< Jan 16 >
1 Toto mluvil jsem vám, abyste se nezhoršili.
“Ndakuudzai zvose izvi kuitira kuti murege kutsauka.
2 Vypovědíť vás ze škol, ano přijdeť čas, že všeliký, kdož vás mordovati bude, domnívati se bude, že tím Bohu slouží.
Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari.
3 A toť učiní vám proto, že nepoznali Otce ani mne.
Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana kuziva Baba kana ini.
4 Ale toto mluvil jsem vám, abyste, když přijde ten čas, rozpomenuli se na to, že jsem já předpověděl vám. Tohoť pak jsem vám s počátku nemluvil, nebo jsem byl s vámi.
Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi.
5 Nyní pak jdu k tomu, kterýž mne poslal, a žádný z vás neptá se mne: Kam jdeš?
“Zvino ndava kuenda kune akandituma, asi hakuna mumwe wenyu anondibvunza kuti, ‘Muri kuendepiko?’
6 Ale že jsem vám tyto věci mluvil, zámutek naplnil srdce vaše.
Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu.
7 Já pak pravdu pravím vám, že jest vám užitečné, abych já odšel. Nebo neodejdu-liť, Utěšitel nepřijde k vám; a pakliť odejdu, pošli ho k vám.
Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai kuti ini ndiende. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
8 A onť přijda, obviňovati bude svět z hříchu, a z spravedlnosti, a z soudu.
Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:
9 Z hříchu zajisté, že nevěří ve mne.
pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri;
10 A z spravedlnosti, proto že jdu k Otci, a již více neuzříte mne.
pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve;
11 Z soudu pak, proto že kníže tohoto světa již jest odsouzeno.
uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa.
12 Ještěť bych měl mnoho mluviti vám, ale nemůžete snésti nyní.
“Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino.
13 Když pak přijde ten Duch pravdy, uvedeť vás ve všelikou pravdu. Nebo nebude mluviti sám od sebe, ale cožkoli uslyší, toť mluviti bude; ano i budoucí věci zvěstovati bude vám.
Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.
14 Onť mne oslaví; nebo z mého vezme, a zvěstuje vám.
Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri.
15 Všecko, cožkoli má Otec, mé jest. Protož jsem řekl, že z mého vezme, a zvěstuje vám.
Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri.
16 Maličko, a neuzříte mne, a opět maličko, a uzříte mne; nebo já jdu k Otci.
“Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.”
17 I řekli někteří z učedlníků jeho mezi sebou: Co jest to, že praví nám: Maličko, a neuzříte mne, a opět maličko, a uzříte mne, a že já jdu k Otci?
Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?”
18 Protož pravili: Co jest to, že praví: Maličko? Nevíme, co praví.
Vakaramba vachingobvunzana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Chinguva chiduku’? Hatinzwisisi zvaanoreva isu.”
19 I poznal Ježíš, že se ho chtěli otázati. I řekl jim: O tom tížete mezi sebou, že jsem řekl: Maličko, a neuzříte mne, a opět maličko, a uzříte mne?
Jesu akaona kuti vaida kumubvunza pamusoro pazvo, saka akati kwavari, “Ko, muri kubvunzana pamusoro pezvandanga ndichireva here pandati, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondionizve, uye shure kwechinguva chiduku muchandiona’?
20 Amen, amen pravím vám, že plakati a kvíliti budete vy, ale svět se bude radovati; vy pak se budete rmoutiti, ale zámutek váš obrátíť se v radost.
Ndinokuudzai chokwadi, muchachema uye mugoungudza asi nyika ichifara. Muchasuwa, uye kusuwa kwenyu kuchashanduka kukava mufaro.
21 Žena, když rodí, zámutek má, nebo přišla hodina její; ale když porodí děťátko, již nepamatuje na ssoužení, pro radost, proto že se narodil člověk na svět.
Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika.
22 Protož i vy zámutek máte nyní, ale opět uzřím vás, a radovati se bude srdce vaše, a radosti vaší žádný neodejme od vás.
Naizvozvo nemiwo zvino inguva yenyu yokusuwa, asi ndichakuonai zvakare uye muchafara, uye hakuna achakutorerai mufaro wenyu.
23 A v ten den nebudete se mne tázati o ničemž. Amen, amen pravím vám: Že zač byste koli prosili Otce ve jménu mém, dáť vám.
Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.
24 Až dosavad za nic jste neprosili ve jménu mém. Prostež, a vezmete, aby radost vaše doplněna byla.
Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.
25 Toto v příslovích mluvil jsem vám, ale přijdeť hodina, když více nebudu v příslovích mluviti vám, nýbrž zjevně o Otci zvěstovati budu vám.
“Kunyange ndanga ndichitaura nomufananidzo, nguva inouya yandisingazotauri nemifananidzo, asi ndichakuudzai pachena pamusoro paBaba vangu.
26 V ten den ve jménu mém prositi budete, a nepravímť vám, že já budu prositi Otce za vás.
Pazuva iro, muchakumbira muzita rangu. Handisi kuti ndichakumbira Baba panzvimbo yenyu.
27 Nebo sám Otec miluje vás, proto že jste vy mne milovali, a uvěřili, že jsem já od Boha vyšel.
Kwete, Baba pachavo vanokudai nokuti makandida, uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari.
28 Vyšelť jsem od Otce, a přišel jsem na svět; a opět opouštím svět, a jdu k Otci.
Ndakabva kuna Baba ndikapinda munyika; zvino ndava kusiya nyika ndichidzokera kuna Baba.”
29 Řkou jemu učedlníci jeho: Aj, nyní zjevně mluvíš, a přísloví žádného nepravíš.
Ipapo vadzidzi vaJesu vakati, “Zvino mava kutaura pachena musingaiti nemifananidzo.
30 Nyní víme, že víš všecko, a nepotřebuješ, aby se kdo tebe tázal. Skrze to věříme, že jsi od Boha přišel.
Zvino tava kuona kuti munoziva zvinhu zvose uye kuti hapana achafanira kuti akubvunzei mibvunzo. Izvi zvinoita kuti titende kuti makabva kuna Mwari.”
31 Odpověděl jim Ježíš: Nyní věříte?
Jesu akapindura akati, “Mava kutenda here zvino?
32 Aj, přijdeť hodina, anobrž již přišla, že se rozprchnete jeden každý k svému, a mne samého necháte. Ale nejsemť sám, nebo Otec se mnou jest.
Asi nguva iri kuuya, uye yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe achienda kumusha kwake. Muchandisiya ndiri ndoga. Asi handisi ndoga, nokuti Baba vangu vaneni.
33 Tyto věci mluvil jsem vám, abyste ve mně pokoj měli. Na světě ssoužení míti budete, ale doufejtež, jáť jsem přemohl svět.
“Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika.”