< Zjevení Janovo 20 >

1 I viděl jsem anděla sstupujícího s nebe, majícího klíč od propasti a řetěz veliký v ruce své. (Abyssos g12)
Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akanga akabata ngetani huru muruoko rwake. (Abyssos g12)
2 I chopil draka, hada toho starého, jenž jest ďábel a satan, i svázal jej za tisíc let.
Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru.
3 A uvrhl ho do propasti, i zavřel jej tam a svrchu nad ním zapečetil, aby nesvodil více národů, až by se vyplnilo tisíc let; neboť potom musí býti propuštěn na malý čas. (Abyssos g12)
Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku. (Abyssos g12)
4 I viděl jsem stolice, a posadili se na nich, i dán jest jim soud, a viděl jsem duše stínaných pro svědectví Ježíšovo a pro slovo Boží, a kteříž se neklaněli šelmě, ani obrazu jejímu, a aniž přijali znamení jejího na čela svá, anebo na ruce své. A ožili a kralovali s Kristem tisíc let.
Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru.
5 Jiní pak mrtví neožili, dokudž by se nevyplnilo tisíc let. A toť jest první vzkříšení.
Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga.
6 Blahoslavený a svatý, kdož má díl v prvním vzkříšení. Nad těmiť ta druhá smrt nemá moci, ale budou kněží Boží a Kristovi, a kralovati s ním budou tisíc let.
Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru.
7 A když se vyplní tisíc let, propuštěn bude satanáš z žaláře svého.
Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake
8 I vyjde, aby svodil národy, kteříž jsou na čtyřech stranách země, Goga a Magoga, a aby je shromáždil k boji, kterýchžto počet jest jako písku mořského.
uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa.
9 I vstoupili na širokost země a obklíčili stany svatých, i to město milé, ale sstoupil oheň od Boha s nebe a spálil je.
Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza.
10 A ďábel, kterýž je svodil, uvržen jest do jezera ohně a síry, kdež jest i šelma, i falešný prorok, a budouť mučeni dnem i nocí na věky věků. (aiōn g165, Limnē Pyr g3041 g4442)
Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri. (aiōn g165, Limnē Pyr g3041 g4442)
11 I viděl jsem trůn veliký bílý, a sedícího na něm, před jehož tváří utekla země i nebe, a místo jim není nalezeno.
Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikashayirwa nzvimbo.
12 I viděl jsem mrtvé, malé i veliké, stojící před obličejem Božím, a knihy otevříny jsou. A jiné knihy také jsou otevříny, to jest knihy života, i souzeni jsou mrtví podle toho, jakž psáno bylo v knihách, totiž podle skutků svých.
Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.
13 A vydalo moře mrtvé, kteříž byli v něm, tolikéž smrt i peklo vydali ty, kteříž v nich byli, i souzeni jsou jeden každý podle skutků svých. (Hadēs g86)
Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. (Hadēs g86)
14 Smrt pak a peklo uvrženi jsou do jezera ohnivého, a toť jest smrt druhá. (Hadēs g86, Limnē Pyr g3041 g4442)
Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. (Hadēs g86, Limnē Pyr g3041 g4442)
15 I ten, kdož není nalezen v knihách života, uvržen jest do jezera ohnivého. (Limnē Pyr g3041 g4442)
Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto. (Limnē Pyr g3041 g4442)

< Zjevení Janovo 20 >