< 1 Korinterne 13 >

1 Taler jeg med Menneskers og Engles Tunger, men ikke har Kærlighed, da er jeg bleven et lydende Malm eller en klingende Bjælde.
Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere.
2 Og har jeg profetisk Gave og kender alle Hemmelighederne og al Kundskaben, og har jeg al Troen, saa at jeg kan flytte Bjerge, men ikke har Kærlighed, da er jeg intet.
Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.
3 Og uddeler jeg alt, hvad jeg ejer, til de fattige og giver mit Legeme hen til at brændes, men ikke har Kærlighed, da gavner det mig intet.
Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.
4 Kærligheden er langmodig, er velvillig; Kærligheden bærer ikke Nid; Kærligheden praler ikke, opblæses ikke,
Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi.
5 gør intet usømmeligt, søger ikke sit eget, forbitres ikke, tilregner ikke det onde;
Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi.
6 glæder sig ikke over Uretfærdigheden, men glæder sig ved Sandheden;
Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi.
7 den taaler alt, tror alt, haaber alt, udholder alt.
Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose.
8 Kærligheden bortfalder aldrig; men enten det er profetiske Gaver, de skulle forgaa, eller Tungetale, den skal ophøre, eller Kundskab, den skal forgaa;
Rudo harutongoperi. Zvino kana kuri kuprofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichagumiswa; kana rwuri ruzivo, ruchapfuura.
9 thi vi kende stykkevis og profetere stykkevis;
Nokuti tinoziva zvisakakwana uye tinoprofita zvisakakwana,
10 men naar det fuldkomne kommer, da skal det stykkevise forgaa.
asi kana zvakakwana zvasvika, zvisakakwana zvichabviswa.
11 Da jeg var Barn, talte jeg som et Barn, tænkte jeg som et Barn, dømte jeg som et Barn; efter at jeg er bleven Mand, har jeg aflagt det barnagtige.
Pandaiva mwana ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana. Zvino zvandava murume, ndakabvisa zvinhu zvoumwana.
12 Nu se vi jo i et Spejl, i en Gaade, men da skulle vi se Ansigt til Ansigt; nu kender jeg stykkevis, men da skal jeg erkende, ligesom jeg jo blev erkendt.
Nokuti zvino tinoona asi hationi zvakanaka somuchionioni; asi nenguva iyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisakakwana; asi ndichaziva zvizere, kunyange sezvandinozivikanwa zvizere.
13 Saa bliver da Tro, Haab, Kærlighed, disse tre; men størst iblandt disse er Kærligheden.
Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo.

< 1 Korinterne 13 >