< 2 Korintským 1 >
1 Pavel, apoštol Ježíše Krista skrze vůli Boží, a Timoteus bratr, církvi Boží, kteráž jest v Korintu, se všemi svatými, kteříž jsou ve vší Achaii:
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose:
2 Milost vám a pokoj od Boha Otce našeho a Pána Jezukrista.
Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichibva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
3 Požehnaný Bůh a Otec Pána našeho Jezukrista, Otec milosrdenství, a Bůh všelikého potěšení,
Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose,
4 Kterýž těší nás ve všelikém ssoužení našem, abychom i my mohli potěšovati těch, kteříž by byli v jakémkoli ssoužení, a to tím potěšením, kterýmž i my potěšeni jsme od Boha.
ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.
5 Nebo jakož se rozhojňují utrpení Kristova na nás, tak skrze Krista rozhojňuje se i potěšení naše.
Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu muupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu.
6 Nebo buďto že souženi jsme, pro vaše potěšení a spasení souženi jsme, kteréž se působí v snášení týchž trápení, kteráž i my trpíme; buďto že potěšováni býváme, pro vaše potěšení a spasení potěšováni býváme. A naděje naše pevná jest o vás.
Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo.
7 Poněvadž víme, že jakož jste účastníci utrpení, také i potěšení.
Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu.
8 Nechcemeť zajisté, abyste nevěděli, bratří, o soužení našem, kteréž jsme měli v Azii, že jsme nad míru přetíženi byli a nad možnost, tak že jsme již o životu svém byli pochybili.
Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatakagona kutsungirira, zvokuti takati takanga tofa.
9 Nýbrž sami v sobě již jsme byli tak usoudili, že nebylo lze než umříti, abychom nedoufali sami v sobě, ale v Bohu, jenž i mrtvé křísí.
Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa.
10 Kterýž z takového nebezpečenství smrti vytrhl nás, a vytrhuje, v něhož doufáme, že i ještě vytrhne,
Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura,
11 Když i vy nám pomáhati budete modlitbami za nás, aby z daru toho, příčinou mnohých osob nám daného, od mnohých děkováno bylo Bohu za nás.
imi muchitibatsirawo neminyengetero yenyu. Ipapo vazhinji vachavonga pamusoro pedu nokuda kwenyasha zhinji dzatichapiwa pakupindurwa kweminyengetero yavazhinji.
12 Nebo chlouba naše tato jest, svědectví svědomí našeho, že v sprostnosti a v upřímosti Boží, ne v moudrosti tělesné, ale v milosti Boží obcovali jsme na tomto světě, zvláště pak u vás.
Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari.
13 Neboť nepíšeme vám nic jiného, nežli to, což čtete, aneb což prvé znáte. A naději mám, že až do konce tak znáti budete.
Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti,
14 Jakož jste již i z stránky poznali nás, žeť jsme chlouba vaše, podobně jako i vy naše, v den Pána Ježíše.
sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu.
15 A v tomť doufání chtěl jsem k vám přijíti nejprve, abyste druhou milost měli,
Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri.
16 A skrze vás jíti do Macedonie, a zase z Macedonie přijíti k vám, a potom od vás abych byl doprovozen do Judstva.
Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea.
17 O tom pak když jsem přemyšloval, zdali jsem co lehkomyslně činil? Aneb což přemyšluji, zdali podle těla přemyšluji, tak aby bylo při mně: Jest, jest, není, není?
Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.”
18 Ale víť to věrný Bůh, že řeč naše, kteráž byla mluvena k vám, nebyla: Jest, a není.
Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.”
19 Nebo Syn Boží Ježíš Kristus, kterýž mezi vámi kázán jest skrze nás, totiž skrze mne a Silvána a Timotea, nebyl: Jest, a není, ale bylo v kázání o něm: Jest,
Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.”
20 (Nebo kolikžkoli jest zaslíbení Božích, v němť jsou: Jest, a v němť také jest Amen, ) k slávě Bohu skrze nás.
Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe.
21 Ten pak, kterýž potvrzuje nás s vámi v Kristu, a kterýž pomazal nás, Bůh jest.
Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza,
22 Kterýž i znamenal nás, a dal závdavek Ducha svatého v srdce naše.
akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya.
23 Já pak Boha za svědka beru na svou duši, že lituje vás, ještě jsem nepřišel do Korintu.
Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi.
24 Ne jako bychom panovali nad věrou vaší, ale pomocníci jsme radosti vaší; nebo věrou stojíte.
Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda.