< 2 Mosebog 15 >

1 Ved den Lejlighed sang Moses og Israeliterne denne Sang for HERREN: Jeg vil synge for HERREN, thi han er højt ophøjet, Hest og Rytter styrted han i Havet!
Ipapo Mozisi navaIsraeri vakaimba rwiyo urwu kuna Jehovha: “Ndichaimbira Jehovha, nokuti iye anokudzwa zvikurukuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.
2 HERREN er min Styrke og min Lovsang, og han blev mig til Frelse. Han er min Gud, og jeg vil prise ham, min Faders Gud, og jeg vil ophøje ham.
“Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye ava ruponeso rwangu. Ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza, Mwari wababa vangu, uye ndichamukudza.
3 HERREN er en Krigshelt, HERREN er hans Navn!
Jehovha imhare; Jehovha ndiro zita rake.
4 Faraos Vogne og Krigsmagt styrted han i Havet, hans ypperste Vognkæmpere drukned i det røde Hav,
Ngoro dzaFaro nehondo yake akazvikanda mugungwa. Machinda aFaro akanakisisa akanyudzwa muGungwa Dzvuku.
5 Strømmene dækked dem, de sank som Sten i Dybet.
Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura kwakadzika sedombo.
6 Din højre, HERRE, er herlig i Kraft, din højre, HERRE, knuser Fjenden.
“Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha, rwakakudzwa nesimba. Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha, rwakaparadza muvengi.
7 I din Højheds Vælde fælder du dine Modstandere, du slipper din Harme løs, den fortærer dem som Straa.
“Muukuru hwoumambo hwenyu makakanda pasi vaya vaikupikisai. Makasunungura kutsamwa kwenyu kunopisa, kukavapisa sehundi.
8 Ved din Næses Pust dyngedes Vandene op, Vandene stod som en Vold, Strømmene stivnede midt i Havet.
Nokufema kwemhino dzenyu mvura zhinji yakaita murwi. Mvura yamasaisai yakamira yakasimba semadziro; mvura yakadzika yakaungana mukati megungwa.
9 Fjenden tænkte: »Jeg sætter efter dem, indhenter dem, uddeler Bytte, stiller mit Begær paa dem; jeg drager mit Sværd, min Haand skal udrydde dem.«
“Muvengi akazvikudza achiti, ‘Ndichavatevera, ndichavabata. Ndichagova zvakapambwa; ndichazvimbirwa navo. Ndichavhomora munondo wangu uye ruoko rwangu ruchavaparadza.’
10 Du blæste med din Aande, Havet skjulte dem; de sank som Bly i de vældige Vande.
Asi makafuridza nokufema kwenyu, gungwa rikavafukidza. Vakanyura somutobvu mukati memvura ine simba.
11 Hvo er som du blandt Guder, HERRE, hvo er som du, herlig i Hellighed, frygtelig i Stordaad, underfuld i dine Gerninger!
“Ndianiko pakati pavamwari akaita semi, imi Jehovha? Ndiani akaita semi, paumambo noutsvene, mukubwinya kunotyisa, anoita zvishamiso?
12 Du udrakte din højre, og Jorden slugte dem.
Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikavamedza.
13 Du leded i din Miskundhed det Folk, du genløste, du førte det i din Vælde til din hellige Bolig.
“Murudo rwenyu rusingaperi muchatungamirira vanhu vamakadzikinura. Musimba renyu imi muchavatungamirira kuugaro hwenyu hutsvene.
14 Folkene hørte det og bæved, Skælven greb Filisterlandets Folk.
Ndudzi dzichazvinzwa uye dzichadedera; kurwadziwa kuchabata vanhu vokuFiristia.
