< Titovi 3 >

1 Napomínej jich, ať jsou knížatům a mocnostem poddáni, jich poslušni, a ať jsou k každému skutku dobrému hotovi.
Uyeuchidze vanhu kuti vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka,
2 Žádnému ať se nerouhají, nejsou svárliví, ale přívětiví, dokazujíce všeliké tichosti ke všechněm lidem.
kuti varege kuchera vamwe, vagare murunyararo, vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose.
3 Byliť jsme zajisté i my někdy nesmyslní, tvrdošijní, bloudící, sloužíce žádostem a rozkošem rozličným, v zlosti a v závisti bydlíce, ohyzdní, vespolek se nenávidíce.
Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, takatapwa nokuchiva kwose uye nezvinofadza. Taigara muruvengo negodo, tichivengwa nokuvengana.
4 Ale když se zjevila dobrota a láska k lidem spasitele našeho Boha,
Asi pakaratidzwa ngoni norudo rwaMwari Muponesi wedu,
5 Ne z skutků spravedlnosti, kteréž bychom my činili, ale podlé milosrdenství svého spasil nás, skrze obmytí druhého narození, a obnovení Ducha svatého;
akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,
6 Kteréhož vylil na nás hojně, skrze Jezukrista spasitele našeho,
uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu,
7 Abychom, ospravedlněni jsouce milostí jeho, byli dědicové v naději života věčného. (aiōnios g166)
kuitira kuti mushure mokunge taruramisirwa nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi. (aiōnios g166)
8 Věrnáť jest řeč tato, a chciť, abys těch věcí potvrzoval, ať se snaží v dobrých skutcích předčiti, kteříž uvěřili Bohu. A toť jsou ty věci poctivé, i lidem užitečné.
Iri ishoko rezvokwadi. Uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, kuitira kuti vaya vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira munhu wose.
9 Nemoudré pak otázky, a vyčítání rodů, a sváry, a hádky zákonní zastavuj; neboť jsou neužitečné a marné.
Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri.
10 Člověka kacíře po jednom neb druhém napomínání vyvrz.
Yambira munhu anotsausa kokutanga uye ugomuyambirazve kechipiri. Mushure mezvo usava nechokuita naye.
11 Věda, že takový jest převrácený, a hřeší, svým vlastním soudem jsa odsouzen.
Uve nechokwadi chokuti munhu akadaro akatsauka uye mutadzi; akazvirasa iye amene.
12 Když pošli k tobě Artemana aneb Tychika, snaž se přijíti ke mně do Nikopolim; nebo jsem umínil tam přes zimu pobyti.
Pandichatuma Atema kana Tikikasi kwauri, edza napaunogona napo pose kuti uuye kwandiri paNikopori, nokuti ndichagarako panguva yechando.
13 Zéna, učeného v zákoně, a Apollo s pilností vyprovoď, ať v ničemž nemají nedostatku.
Ita zvose zvaungagona kuti ubatsire Zenasi mududziri womurayiro naAporosi parwendo rwavo uye uite kuti varege kushayiwa chinhu.
14 A nechažť se také učí i naši v dobrých skutcích předčiti, kdež jsou toho potřeby, aby nebyli neužiteční.
Vanhu vedu vanofanira kudzidza kuzvipira kuita zvakanaka, kuitira kuti vagone kutibatsira pazvinhu zvinodiwa mazuva ose uye kuti vasararama upenyu husina zvibereko.
15 Pozdravují tě, kteříž jsou se mnou, všickni. Pozdraviž těch, kteříž nás milují u víře. Milost Boží se všechněmi vámi. Amen.
Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ukwazise vose vanotida mukutenda. Nyasha ngadzive nemi mose.

< Titovi 3 >