< Skutky Apoštolů 3 >
1 Petr pak a Jan spolu vstupovali do chrámu v hodinu modlitebnou devátou.
Rimwe zuva Petro naJohani vakanga vachikwidza kuenda kutemberi nenguva yokunyengetera, panguva yechitatu yamasikati.
2 A muž nějaký, chromý tak narozený z života matky své, nesen byl, kteréhož sázeli na každý den u dveří chrámových, kteréž slouly Krásné, aby prosil za almužnu těch, kteříž vcházeli do chrámu.
Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi.
3 Ten uzřev Petra a Jana, ani vcházeti měli do chrámu, prosil jich, aby mu almužnu dali.
Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari.
4 I pohleděv naň Petr s Janem, řekl: Hleď na nás.
Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!”
5 A on pilně pohleděl na ně, naděje se, že něco vezme od nich.
Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo.
6 Tedy řekl Petr: Stříbra a zlata nemám, ale což mám, to tobě dám. Ve jménu Ježíše Krista Nazaretského vstaň a choď.
Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.”
7 I ujav jej za ruku jeho pravou, pozdvihl ho, a hned utvrzeny jsou nohy jeho i kloubové.
Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba.
8 A zchytiv se, stál, a chodil, a všel s nimi do chrámu, chodě, a poskakuje, a chvále Boha.
Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetuka-svetuka, achirumbidza Mwari.
9 A viděl jej všecken lid, an chodí a chválí Boha.
Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari,
10 I poznali ho, že jest ten, kterýž na almužně sedával u dveří Krásných chrámových. I naplněni jsou strachem a děšením nad tím, což se stalo jemu.
vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari.
11 A když se ten uzdravený přídržel Petra a Jana, sběhl se k nim všecken lid do síňce, kteráž sloula Šalomounova, předěšen jsa.
Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni.
12 To viděv Petr, promluvil k lidu: Muži Izraelští, co se divíte tomuto? Anebo co na nás tak pilně hledíte, jako bychom my svou mocí aneb nábožností učinili to, aby tento chodil?
Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi varume veIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu?
13 Bůh Abrahamův a Izákův a Jákobův, Bůh otců našich, oslavil Syna svého Ježíše, kteréhož jste vy vydali a odepřeli se před tváří Pilátovou, kterýž ho soudil býti hodného propuštění.
Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho, Mwari wamadzibaba edu, akudza muranda wake Jesu. Makamuendesa kundourayiwa, uye imi makamuramba pamberi paPirato, kunyange akanga afunga kumuregedza hake.
14 Vy pak svatého a spravedlivého odepřeli jste se a prosili jste za muže vražedníka, aby vám byl dán.
Makaramba iye Mutsvene naiye Akarurama Oga uye mukakumbira kuti mhondi isunungurwe.
15 Ale dárce života zamordovali jste, kteréhož Bůh vzkřísil z mrtvých; čehož my svědkové jsme.
Makauraya muvambi woupenyu, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi.
16 A skrze víru ve jméno jeho, tohoto, kteréhož vy vidíte a znáte, utvrdilo jest jméno jeho a víra, kteráž jest skrze něho, dala jemu celé zdraví toto před obličejem všech vás.
Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose.
17 Ale nyní, bratří, vím, že jste to z nevědomí učinili, jako i knížata vaše.
“Zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makaita nokusaziva sezvakangoitawo vatungamiri venyu.
18 Bůh pak to, což předzvěstoval skrze ústa všech proroků, že měl Kristus trpěti, tak jest naplnil.
Asi ndiwo mazadzisiro akaita Mwari zvaakataura kare kubudikidza navaprofita vose, achitaura kuti Kristu wake aizotambudzika.
19 Protož čiňte pokání, a obraťte se, aby byli shlazeni hříchové vaši, když by přišli časové rozvlažení od tváři Páně,
Naizvozvo, tendeukai zvino, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kuna She dzisvike
20 A poslal by toho, kterýž vám kázán jest, Ježíše Krista.
uye kuti atume Kristu, iye akagadzwa nokuda kwenyu, iye Jesu.
21 Kteréhož zajisté musí přijíti nebesa, až do času napravení všech věcí; což byl předpověděl Bůh skrze ústa svých svatých proroků od věků. (aiōn )
Anofanira kumboramba ari kudenga kusvikira nguva yokuti Mwari avandudze zvinhu zvose yasvika, sezvaakavimbisa kare kare kubudikidza navaprofita vake vatsvene. (aiōn )
22 Mojžíš zajisté otcům řekl, že Proroka vám vzbudí Pán Bůh váš z bratří vašich jako mne, jehož poslouchati budete ve všem, cožkoli bude mluviti vám.
Nokuti Mozisi akati, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akafanana neni kubva pakati pavanhu venyu chaivo; munofanira kuteerera zvose zvaanokuudzai.
23 A staneť se, že každá duše, kteráž by neposlouchala toho Proroka, vyhlazena bude z lidu mého.
Ani naani zvake asingamuteereri achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu vokwake.’
24 Ano i všickni proroci od Samuele a potomních, kteřížkoli mluvili, také jsou o těchto dnech předzvěstovali.
“Zvirokwazvo, vaprofita vose kubva kuna Samueri zvichienda mberi, vazhinji vavo vakataura, vakaprofita nezvamazuva ano.
25 Vy jste synové proroků a synové úmluvy, kterouž učinil Bůh s otci našimi, řka k Abrahamovi: V semeni tvém požehnány budou všecky čeledi země.
Imi muri vadyi venhaka yavaprofita neyesungano yakaitwa naMwari namadzibaba enyu. Akati kuna Abhurahama, ‘Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.’
26 Vám nejprve Bůh, vzbudiv Syna svého Ježíše, poslal ho dobrořečícího vám, aby se jeden každý z vás odvrátil od nepravostí svých.
Mwari akati amutsa muranda wake, akatanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei nokukutendeutsai mumwe nomumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzakaipa.”