< Lukáš 10 >
1 Potom pak vyvolil Pán i jiných sedmdesát, a poslal je po dvou před tváří svou do každého města i místa, kamž měl sám přijíti.
Shure kwezvinhu izvi, Ishe akagadza vamwe makumi manomwewo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo imwe neimwe iye kwaakange achizoenda.
2 A pravil jim: Žeň zajisté jest mnohá, ale dělníků málo. Protož proste Pána žně, ať vypudí dělníky na žeň svou.
Naizvozvo wakati kwavari: Goho zvirokwazvo iguru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wegoho kuti abudisire vashandi pagoho rake.
3 Jdětež. Aj, já posílám vás jako berany mezi vlky.
Endai; tarirai, ini ndinokutumai semakwayana pakati pemapumhi.
4 Nenostež pytlíka, ani mošny, ani obuvi, a žádného na cestě nepozdravujte.
Musatakura chikwama, kana nhava, kana manyatera; uye musakwazisa munhu panzira.
5 A do kteréhožkoli domu vejdete, nejprvé rcete: Pokoj tomuto domu.
Zvino paimba ipi neipi yamunopinda, tangai kuti: Rugare kuimba ino.
6 A bude-liť tu syn pokoje, odpočineť na něm pokoj váš; pakli nic, k vámť se navrátí.
Uye kana mwanakomana werugare ari ipapo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri.
7 A v témž domu ostaňte, jedouce a pijíce, což u nich jest, nebo hoden jest dělník mzdy své. Nechoďtež z domu do domu.
Garai muimba iyo, muchidya nekunwa zvinobva kwavari; nokuti mushandi wakafanirwa nemubairo wake; musapota-pota nedzimba.
8 Ale do kteréhožkoli města vešli byste, a přijali by vás, jezte, což před vás předloží.
Muguta ripi neripi mamunopinda vakakugamuchirai, idyai zvinoiswa mberi kwenyu,
9 A uzdravujte nemocné, kteříž by v něm byli, a rcete jim: Přiblížiloť se k vám království Boží.
muporese varwere varimo, muchiti kwavari: Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.
10 A do kteréhožkoli města vešli byste, a nepřijali by vás, vyjdouce na ulice jeho, rcetež:
Asi muguta ripi neripi ramunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti:
11 Také i ten prach, kterýž se přichytil nás z města vašeho, vyrážíme na vás. Ale však to vězte, žeť se jest přiblížilo k vám království Boží.
Kunyange guruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi, kuti ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.
12 Pravím zajisté vám, že Sodomským v onen den lehčeji bude než tomu městu.
Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma nezuva iro, kupfuura guta iro.
13 Běda tobě Korozaim, běda tobě Betsaido. Nebo kdyby v Týru a v Sidonu činěni byli divové ti, kteříž v vás činěni jsou, dávno by v žíni a v popele sedíce, pokání činili.
Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vatendeuka kare, vakagara vakapfeka masaga nedota.
14 A protož Týru a Sidonu lehčeji bude na soudu nežli vám.
Asi zvichava nani kuTire neSidhoni pakutongwa, kupfuura imwi.
15 A ty Kafarnaum, kteréž jsi až do nebe zvýšeno, až do pekla sníženo budeš. (Hadēs )
Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi kuhadhesi. (Hadēs )
16 Kdož vás slyší, mne slyší; a kdo vámi pohrdá, mnou pohrdá; kdož pak mnou pohrdá, pohrdáť tím, kdož mne poslal.
Anokunzwai imwi anondinzwa ini; neanokurambai imwi anondiramba ini; neanondiramba ini anomuramba wakandituma.
17 Potom navrátilo se s radostí těch sedmdesáte, řkouce: Pane, také i ďáblové se nám poddávají ve jménu tvém.
Vanemakumi manomwe vakadzoka nemufaro, vachiti: Ishe, nemadhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.
18 I řekl jim: Viděl jsem satana jako blesk padajícího s nebe.
Zvino akati kwavari: Ndakaona Satani semheni achiwa achibva kudenga.
19 Aj, dávámť vám moc šlapati na hady a na štíry i na všelikou moc nepřítele, a nic vám neuškodí.
Tarirai, ndinopa kwamuri simba rekutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, nepamusoro pesimba rese remuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai.
20 A však z toho se neradujte, že se vám poddávají duchové, ale raději se radujte, že jména vaše napsána jsou v nebesích.
Asi musafara nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi zvikuru mufare kuti mazita enyu akanyorwa kumatenga.
21 V tu hodinu rozveselil se v duchu Ježíš, a řekl: Chválím tě, Otče, Pane nebe i země, že jsi tyto věci skryl před moudrými a opatrnými, a zjevils je nemluvňátkům. Ovšem, Otče, nebo se tak líbilo před tebou.
Neawa iro Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai, Baba, Ishe wekudenga nenyika, kuti makavanza zvinhu izvi kune vakachenjera nevanonzwisisa, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nokuti saizvozvo zvakava zvakanaka pamberi penyu.
22 Všecky věci dány jsou mi od Otce mého, a žádný neví, kdo by byl Syn, jediné Otec, a kdo by byl Otec, jediné Syn, a komuž by chtěl Syn zjeviti.
Zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, kunze kwaBaba, uye kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanoda kuzarurira.
