< 1 Timoteovi 5 >
1 Staršího zuřivě netresci, ale napomínej jako otce, mladších jako bratří,
Usatuka mukuru, asi umutsiure sababa, vadiki sevanin'ina,
2 Starých žen jako matek, mladic jako sestr, ve vší čistotě.
vakadzi vakuru sanamai; vakadzi vadiki sehanzvadzi, pakuchena kwese.
3 Vdovy měj v uctivosti, kteréž pravé vdovy jsou.
Kudza chirikadzi dziri chirikadzi zvirokwazvo.
4 Pakli která vdova syny nebo vnuky má, nechažť se oni učí předně k svému domu pobožnosti dokazovati, a zase rodičům se odplacovati; neboť jest to chvalitebné a vzácné před obličejem Božím.
Asi kana imwe chirikadzi ine vana kana vazukuru, ngavatange kudzidza kuratidza rukudzo kumba kwavo pachavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki; nokuti ndizvo zvakanaka zvinogamuchirwa pamberi paMwari.
5 Kterážť pak právě vdova jest a osaměla, máť naději v Bohu, a trváť na modlitbách a svatých žádostech dnem i nocí.
Zvino uyo ari chirikadzi zvirokwazvo yakasiiwawo yega anovimba naMwari, anogarawo pamikumbiro neminyengetero siku nesikati.
6 Ale rozkošná, ta živa jsuci, již umřela.
Asi uyo anozvipira kuzvifadza, wakafa ari mupenyu.
7 Protož jim to přikaž, ať jsou bez úhony.
Uye raira zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.
8 Jestliže pak kdo o své, a zvláště o domácí péče nemá, zapřelť jest víry, a jest horší nežli nevěřící.
Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuruwo veimba yake, waramba rutendo, uye wakaipa kukunda asingatendi.
9 Vdova buď vyvolená, kteráž by neměla méně šedesáti let, kteráž byla jednoho muže manželka,
Chirikadzi ngainyorwe pasi ine makore asiri pasi pemakumi matanhatu, yaiva mukadzi wemurume umwe,
10 O níž by svědectví bylo, že dobré skutky činila; a jestliže dítky své zbožně vychovala, do domu pocestné přijímala, jestliže svatým nohy umývala, jestliže bídným posluhovala, jestliže každého skutku dobrého pilná byla.
inopupurirwa mabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yakagamuchira vaeni, kana yakashambidza tsoka dzevatsvene, kana yakabatsira vari mumatambudziko, kana yakateverera basa rese rakanaka.
11 Ale mladých vdov nepřijímej; nebo když, nedbajíce na Krista, v chlipnost se vydadí, teprv se vdávati chtějí,
Asi chirikadzi diki urambe, nokuti kana dzochiva zvinopesana naKristu, dzinoda kuwanikwa;
12 Jsouce již hodné odsouzení, protože první víru zrušily.
dzava nemhosva, nokuti dzarasa rutendo rwekutanga.
13 Nýbrž také i zahálejíce, učí se choditi po domích; a netoliko nedělné, ale jsou i klevetné a všetečné, mluvíce, což nesluší.
Neipapowo dzinodzidza usimbe dzichipotedza dzimba; uye hadzisi simbe chete, asi vezvisina maturo, vanopindira zvisi zvavo, vachitaura zvavasingafaniri.
14 Protož chci, aby se mladší vdávaly, děti rodily, hospodyně byly, a tak žádné příčiny protivníku nedávaly ku pomlouvání.
Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi diki dziwanikwe, dzibereke vana, dzibate dzimba dzadzo, dzirege kutongopa muvengi mukana wekutuka.
15 Nebo již se některé uchýlily zpět po satanovi.
Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.
16 Protož má-liť kdo věřící neb která věřící vdovy, opatrujž je, a nebuď obtěžována církev, aby těm, kteréž právě vdovy jsou, postačilo.
Kana murume upi neupi kana mukadzi anotenda ane chirikadzi, ngaadzibatsire, nekereke irege kuremedzwa, kuti ibatsire chirikadzi chaidzo.
17 Předložení, kteříž dobře spravují, dvojí cti hodni jmíni buďte, zvláště ti, kteříž pracují v slovu Božím a v učení.
Vakuru vanobata zvakanaka ngavaverengerwe sevanofanirwa nekukudzwa kwakapetwa, zvikuru avo vanobata nesimba pashoko nepadzidziso.
18 Nebo praví Písmo: Volu mlátícímu nezavížeš úst. A hodenť jest dělník své mzdy.
Nokuti rugwaro rwunoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye: Mushandi wakafanirwa nemubairo wake.
19 Proti staršímu žaloby nepřijímej, leč pode dvěma nebo třmi svědky.
Usangogamuchira mhaka inopomerwa mutariri, kunze kana kuri mberi kwezvapupu zviviri kana zvitatu.
20 Ty pak, kteříž hřeší, přede všemi tresci, aby i jiní bázeň měli.
Vanotadza utsiure pamberi pevese, kuti vamwewo vave nekutya.
21 Osvědčujiť před obličejem Božím a Pána Jezukrista, i vyvolených andělů jeho, abys těchto věcí ostříhal bez přijímání osob, nic nečině podle náchylnosti.
Ndinokurairisa kwazvo pamberi paMwari naIshe Jesu Kristu, nevatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingagari watotonga, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.
22 Nevzkládej rukou rychle na nižádného, a nepřiúčastňuj se hříchům cizím. Sebe samého ostříhej v čistotě.
Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kugovana pazvivi zvevamwe; uzvichengete iwe uri mutsvene.
23 Nepij již více vody, ale vína skrovně užívej, pro svůj žaludek a časté nemoci své.
Usachiramba uchinwa mvura chete, asi ushandise waini shoma, nekuda kwemudumbu mako neundonda hwako hwekazhinji.
24 Některých lidí hříchové prve zjevní jsou, předcházející soud, některých pak i následují.
Zvivi zvevamwe vanhu zviri pachena, zvinotungamirira kukutongwa; zvevamwewo zvichiteverawo.
25 A takž také i skutkové dobří prve zjevní jsou. Což pak jest jinak, ukrýti se nemůže.
Saizvozvowo mabasa akanaka ari pachena, neasina kudaro haagoni kuvanzwa.