< Zjevení Janovo 5 >

1 I viděl jsem po pravici sedícího na trůnu knihy popsané vnitř i zevnitř, zapečetěné sedmi pečetmi
Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.
2 A viděl jsem anděla silného, volajícího hlasem velikým: Kdo jest hoden otevříti knihy tyto a zrušiti pečeti jejich?
Zvino ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndiani wakafanira kuzarura bhuku nekusunungura micherechedzo yaro?
3 I nemohl žádný, ani na nebi, ani na zemi, ani pod zemí, otevříti knih, ani pohleděti do nich.
Asi kwakange kusina munhu kudenga kana panyika, kana pasi penyika, wakagona kuzarura bhuku, kana kuritarira.
4 Pročež já plakal jsem velmi, že není nalezen žádný, kterýž by hoden byl otevříti a čísti tu knihu, ani pohleděti do ní.
Zvino ini ndakachema zvikuru, nokuti hakuna kutongowanikwa wakafanira kuzarura nekuverenga bhuku, kana kuritarira.
5 Tedy jeden z starců dí mi: Neplač. Aj, zvítězilť Lev, ten, kterýž jest z pokolení Judova, kořen Davidův, aby otevřel tu knihu a zrušil sedm pečetí jejích.
Zvino umwe wevakuru wakati kwandiri: Usachema; tarira, yakunda Shumba inobva kurudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, kuti izarure bhuku nekusunungura micherechedzo yaro minomwe.
6 I viděl jsem, a aj, mezi trůnem a čtyřmi zvířaty a mezi starci Beránek stojí jako zabitý, maje sedm rohů a sedm očí, jenž jsou sedm Duchů Božích, poslaných na všecku zemi.
Zvino ndakaona, uye tarira, pakati pechigaro cheushe nechezvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pevakuru, Gwayana rimire serakabaiwa, rine nyanga nomwe nemeso manomwe, ndiyo Mweya minomwe yaMwari yakatumwa kunyika yese.
7 I přišel a vzal knihy z pravice toho, kterýž seděl na trůnu.
Zvino rakauya, rikatora bhuku kubva muruoko rwerudyi rwaiye wakagara pachigaro cheushe.
8 A jakž vzal knihy, ihned těch čtvero zvířat a těch čtyřmecítma starců padlo před Beránkem, majíce jeden každý z nich harfu a báně zlaté plné vůně, jenž jsou modlitby svatých.
Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana vakawira pamberi peGwayana, umwe neumwe ane rudimbwa nendiro dzegoridhe dzizere nezvinonhuhwira inova minyengetero yevatsvene.
9 A zpívali píseň novou, řkouce: Hoden jsi vzíti knihy a otevříti pečeti jejich. Nebo jsi zabit, a vykoupils nás Bohu krví svou ze všelikého pokolení a jazyku a lidu i národu.
Zvino vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Makafanira kutora bhuku, nekuzarura micherechedzo yaro; nokuti makabaiwa, ndokutidzikunurira Mwari neropa renyu kubva kudzinza rese, nekururimi, nekuvanhu, nekurudzi,
10 A učinil jsi nás Bohu našemu krále a kněží, a budeme kralovati na zemi.
makatiitawo kuna Mwari wedu tive madzimambo nevapristi, uye tichatonga panyika.
11 I viděl jsem a slyšel hlas andělů mnohých okolo trůnu a zvířat a starců, a byl počet jejich stokrát tisíc tisíců a desetkrát sto tisíců,
Zvino ndakaona, uye ndakanzwa inzwi revatumwa vazhinji vakakomberedza chigaro cheushe, nezvisikwa zvipenyu nevakuru; nekuwanda kwazvo kwakange kuri mazana nemazana emazana nemazana, nezvuru zvezvuru,
12 Řkoucích velikým hlasem: Hodenť jest ten zabitý Beránek vzíti moc, a bohatství, i moudrost, i sílu, i čest, i slávu, i požehnání.
vachiti nenzwi guru: Rakafanira Gwayana rakabaiwa kugamuchira simba neufumi nenjere nemasimba nerukudzo nekubwinya nekurumbidzwa.
13 Též všecko stvoření, kteréž jest na nebi, i na zemi, i pod zemí, i v moři, i všecko, což v nich jest, slyšel jsem řkoucí: Sedícímu na trůnu a Beránkovi požehnání, čest a sláva i síla na věky věků. (aiōn g165)
Nechisikwa chega-chega chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri pagungwa nezvese zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kuna iye agere pamusoro pechigaro cheushe nekuGwayana ngakuve nekurumbidzwa, nerukudzo, nekubwinya, nesimba kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)
14 Ètvero pak zvířat řeklo: Amen. A těch čtyřmecítma starců padlo, a klaněli se živému na věky věků.
Zvino zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Nevakuru makumi maviri nevana vakawa, vakanamata iye anorarama kusvika rinhi narinhi.

< Zjevení Janovo 5 >