< Marek 15 >

1 A hned ráno uradivše se přední kněží s staršími a s zákoníky i se vším shromážděním, svázavše Ježíše, vedli jej a dali Pilátovi.
Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rese, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato.
2 I otázal se ho Pilát: Ty-liž jsi král Židovský? A on odpověděv, řekl jemu: Ty pravíš.
Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.
3 I žalovali na něj přední kněží mnoho. On pak nic neodpovídal.
Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu.
4 Tedy Pilát otázal se ho opět, řka: Nic neodpovídáš? Hle, jak mnoho proti tobě svědčí.
Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira!
5 Ale Ježíš předce nic neodpověděl, takže se podivil Pilát.
Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika.
6 Ve svátek pak propouštíval jim jednoho z vězňů, za kteréhož by prosili.
Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira.
7 I byl jeden, kterýž sloul Barabbáš, jenž s svárlivými byl v vězení, kteříž v svadě vraždu byli spáchali.
Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo.
8 A zvolav zástup, počal prositi, aby učinil, jakož jim vždycky činíval.
Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira.
9 Pilát pak odpověděl jim, řka: Chcete-li, propustím vám krále Židovského?
Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here?
10 (Nebo věděl, že jsou jej z závisti vydali přední kněží.)
Nokuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo.
11 Ale přední kněží ponukli zástupu, aby jim raději propustil Barabbáše.
Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi.
12 A Pilát odpověděv, řekl jim zase: Což pak chcete, ať učiním tomu, kteréhož králem Židovským nazýváte?
Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo weVaJudha?
13 A oni opět zvolali: Ukřižuj ho.
Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
14 A Pilát pravil jim: I což jest zlého učinil? Oni pak více volali: Ukřižuj ho.
Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa!
15 Tedy Pilát, chtě lidu dosti učiniti, pustil jim Barabbáše, a dal jim Ježíše ubičovaného, aby byl ukřižován.
Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa.
16 Žoldnéři pak uvedli jej vnitř do síně, do radného domu, a svolali všecku sběř.
Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yese pamwe;
17 I oblékli jej v šarlat, a korunu spletše z trní, vložili naň.
vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yeminzwa, vakaisa paari.
18 I počali ho pozdravovati, řkouce: Zdráv buď, králi Židovský.
Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha!
19 A bili hlavu jeho třtinou, a plvali na něj, a sklánějíce kolena, klaněli se jemu.
Vakamurova musoro nerutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.
20 A když se jemu naposmívali, svlékli s něho šarlat, a oblékli jej v roucho jeho vlastní. I vedli jej, aby ho ukřižovali.
Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.
21 I přinutili nějakého Šimona Cyrenenského, pomíjejícího je, (kterýž šel z pole, otce Alexandrova a Rufova, ) aby vzal kříž jeho.
Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake.
22 I vedli jej až na místo Golgota, to jest, (vyložil-li by, ) popravné místo.
Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.
23 I dávali mu píti víno s mirrou, ale on nepřijal ho.
Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti anwe, asi haana kugamuchira.
24 A ukřižovavše jej, rozdělili roucha jeho, mecíce o ně los, kdo by co vzíti měl.
Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei.
25 A byla hodina třetí, když ho ukřižovali.
Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa.
26 A byl nápis viny jeho napsán těmi slovy: Král Židovský.
Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, rwuchiti: MAMBO WEVAJUDHA.
27 Ukřižovali také s ním dva lotry: jednoho na pravici a druhého na levici jeho.
Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake.
28 I naplněno jest písmo, řkoucí: A s nepravými počten jest.
Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo.
29 A kteříž tudy chodili mimo něj, rouhali se jemu, potřásajíce hlavami svými, a říkajíce: Hahá, kterýž rušíš chrám Boží, a ve třech dnech jej zase vzděláváš,
Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu,
30 Spomoz sobě samému, a sstup s kříže.
zviponese, uburuke pamuchinjikwa!
31 Též i přední kněží posmívajíce se, jeden k druhému s zákoníky pravili: Jinýmť jest pomáhal, sám sobě pomoci nemůže.
Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa.
32 Kristus král Izraelský, nechažť nyní sstoupí s kříže, ať uzříme a uvěříme. A i ti, kteříž s ním ukřižováni byli, útržku mu činili.
Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba.
33 A když byla hodina šestá, stala se tma po vší zemi až do hodiny deváté.
Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.
34 A v hodinu devátou zvolal Ježíš hlasem velikým, řka: Elói, Elói, lama zabachtani? jenž se vykládá: Bože můj, Bože můj, pročs mne opustil?
Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?
35 A někteří z okolo stojících, slyševše to, pravili: Hle, Eliáše volá.
Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, anodana Eria.
36 A běžev jeden, naplnil houbu octem a vloživ na tresť, dával jemu píti, řka: Ponechte, uzříme, přijde-li Eliáš, aby jej složil.
Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa.
37 Ježíš pak zvolav hlasem velikým, pustil duši.
Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya.
38 A opona v chrámě roztrhla se na dvé, od vrchu až dolů.
Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi.
39 Viděv pak to centurio, kterýž naproti stál, že tak volaje, vypustil duši, řekl: Jistě člověk tento Syn Boží byl.
Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.
40 Byly pak tu i ženy, zdaleka se dívajíce, mezi nimiž byla Maria Magdaléna, a Maria Jakuba menšího, a Jozesova mátě, a Salome.
Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho mudiki naJose, naSarome,
41 Kteréž, když ještě byl v Galilei, chodily za ním a posluhovaly jemu, i jiné mnohé, kteréž byly s ním vstoupily do Jeruzaléma.
(avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye.
42 A když již byl večer, (že byl den připravování, to jest před sobotou, )
Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,
43 Přišed Jozef z Arimatie, počestná osoba úřadná, kterýž také očekával království Božího, směle všel ku Pilátovi a prosil za tělo Ježíšovo.
Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari; wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.
44 Pilát pak podivil se, již-li by umřel. A povolav centuriona, otázal se ho, dávno-li je umřel.
Pirato akashamisika nokuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa.
45 A zvěděv od centuriona, dal tělo Jozefovi.
Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha.
46 A Jozef koupiv plátna, a složiv ho s kříže, obvinul v plátno, i položil do hrobu, kterýž byl vytesán z skály, a přivalil kámen ke dveřům hrobovým.
Akatenga mucheka wakaisvonaka, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva.
47 Ale Maria Magdaléna a Maria Jozesova dívaly se, kde by byl položen.
Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa.

< Marek 15 >