 Du Menneskesøn! Vil du dømme Blodbyen? Saa forehold den alle dens Vederstyggeligheder
“Mwanakomana womunhu, ucharitonga here? Ucharitonga here guta iri rokuteura ropa? Ipapo urizivise mabasa aro ose anonyangadza
3 og sig: Saa siger den Herre HERREN: Ve Byen, der udøser Blod i sin Midte, for at dens Time skal komme, og laver sig Afgudsbilleder for at gøre sig uren.
uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa iwe guta rinozvitsvakira kuparadzwa nokuda kwokuteura ropa pakati paro, nokuzvisvibisa nokuita zvifananidzo,
4 Ved dine egne Folks Blod, som du har udgydt, har du paadraget dig Skyld, og ved de Afgudsbilleder du har lavet, er du blevet uren; du har bragt din Time nær og hidført dine Aars Frist. Derfor gør jeg dig til Haan for Folkene og til Spot for alle Lande;
wava nemhosva nokuda kweropa rawakateura uye wakasvibiswa nokuda kwezvifananidzo zvawakaita. Wakasvitsa mazuva ako pamagumo, uye magumo amakore ako asvika. Naizvozvo ndichakuita chinhu chinoshorwa nendudzi nechinosekwa nenyika dzose.
5 fra nær og fjern skal man spotte dig, du, hvis Navn er skændet, og som er fuld af Larm.
Vari pedyo newe navari kure vachakuseka, iwe guta rinonyadza, rizere nebope.
6 Se, Israels Fyrster optræder hver og een egenmægtigt i dig og udøser Blod.
“‘Tarira uone muchinda mumwe nomumwe waIsraeri ari pakati pako mateuriro aanoita ropa achishandisa simba rake.
7 Fader og Moder ringeagtes, den fremmede undertrykkes i dig, den faderløse og Enken lider Uret.
Vakazvidza baba namai vari mauri; vakamanikidza mutorwa uye nherera nechirikadzi dziri mukati mako havana kudzibata zvakanaka.
8 Mine hellige Ting agter du ringe og vanhelliger mine Sabbater.
Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene uye wakasvibisa maSabata angu.
9 Du har Æreskændere i din Midte, som bagtaler, saa der udøses Blod, og Folk, som spiser paa Bjergene. Utugt gaar i Svang i din Midte;
Mukati mako mune vanhu vane makuhwa, vanofarira kuteura ropa; mukati mako muna vanhu vanodyira kushongwe dzezvifananidzo kumakomo uye vanoita mabasa eunzenza.
10 i dig blottes Faderens Skam, og Kvinder krænkes i deres Urenheds Tid.
Mukati mako muna vanhu vasingakudzi nhoo dzamadzibaba avo, mukati mako muna vanhu vanochinya vakadzi panguva yavanenge vari kumwedzi, pavanenge vasina kuchena.
11 Man øver Vederstyggelighed mod sin Næstes Hustru, man gør sin Sønnekone uren ved Utugt, man skænder i dig sin kødelige Søster.
Mukati mako mune mumwe munhu anoita zvinonyangadza nomukadzi womuvakidzani wake, mumwe anochinya mukadzi womwana wake zvinonyadzisa, uye mumwe anochinya hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake chaivo.
12 I dig tager man Gave for at udøse Blod; du tager Aager og Opgæld, voldelig øver du Svig mod din Næste; og mig glemmer du, lyder det fra den Herre HERREN.
Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
13 Men se, jeg slaar Hænderne sammen over den uredelige Vinding, du har skaffet dig, og over det Blod, der er udøst i dig.
“‘Zvirokwazvo ndicharovanisa maoko angu pamwe chete pamusoro pepfuma isakarurama yawakaita uye neropa rawakateura pakati pako.
14 Kan dit Hjerte holde Stand, kan dine Hænder være faste i de Dage, da jeg tager fat paa dig? Jeg, HERREN, har talet, og jeg fuldbyrder det.
Ko, kushinga kwako kucharamba kuripo here kana kusimba kwamaoko ako pazuva randichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndichazviita.
15 Jeg vil sprede dig blandt Folkene og udstrø dig i Landene og tage din Urenhed fra dig;
Ndichakuparadzira pakati pendudzi, ndichakuparadzira kunyika dzakasiyana-siyana; uye ndichagumisa kusachena kwako.
