< Salme 14 >
1 Til Sangmesteren; af David. En Daare siger i sit Hjerte: Der er ingen Gud; fordærvelig, vederstyggelig er deres Gerning; der er ingen, som gør godt.
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Benzi rinoti mumwoyo maro, “Hakuna Mwari.” Vakaora, mabasa avo akashata; hakuna anoita zvakanaka.
2 Herren saa ned fra Himmelen paa Menneskens Børn, at se, om der var nogen forstandig, nogen, som søgte Gud.
Jehovha ari kudenga anotarira pasi pamusoro pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, naani zvake anotsvaka Mwari.
3 De ere alle afvegne, de ere fordærvede til Hobe; der er ingen, som gør godt, end ikke een.
Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakasvibiswa; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
4 Have de ikke kendt det, alle de, som gøre Uret, som æde mit Folk, som de aade Brød? de kaldte ikke paa Herren.
Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here, ivo vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa, uye vasingadani kuna Jehovha?
5 Den Gang frygtede de saare, fordi Gud var med den retfærdiges Slægt.
Pavari ipapo, vakazara nokutya, nokuti Mwari ari paungano yavakarurama.
6 Gører kun den elendiges Raad til Skamme; thi Herren er hans Tilflugt.
Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo, asi Jehovha ndiye utiziro hwavo.
7 Gid der fra Zion kom Frelse for Israel! Naar Herren tilbagefører sit fangne Folk, da skal Jakob fryde sig, Israel glæde sig.
Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni! Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake, Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.