< Sudcov 4 >

1 Po smrti pak Ahoda činili opět synové Izraelští to, což jest zlého před očima Hospodinovýma.
Shure kwokufa kwaEhudhi, vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha.
2 I vydal je Hospodin v ruce Jabína krále Kananejského, kterýž kraloval v Azor; (a kníže vojska jeho byl Zizara), sám pak bydlil v Haroset pohanském.
Saka Jehovha akavatengesa mumaoko aJabhini, mambo weKenani, aitonga ari muHazori. Mukuru wehondo yake akanga ari Sisera, uyo aigara muHarosheti Hagoyimi.
3 Tedy volali synové Izraelští k Hospodinu; nebo devět set vozů železných měl, a on násilně ssužoval Izraele za dvadceti let.
Nokuda kwokuti akanga ane ngoro dzesimbi mazana mapfumbamwe uye akadzvinyirira vaIsraeri zvakaipisisa kwazvo kwamakore makumi maviri, vakachemera rubatsiro kuna Jehovha.
4 Debora pak žena prorokyně, manželka Lapidotova, soudila lid Izraelský toho času.
Dhibhora, muprofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, akanga achitungamirira vaIsraeri panguva iyoyo.
5 (A bydlila Debora pod palmou, mezi Ráma a mezi Bethel na hoře Efraim), i chodili k ní synové Izraelští k soudu.
Aitonga mhaka ari pasi poMuchindwe waDhibhora pakati peRama neBheteri munyika yezvikomo yaEfuremu, uye vaIsraeri vaiuya kwaari kuzotongerwa mhosva dzavo.
6 Kterážto poslavši, povolala Baráka, syna Abinoemova, z Kádes Neftalímova, a řekla jemu: Zdaližť nerozkázal Hospodin Bůh Izraelský: Jdi, a shromáždě lid na horu Tábor, vezmi s sebou deset tisíc mužů z synů Neftalím a z synů Zabulon.
Akatuma shoko kuna Bharaki mwanakomana waAbhinoami aibva kuKadheshi muNafutari akati kwaari, “Jehovha, Mwari waIsraeri anokurayira kuti, ‘Enda undotora zviuru gumi zvavarume veNafutari neveZebhuruni ugovatungamirira kuGomo reTabhori.
7 Nebo přitáhnu k tobě ku potoku Císon Zizaru kníže vojska Jabínova, a vozy jeho i množství jeho, a dám jej v ruku tvou.
Ndichakwezva Sisera, mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake uye namauto ake kuRwizi rweKishoni ndigomuisa mumaoko ako.’”
8 I řekl jí Barák: Půjdeš-li se mnou, půjdu; pakli nepůjdeš se mnou, nepůjdu.
Bharaki akati kwaari, “Kana imi mukaenda neni, ini ndichaenda; asi kana musingaendi neni, neni handingaendi.”
9 Kteráž odpověděla: Jáť zajisté půjdu s tebou, ale nebudeť s slávou tvou cesta, kterouž půjdeš, nebo v ruku ženy dá Hospodin Zizaru. Tedy vstavši Debora, šla s Barákem do Kádes.
Dhibhora akati, “Zvakanaka hazvo, ndichaenda newe. Asi nokuda kwenzira yauri kuda kuita nayo izvi, kukudzwa hakungavi kwako, nokuti Jehovha achaisa Sisera muruoko rwomukadzi.” Saka Dhibhora akaenda naBharaki kuKadheshi,
10 Svolav pak Barák Zabulonské a Neftalímské do Kádes, vyvedl za sebou deset tisíc mužů; a šla s ním i Debora.
uko kwaakandodana Zebhuruni naNafutari. Varume zviuru gumi vakamutevera, naDhibhorawo akaenda navo.
11 Heber pak Cinejský oddělil se od Kaina, od synů Chobab, tchána Mojžíšova, a rozbil stany své až k Elon v Sananim, jenž jest v Kádes.
Zvino Hebheri muKeni akanga asiya vamwe vaKeni, zvizvarwa zvaHobhabhi, hanzvadzi yomukadzi waMozisi akandodzika tende rake pamuti mukuru muZaananimi pedyo neKadheshi.
12 Oznámeno pak bylo Zizarovi, že vytáhl Barák syn Abinoemův na horu Tábor.
Vakati vaudza Sisera kuti Bharaki mwanakomana waAbhinoami akanga akwidza kuGomo reTabhori,
13 Protož shromáždil Zizara všecky vozy své, devět set vozů železných, a všecken lid, kterýž měl s sebou z Haroset pohanského, ku potoku Císon.
