< Zjevení Janovo 21 >
1 Potom viděl jsem nebe nové a zemi novou. Nebo první nebe a první země byla pominula, a moře již nebylo.
Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rekutanga nenyika yekutanga zvakange zvapfuura, uye gungwa rakange risisipo.
2 A já Jan viděl jsem město svaté, Jeruzalém nový, sstupující od Boha s nebe, připravený jako nevěstu okrášlenou muži svému.
Zvino ini Johwani ndakaona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kuna Mwari kubva kudenga, rakagadzirirwa semwenga wakashongedzerwa murume wake.
3 I slyšel jsem hlas veliký s nebe, řkoucí: Aj, stánek Boží s lidmi, a bydlitiť bude s nimi, a oni budou lid jeho, a on Bůh s nimi bude, jsa Bůh jejich.
Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva kudenga, richiti: Tarira, tabhenakeri yaMwari iri pavanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake; naMwari amene achava navo, ari Mwari wavo.
4 A setřeť Bůh všelikou slzu s očí jejich, a smrti již více nebude, ani kvílení, ani křiku, ani bolesti nebude více; nebo první věci pominuly.
Zvino Mwari achapusika misodzi yese kubva pameso avo, nerufu haruchazovipo, kana kushungurudzika, kana kurira, kana kurwadziwa hakungachavipo; nokuti zvinhu zvekutanga zvapfuura.
5 I řekl ten, kterýž seděl na trůnu: Aj, nové činím všecko. I řekl mi: Piš. Nebo jsou tato slova věrná a pravá.
Zvino agere pachigaro cheushe wakati: Tarira, ndinoita zvinhu zvese zvive zvitsva. Ndokuti kwandiri: Nyora; nokuti mashoko awa ndeechokwadi uye akatendeka.
6 I dí mi: Stalo se. Jáť jsem Alfa i Oméga, počátek i konec. Jáť dám žíznivému z studnice vody živé darmo.
Zvino akati kwandiri: Zvaitika. Ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira. Ini ndichapa kuna iye ane nyota zvinobva pachitubu chemvura yeupenyu pachena.
7 Kdož svítězí, obdržíť dědičně všecko, a buduť jemu Bohem, a on mi bude synem.
Anokunda achagara nhaka yezvinhu zvese; uye ndichava Mwari wake, naiye achava mwanakomana wangu.
8 Strašlivým pak, a nevěrným, a ohyzdným, a vražedlníkům, a smilníkům, a čarodějníkům, a modlářům, i všechněm lhářům, díl jejich v jezeře, kteréž hoří ohněm a sirou, jenž jest smrt druhá. (Limnē Pyr )
Asi vanotya, nevasingatendi, nevanyangadzi, nemhondi, nemhombwe, nevaroyi, nevanonamata zvifananidzo, nevese varevi venhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nemoto nesarufa; rwunova rufu rwechipiri. (Limnē Pyr )
9 I přišel ke mně jeden z těch sedmi andělů, kteříž měli sedm koflíků plných sedmi ran nejposlednějších, a mluvil se mnou, řka: Poď, ukážiť nevěstu, manželku Beránkovu.
Zvino kwakauya kwandiri umwe wevatumwa vanomwe vakange vane ndiro nomwe dzizere nematambudziko manomwe ekupedzisira, akataura neni, achiti: Uya pano ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.
10 I vnesl mne v duchu na horu velikou a vysokou, a ukázal mi město veliké, ten svatý Jeruzalém, sstupující s nebe od Boha,
Zvino wakanditakurira muMweya kugomo guru uye refu, akandiratidza guta guru, Jerusarema dzvene, richiburuka kubva kudenga kubva kuna Mwari,
11 Mající slávu Boží. Jehož světlost byla podobná k kameni nejdražšímu, jako k kameni jaspidu, kterýž by byl způsobu křištálového,
rine kubwinya kwaMwari; uye chiedza charo chakaita sebwe rinokoshesesa, sebwe rejasipisi, rinonjenjemera sekrisitaro;
12 A mající zed velikou a vysokou, mající dvanácte bran, a na těch branách dvanácte andělů, a jména napsaná, kterážto jsou dvanáctera pokolení synů Izraelských.
uye rakange rine rusvingo rukuru uye rurefu, rine masuwo gumi nemaviri, nevatumwa gumi nevaviri pamusuwo, nemazita akanyorwa pamusoro, ari emarudzi gumi nemaviri evana vaIsraeri.