15 Da forfærdedes Edoms Høvdinger, Moabs Fyrster grebes af Rædsel, Kana'ans Beboere tabte alle Modet.
Madzishe eEdhomu achavhundutswa, vatungamiri veMoabhu vachabatwa nokudedera, vanhu veKenani vachanyunguduka;
16 Skræk og Angst faldt over dem, ved din Arms Vælde blev de maalløse som Sten, til dit Folk var naaet frem, o HERRE, til Folket, du vandt dig, var naaet frem.
kutya nokuvhunduka zvichavawira. Nesimba roruoko rwenyu vachanyarara kunge dombo, kusvikira vanhu venyu vapfuura, imi Jehovha, kusvikira vanhu vamakatenga vapfuura.
17 Du førte dem frem og planted dem i din Arvelods Bjerge, paa det Sted du beredte dig til Bolig, HERRE, i den Helligdom, Herre, som dine Hænder grundfæsted.
Muchaenda navomo uye mugovasima pagomo renhaka yenyu, nzvimbo tsvene yakasimbiswa namaoko enyu, imi Jehovha.
18 HERREN er Konge i al Evighed!
“Jehovha achatonga nokusingaperi-peri.”
19 Thi da Faraos Heste med hans Vogne og Ryttere drog ud i Havet, lod HERREN Havets Vande strømme tilbage over dem, medens Israeliterne gik gennem Havet paa tør Bund.
Mabhiza aFaro, ngoro navatasvi vamabhiza vakapinda mugungwa, Jehovha akauyisa mvura yomugungwa pamusoro pavo, asi vaIsraeri vakafamba napakati pegungwa pavhu rakaoma.
20 Da greb Profetinden Mirjam, Arons Søster, Pauken, og alle Kvinderne fulgte hende med Pauker og Danse,
Ipapo Miriamu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora tambureni muruoko rwake, uye vakadzi vose vakamutevera, vana matambureni uye vachitamba.
21 og Mirjam sang for: Syng for HERREN, thi han er højt ophøjet, Hest og Rytter styrted han i Havet!
Miriamu akavaimbira akati: “Imbirai Jehovha, nokuti anokudzwa zvikuru kuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.”
22 Derpaa lod Moses Israel bryde op fra det røde Hav, og de drog ud i Sjurs Ørken, og de vandrede tre Dage i Ørkenen uden at finde Vand.
Ipapo Mozisi akatungamirira vaIsraeri kubva paGungwa Dzvuku uye vakapinda murenje reShuri. Vakafamba kwamazuva matatu murenje vachishayiwa mvura.
23 Saa naaede de Mara, men de kunde ikke drikke Vandet for dets bitre Smag, thi det var bittert; derfor kaldte man Stedet Mara.
Vakati vasvika paMara, havana kugona kunwa mvura yacho nokuti yaivava. (Ndokusaka nzvimbo yacho ichinzi Mara.)
24 Da knurrede Folket mod Moses og sagde: »Hvad skal vi drikke?«
Saka vanhu vakapopotera Mozisi vachiti, “Tonweiko?”
25 Men han raabte til HERREN, og da viste HERREN ham en bestemt Slags Træ; og da han kastede det i Vandet, blev Vandet drikkeligt. Der gav han dem Bestemmelser om Lov og Ret, og der satte han dem paa Prøve.
Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza chimuti. Akachikanda mumvura, mvura ikanaka. Jehovha akavaitirapo mutemo nomurayiro, uye akavaedza ipapo.
26 Og han sagde: »Hvis du vil høre paa HERREN din Guds Røst og gøre, hvad der er ret i hans Øjne, og lytte til hans Bud og holde dig alle hans Bestemmelser efterrettelig, saa vil jeg ikke bringe nogen af de Sygdomme over dig, som jeg bragte over Ægypterne, men jeg HERREN er din Læge!«
Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.”
27 Derpaa kom de til Elim, hvor der var tolv Vandkilder og halvfjerdsindstyve Palmetræer, og de lejrede sig ved Vandet der.
Ipapo vakasvika paErimu, paiva namatsime gumi namaviri uye nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo pedyo nemvura.

< 2 Mosebog 15 >