Sisera akaunganidza pamwe chete ngoro dzesimbi mazana mapfumbamwe navarume vose vaaiva navo, kubva kuHarosheti Hagoyimi kusvikira kuRwizi rweKishoni.
14 I řekla Debora Barákovi: Vstaň, nebo tento jest den, v němž dal Hospodin Zizaru v ruku tvou. Zdali Hospodin nevyšel před tebou? I sstoupil Barák s hory Tábor, a deset tisíc mužů za ním.
Ipapo Dhibhora akati kuna Bharaki, “Enda! Iri ndiro zuva rapiwa Sisera mumaoko ako naJehovha. Ko, Jehovha haasi mberi kwako here?” Saka Bharaki akaburuka muGomo reTabhori, achiteverwa navarume zviuru gumi.
15 A porazil Hospodin Zizaru a všecky ty vozy, i všecka ta vojska ostrostí meče před Barákem; a sskočiv Zizara s vozu, utíkal pěšky.
Pakungofamba kwaBharaki, Jehovha akakunda nomunondo Sisera nengoro dzake dzose nehondo yake, uye Sisera akasiya ngoro yake akatiza netsoka.
16 Ale Barák honil ty vozy a vojsko až do Haroset pohanského; i padlo všecko vojsko Zizarovo od ostrosti meče, tak že nezůstalo ani jednoho.
Asi Bharati akatevera ngoro nehondo yaSisera akandosvika kuHarosheti Hagoyimi. Mauto ose aSisera akaurayiwa nomunondo; hapana munhu akasara.
17 Zizara pak utíkal pěšky k stanu Jáhel, manželky Hebera Cinejského; nebo pokoj byl mezi Jabínem králem Azor a mezi čeledí Hebera Cinejského.
Kunyange zvakadaro hazvo, Sisera akatiza netsoka akaenda kutende raJaeri, mukadzi waHebheri muKeni, nokuti pakati paJabhini mambo weHazori nemhuri yaHebheri pakanga pane kunzwanana.
18 I vyšedši Jáhel v cestu Zizarovi, řekla jemu: Uchyl se, pane můj, uchyl se ke mně, neboj se. I uchýlil se k ní do stanu, a přistřela jej huní.
Jaeri akabuda kuti andosangana naSisera akati kwaari, “Uyai ishe wangu, pindai zvenyu mukati chaimo. Musatya.” Saka akapinda mutende rake, uye akaisa chifukidzo pamusoro pake.
19 Kterýž řekl jí: Dej mi, prosím, píti maličko vody, nebo žízním. A otevřevši nádobu mléčnou, dala mu píti a přikryla ho.
Akati, “Ndine nyota. Ndapota, ndipeiwo mvura.” Akadziura guchu romukaka, akamupa kuti anwe, ndokubva amufukidza hake.
20 Řekl také jí: Stůj u dveří stanu, a při-šel-li by kdo, a ptal se tebe, řka: Jest-li zde kdo? odpovíš: Není.
Akatizve kwaari, “Mira pamukova wetende. Kana mumwe munhu akauya pano akakubvunza achiti, ‘Pano munhu here pano?’ uti, ‘Kwete.’”
21 Potom vzala Jáhel manželka Heberova hřeb od stanu, vzala též kladivo v ruku svou, a všedši k němu tiše, vrazila hřeb do židovin jeho, až uvázl v zemi; (nebo ustav, tvrdě byl usnul), a tak umřel.
Asi Jaeri, mukadzi waHebheri, akatora mbambo yetende nenyundo akaenda paari chinyararire, iye akafa nehope, aneta. Akaroverera mbambo napachavovo, ikanyura muvhu, akafa.
22 A aj, Barák honil Zizaru. I vyšla Jáhel vstříc jemu, a řekla mu: Poď, a ukážiť muže, kteréhož hledáš. I všel k ní, a aj, Zizara ležel mrtvý na zemi, a hřeb v židovinách jeho.
Bharaki akasvika achitevera Sisera, uye Jaeri akabuda kundomuchingamidza, achiti, “Uyai, ndizokuratidzai munhu wamuri kutsvaka.” Saka akapinda naye mukati, onei hoyo Sisera avete uye mbambo yetende iri muchavovo chake, afa.
23 A tak ponížil Bůh toho dne Jabína krále Kananejského před syny Izraelskými.
Pazuva iro, Mwari akakunda Jabhini, mambo wavaKenani, pamberi pavaIsraeri.
24 I dotírala ruka synů Izraelských vždy více, a silila se proti Jabínovi králi Kananejskému, až i vyhladili téhož Jabína krále Kananejského.
Uye ruoko rwavaIsraeri rwakaramba ruchiwedzera simba pakurwisa Jabhini, mambo wavaKenani kusvikira vamuparadza.

< Sudcov 4 >