< Galatským 6 >

1 Bratří, byl-li by zachvácen člověk v nějakém pádu, vy duchovní napravte takového v duchu tichosti, prohlédaje každý sám k sobě, abys snad i ty nebyl pokoušín.
Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwawo.
2 Jedni druhých břemena neste a tak plňte zákon Kristův.
Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.
3 Nebo zdá-li se komu, že by něco byl, nic nejsa, takového vlastní mysl jeho svodí.
Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera.
4 Ale díla svého zkus jeden každý, a takť sám v sobě chválu míti bude, a ne v jiném.
Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo,
5 Neb jeden každý své břímě ponese.
nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake.
6 Sdílejž se pak ten, kterýž naučení přijímá v slovu Páně, s tím, od kohož naučení béře, vším svým statkem.
Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nounomudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
7 Nemylte se, Bůhť nebude oklamán; nebo cožkoli rozsíval by člověk, toť bude i žíti.
Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara.
8 A kdož rozsívá tělu svému, z těla žíti bude porušení; ale kdož rozsívá Duchu, z Duchať žíti bude život věčný. (aiōnios g166)
Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo. (aiōnios g166)
9 Èiníce pak dobře, neoblevujme; nebo časem svým budeme žíti, neustávajíce.
Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.
10 A protož dokudž čas máme, čiňme dobře všechněm, a zvláště nejvíce pak domácím víry
Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.
11 Hle, jaký jsem vám list napsal svou rukou.
Tarirai kukura kwamavara andinoshandisa sezvo ndichikunyorerai imi noruoko rwangu!
12 Ti, kteříž chtějí tvární býti podle těla, nutí vás, abyste se obřezovali, jediné aby protivenství pro kříž Kristův netrpěli.
Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.
13 Nebo ani sami ti, kteříž se obřezují, nezachovávají Zákona, ale chtí, abyste se obřezovali proto, aby se tělem vaším chlubili.
Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu.
14 Ale ode mne odstup to, ať abych se v čem chlubil, jediné v kříži Pána našeho Jezukrista, skrze něhož jest mi svět ukřižován, a já světu.
Ini ngandirege kutongozvikudza kunze kwomumuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, uyo kubudikidza nawo nyika yakarovererwa kwandiri, uye ini kunyika.
15 Nebo v Kristu Ježíši ani obřízka nic neplatí, ani neobřízka, ale nové stvoření.
Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvirevi chinhu; chinokosha ndiko kuva chisikwa chitsva.
16 A kteříkoli tohoto pravidla následují, pokoj přijde na ně a milosrdenství, i na lid Boží Izraelský.
Rugare nengoni kuna avo vanotevera murayiro uyu, kunyange kuIsraeri yaMwari.
17 Dále pak žádný mi nečiň zaměstknání, já zajisté jízvy Pána Ježíše nosím na těle svém.
Pakupedzisira, ngakurege kuva nomunhu anonditambudza, nokuti ndakatakura mumuviri wangu mavanga aJesu.
18 Milost Pána Ježíše Krista budiž s duchem vaším, bratří. Amen.
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.

< Galatským 6 >