< Zjevení Janovo 7 >

1 Potom jsem viděl čtyři anděly, stojící na čtyřech úhlech země, držící čtyři větry zemské, aby nevál vítr na zemi, ani na moře, ani na žádný strom.
Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo.
2 A viděl jsem jiného anděla, vystupujícího od východu slunce, majícího pečet Boha živého. Kterýž zvolal hlasem velikým na ty čtyři anděly, jimž dáno, aby škodili zemi a moři,
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati:
3 Řka: Neškoďte zemi, ani moři, ani stromům, dokudž neznamenáme služebníků Boha našeho na čelích jejich.
“Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.”
4 I slyšel jsem počet znamenaných, sto čtyřidceti a čtyři tisíce jich zapečetěno ze všech pokolení synů Izraelských.
Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri.
5 Z pokolení Juda dvanácte tisíců znamenaných, z pokolení Ruben dvanácte tisíců znamenaných, z pokolení Gád dvanácte tisíců znamenaných;
Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso, kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri,
6 Z pokolení Aser dvanácte tisíců znamenaných, z pokolení Neftalím dvanácte tisíců znamenaných, z pokolení Manases dvanácte tisíců znamenaných;
kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri,
7 Z pokolení Simeon dvanácte tisíců znamenaných, z pokolení Léví dvanácte tisíců znamenaných, z pokolení Izachar dvanácte tisíců znamenaných;
kubva kurudzi rwaSimeoni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaRevhi, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaIsakari, zviuru gumi nezviviri,
8 Z pokolení Zabulon dvanácte tisíců znamenaných, z pokolení Jozef dvanácte tisíců znamenaných, z pokolení Beniamin dvanácte tisíců znamenaných.
kubva kurudzi rwaZebhuruni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaJosefa zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri.
9 Potom pohleděl jsem, a aj, zástup veliký, kteréhož by žádný přečísti nemohl, ze všech národů a pokolení a lidí i jazyků, ani stojí před trůnem a před obličejem Beránka, oblečeni jsouce v bílé roucho, a palmy v rukou jejich.
Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo.
10 A volali hlasem velikým, řkouce: Spasení jest od Boha našeho na trůnu sedícího a od Beránka.
Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti: “Ruponeso ndorwaMwari wedu, anogara pachigaro choushe, uye ndorweGwayana.”
11 A všickni andělé stáli okolo trůnu a starců a čtyř zvířat. I padli před trůnem na tváři své a klaněli se Bohu,
Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari,
12 Řkouce: Amen. Požehnání, a sláva, a moudrost, a díků činění, a čest, a moc, i síla Bohu našemu na věky věků. Amen. (aiōn g165)
vachiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokubwinya nouchenjeri nokuvonga nokukudzwa noushe nesimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni!” (aiōn g165)
13 I promluvil ke mně jeden z těch starců, a řekl mi: Kdo jsou tito, kteříž oblečeni jsou v bílé roucho? A odkud přišli?
Ipapo mumwe wavakuru akandibvunza akati, “Ava vakapfeka nguo chena, ndivanaaniko, uye vakabvepi?”
14 I řekl jsem jemu: Pane, ty víš. I řekl mi: To jsou ti, kteříž přišli z velikého soužení, a umyli roucha svá, a zbílili je ve krvi Beránkově.
Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.” Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.
15 Protož jsou před trůnem Božím, a slouží jemu dnem i nocí v chrámě jeho; a ten, jenž sedí na trůnu, přebývati bude s nimi.
Naizvozvo, “vari pamberi pechigaro chaMwari uye vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake; uye iye anogara pachigaro choushe achatambanudza tende rake pamusoro pavo.
16 Nebudouť lačněti ani žízniti více, a nebude bíti na ně slunce, ani žádné horko.
Havachazoziyi nenzara zvakare; havachazonzwi nyota zvakare. Havachazopiswi nezuva, kana nokupisa kupi zvako.
17 Nebo Beránek, kterýž jest uprostřed trůnu, pásti je bude, a dovedeť je k živým studnicím vod, a setře Bůh všelikou slzu s očí jejich.
Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo; richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu. Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.”

< Zjevení Janovo 7 >