< Salme 129 >

1 De trængte mig haardt fra min Ungdom af — saa sige Israel! —
Rwiyo rworwendo. Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati,
2 de trængte mig haardt fra min Ungdom af; dog kunde de ikke overvælde mig.
“Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda.
3 Plovmændene pløjede paa min Ryg, de droge deres Furer lange.
Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu.”
4 Herren er retfærdig, han overhuggede de ugudeliges Reb.
Asi Jehovha akarurama, akandisunungura pamabote avakaipa.
5 De skulle beskæmmes og vige tilbage, alle de, som hade Zion.
Vose vanovenga Zioni ngavadzorerwe shure nenyadzi.
6 De skulle blive som Græs paa Tagene, som tørres, førend nogen oprykker det;
Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura;
7 af hvilket Høstmanden ikke fylder sin Haand, ej heller den, som binder Neg, sin Arm.
mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo, uye anounganidza haangazadzi maoko ake.
8 Og de, som gaa forbi, sige ikke: Herrens Velsignelse være over eder! Vi velsigne eder i Herrens Navn.
Vanopfuura nepo ngavarege kuti, “Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako; tinokuropafadza muzita raJehovha.”

< Salme 129 >