16 jeg vil lade mig vanære ved dig for Folkenes Øjne; og du skal kende, at jeg er HERREN.
Muchaziva kuti ndini Jehovha, pamuchasvibiswa pamberi pendudzi.’”
17 Og HERRENS Ord kom til mig saaledes:
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
18 Menneskesøn! Israels Hus er blevet mig til Slagger; de er alle blevet Kobber, Tin, Jern og Bly i Smelteovnen; Sølvslagger er de blevet.
“Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; vose indarira, netini, nesimbi nedare romutobvu rakasarira muvira romoto. Vakaita samarara esirivha.
19 Derfor, saa siger den Herre HERREN: Fordi I alle er blevet til Slagger, derfor vil jeg samle eder i Jerusalem;
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka yokuti mose mava marara, ndichakuunganidzai muJerusarema.
20 som man samler Sølv, Kobber, Jern, Bly og Tin i en Smelteovn og blæser til Ilden for at smelte det, saaledes vil jeg i min Vrede og Harme samle eder og kaste eder ind og smelte eder;
Sezvinoitwa navarume vanounganidza sirivha, ndarira, simbi, mutobvu netini muvira romoto kuti zvinyungudiswe nokupiswa nezhenje, saizvozvo ndichakuunganidzai pakutsamwa kwangu nehasha dzangu ndigokuisai mukati meguta ndigokunyungudisai.
21 jeg vil samle eder og blæse min Vredes Ild op imod eder, saa I smeltes deri.
Ndichakuunganidzai ndigokufuridzai nokupisa kwehasha dzangu uye muchanyungudika mukati maro.
22 Som Sølv smeltes i Smelteovnen, skal I smeltes deri; og I skal kende, at jeg, HERREN, har udøst min Vrede over eder.
Sokunyungudika kwesirivha iri muvira romoto, saizvozvo muchanyungudika mukati maro, uye muchaziva kuti ini Jehovha ndadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’”
23 Og HERRENS Ord kom til mig saaledes:
Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,
24 Menneskesøn, sig til Landet: Du er et Land, der ikke faar Regn og Byger paa Vredens Dag,
“Mwanakomana womunhu, uti kunyika, ‘Iwe uri nyika isina kuwana mvura kana guti pazuva rehasha dzangu.’
25 hvis Fyrster er som brølende Løver paa Rov; de tilintetgør Sjæle, tilriver sig Gods og Guld, gør mange til Enker deri.
Pane rangano yamachinda vari pakati payo vanoomba seshumba iri kubvamburanya chayabata; vanodya vanhu, vanotora pfuma nezvinhu zvinokosha uye vanoita kuti chirikadzi dziwande mukati mayo.
26 Præsterne øver Vold mod min Lov, vanhelliger mine hellige Ting og gør ikke Skel mellem det, der er helligt, og det, der ikke er helligt, lærer ikke Forskel mellem rent og urent og lukker Øjnene for mine Sabbater, saa jeg er blevet vanhelliget iblandt dem.
Vaprista vayo vanoputsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo.
27 Fyrsterne er som Ulve paa Rov: de er ivrige efter at udøse Blod og tilintetgøre Menneskeliv for at skaffe sig Vinding.
Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa uye vanouraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama.
28 Profeterne stryger over med Kalk, idet de skuer Tomhed og varsler Løgn og siger: »Saa siger den Herre HERREN!« uden at HERREN har talet.
Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura.
29 Det menige Folk øver Vold og gaar paa Rov, den arme og fattige gør de Uret, og den fremmede undertrykker de imod Lov og Ret.
Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira.
30 Jeg søgte iblandt dem efter en, der vilde bygge en Mur og stille sig i Gabet for mit Aasyn til Værn for Landet, at jeg ikke skulde ødelægge det; men jeg fandt ingen.
“Ndakatsvaka munhu pakati pavo angavaka rusvingo uye agomira pamberi pangu, pakakoromoka, achimirira nyika kuti ndirege kuparadza, asi ndakashayiwa kana mumwe.
31 Derfor udøser jeg min Vrede over dem, med min Harmes Ild tilintetgør jeg dem; deres Færd lader jeg komme over deres Hoved, lyder det fra den Herre HERREN.
Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pavo ndigovaparadza nokutsamwa kwangu, ndichiburutsira pamisoro yavo zvavakaita zvose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”