13 Od východu slunce brány tři, od půlnoci brány tři, od poledne brány tři, od západu brány tři.
Kumabvazuva masuwo matatu; kumaodzanyemba masuwo matatu; kuchamhembe masuwo matatu; nekumavirira masuwo matatu;
14 A zed městská měla základů dvanácte, a na nich jména dvanácti apoštolů Beránkových.
zvino rusvingo rweguta rwakange rwune nheyo gumi nembiri, nepadziri mazita evaapositori gumi nevaviri veGwayana.
15 A ten, kterýž mluvil se mnou, měl třtinu zlatou, aby změřil město i brány jeho i zed jeho.
Zvino wakataura neni wakange ane rutsanga rwegoridhe, kuti ayere guta, namasuwo aro, nerusingo rwaro.
16 Položení pak města toho čtverhrané jest, jehož dlouhost tak veliká jest jako i širokost. I naměřil toho města tou třtinou dvanácte tisíců honů; dlouhost pak jeho, i širokost, i vysokost jednostejná jest.
Zvino guta rakange rakamiswa rakaenzana mativi mana, nekureba kwaro kwakakura kudai sekufara; ndokuyera guta nerutsanga, rikasvika pamastadhia zvuru gumi nezviviri; kureba nekufara nekukwirira kwaro zvakaenzana.
17 I změřil zed jeho, sto čtyřidceti a čtyři loktů, měrou člověka, kteráž jest míra anděla.
Zvino wakayera rusvingo rwaro, mbimbi zana nemakumi mana nemana, chiyero chemunhu, chinova chemutumwa.
18 A bylo stavení zdi jeho jaspis, město pak samo bylo zlato čisté, podobné sklu čistému.
Uye maiva nechivakwa cherusvingo rwaro, jasipisi, uye guta riri goridhe rakakwana, rakafanana negirazi rakachenesesa.
19 A základové zdi městské všelikým kamenem drahým ozdobeni byli. Základ první byl jaspis, druhý zafir, třetí chalcedon, čtvrtý smaragd,
Nenheyo dzerusvingo rweguta dzakashongedzwa nebwe rimwe nerimwe rinokosha. Nheyo yekutanga ijasipisi, yepiri isafiri, yetatu ikarikidhoni, yechina iemaradhi,
20 Pátý sardonyx, šestý sardius, sedmý chryzolit, osmý beryllus, devátý topazion, desátý chryzoprassus, jedenáctý hyacint, dvanáctý ametyst.
yeshanu isaridhonikisi, yetanhatu isaridhio, yechinomwe ikrisoriti, yerusere bheriri, yepfumbamwe topasi, yegumi kirisopirasi, yegumi neimwe hiasindi, yegumi nembiri ametesiti.
21 Dvanácte pak bran dvanácte perel jest, jedna každá brána jest z jedné perly; a rynk města zlato čisté jako sklo, kteréž se naskrze prohlédnouti může.
Zvino masuwo gumi nemaviri maparera gumi nemaviri; rimwe nerimwe remasuwo rakange riri reparera rimwe; uye nzira yemuguta igoridhe rakakwana segirazi rinonjenjemera.
22 Ale chrámu jsem v něm neviděl; nebo Pán Bůh všemohoucí chrám jeho jest a Beránek.
Zvino handina kuona tembere mukati marwo, nokuti Ishe Mwari Wemasimbaose itembere yarwo, neGwayana.
23 A to město nepotřebuje slunce ani měsíce, aby svítili v něm; nebo sláva Boží je osvěcuje, a svíce jeho jest Beránek.
Zvino guta harishaiwi zuva kana mwedzi kuvhenekera mariri; nokuti kubwinya kwaMwari kunorivhenekera, nemwenje waro iGwayana;
24 A národové, kteříž by k spasení přišli, v světle jeho procházeti se budou, a králové zemští přenesou slávu a čest svou do něho.
zvino marudzi evanoponeswa achafamba muchiedza charo, nemadzimambo enyika achauisa kubwinya nerukudzo rwawo mariri.
25 A brány jeho nebudou zavírány ve dne; noci zajisté tam nebude.
Zvino masuwo aro haangatongopfigwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo.
26 A snesou do něho slávu a čest národů.
Uye vachauisa kubwinya nerukudzo rwendudzi mariri.
27 A nevejdeť do něho nic poškvrňujícího, aneb působícího ohyzdnost a lež, než toliko ti, kteříž napsáni jsou v knize života Beránkova.
Uye hamungatongopindi chero chinhu chinosvibisa mariri, uye chinosemesa, uye nhema; asi vakanyorwa mubhuku reupenyu reGwayana.