23 A obrátiv se k učedlníkům obzvláštně, řekl: Blahoslavené oči, kteréž vidí, co vy vidíte.
Zvino akatendeukira kuvadzidzi vari vega akati: Akaropafadzwa meso anoona zvamunoona.
24 Nebo pravím vám, že mnozí proroci i králové chtěli viděti, což vy vidíte, ale neviděli, a slyšeti, což vy slyšíte, ale neslyšeli.
Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji nemadzimambo vaishuva kuona zvinhu zvamunoona imwi, asi havana kuzviona, nekunzwa zvinhu zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.
25 A aj, jeden zákonník vstal, pokoušeje ho, a řka: Mistře, co čině, život věčný dědičně obdržím? (aiōnios )
Zvino tarira, imwe nyanzvi yemutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? (aiōnios )
26 A on řekl jemu: V zákoně co jest psáno? Kterak čteš?
Ndokuti kwaari: Pamurairo pakanyorwei? Unoverenga sei?
27 A on odpověděv, řekl: Milovati budeš Pána Boha svého ze všeho srdce svého, a ze vší duše své, a ze vší síly své, i ze vší mysli své, a bližního svého jako sebe samého.
Uye achipindura, akati: Ude Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nesimba rako rese, uye nefungwa dzako dzese; neumwe wako sezvaunozvida iwe.
28 I řekl mu: Právě jsi odpověděl. To čiň, a živ budeš.
Akati kwaari: Wapindura zvakarurama; ita izvi, ugorarama.
29 On pak chtěje se sám ospravedlniti, dí Ježíšovi: A kdo jest můj bližní?
Iye, achida kuzviruramisa, wakati kuna Jesu: Zvino ndiani umwe wangu?
30 I odpověděv Ježíš, řekl: Člověk jeden šel z Jeruzaléma do Jericho, i upadl mezi lotry. Kteříž obloupivše jej a zranivše, odešli, odpolu živého nechavše.
Jesu akapindura akati: Umwe munhu wakaburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko; akawira pakati pemakororo, akamukururawo akamupa mavanga akaenda, ndokusiya oda kufa.
31 I přihodilo se, že kněz jeden šel touž cestou, a uzřev jej, pominul.
Zvakangoitikawo kuti umwe mupristi wakange achiburuka nenzira iyo; akati achimuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.
32 Též i Levíta přišed až k tomu místu, a uzřev jej, pominul.
Saizvozvowo muRevhi asvika panzvimbo iyo, akamuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.
33 Samaritán pak jeden, cestou se ubíraje, přišel až k němu, a uzřev jej, milosrdenstvím hnut jest.
Zvino umwe muSamaria, wakange achifamba wakasvika paaiva, akati achimuona akanzwa tsitsi,
34 A přistoupiv, uvázal rány jeho, naliv oleje a vína, a vloživ jej na hovado své, vedl do hospody, a péči o něj měl.
akaswedera ndokupomba mavanga ake, achidira mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake pachake, ndokumuisa kuimba yevafambi, ndokumuchengeta.
35 Druhého pak dne odjíti maje, vyňav dva peníze, dal hospodáři, a řekl jemu: Měj o něj péči, a cožkoli nad to vynaložíš, já když se vrátím, zaplatím tobě.
Zvino pamangwana oenda, wakabudisa madhenario maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvese zvaunoshandisa kupfuura izvi, ini ndichakupazve, kana ndichidzoka.
36 Kdo tedy z těch tří zdá se tobě bližním býti tomu, kterýž upadl mezi lotry?
Naizvozvo ndeupi wevatatu ava waunofunga kuti waiva umwe waiye wakawira pakati pemakororo?
37 A on řekl: Ten, kterýž prokázal milosrdenství nad ním. I řekl jemu Ježíš: Jdi, i ty učiň též.
Akati: Ndiye wakamuitira tsitsi. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, newe unoita saizvozvo.
38 I stalo se, když šli, že on všel do jednoho městečka. Žena pak jedna, jménem Marta, přijala jej do domu svého.
Zvino zvakaitika pakufamba kwavo, kuti iye wakapinda mune umwe musha; umwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make.
39 A ta měla sestru, jménem Marii, kteráž seděci u noh Ježíšových, poslouchala slova jeho.
Uye iye wakange ane munin'inawo wainzi Maria, wakagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.
40 Ale Marta pečlivá byla při mnohé službě. Kteráž přistoupivši, řekla: Pane, nemáš-liž o to péče, že sestra má nechala mne samé sloužiti? Protož rci jí, ať mi pomůž.
Asi Marita wakange akabatikana kwazvo nekushanda kukuru, akaswedera akati: Ishe, hamuna hanya here nokuti munin'ina wangu wandisiya ndega ndichishanda? Naizvozvo muudzei kuti andibatsire.
41 A odpověděv, řekl jí Ježíš: Marta, Marta, pečlivá jsi, a rmoutíš se při mnohých věcech.
Jesu akapindura akati kwaari: Marita, Marita, unozvidya moyo nekutambudzika nezvinhu zvizhinji;
42 Ale jednohoť jest potřebí. Mariať dobrou stránku vyvolila, kteráž nebude odjata od ní.
asi chinhu chimwe chinodikanwa; asi Maria wasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.