< Jeremiáš 24 >
1 Ukázal mi Hospodin, a aj, dva košové fíků postaveni byli před chrámem Hospodinovým, když byl přestěhoval Nabuchodonozor král Babylonský Jekoniáše syna Joakimova, krále Judského, a knížata Judská, i tesaře a kováře z Jeruzaléma, a přivedl je do Babylona.
Shure kwokutapwa kwaJehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha pamwe chete namachinda, navavezi, navapfuri vesimbi veJudha vachibviswa kuJerusarema vachiendeswa kuBhabhironi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Jehovha akandiratidza tswanda mbiri dzine maonde dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.
2 Jeden koš byl fíků velmi dobrých, jacíž bývají fíkové ranní, druhý pak koš fíků velmi zlých, jakýchž nelze jísti pro trpkost.
Imwe tswanda yaiva namaonde akanaka kwazvo, akaita seaya anotanga kuibva; imwe yacho yaive namaonde akaipa chose, zvokuti akanga asingagoni kudyiwa.
3 Tedy řekl mi Hospodin: Co vidíš, Jeremiáši? I řekl jsem: Fíky, dobré fíky, a to velmi dobré, zlé pak, a to velmi zlé, jichž nelze jísti pro trpkost.
Ipapo Jehovha akandibvunza achiti, “Uri kuoneiko Jeremia?” Ini ndakapindura ndikati, “Maonde. Akanaka acho, akanaka kwazvo, asi akaipa acho akaipa zvokuti haangadyiwi.”
4 I stalo se slovo Hospodinovo ke mně, řkoucí:
Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri rikati,
5 Takto praví Hospodin, Bůh Izraelský: Jako fíkové tito dobří, tak mně příjemní budou zajatí Judští, kteréž jsem zaslal z místa tohoto do země Kaldejské k dobrému.
“Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri, ‘Sezvakaita maonde aya akanaka, saizvozvo ndicharangarira zvakanaka vatapwa vakabva kuJudha vandakatuma kubva panzvimbo ino ndichivaendesa kunyika yeBhabhironi.
6 Obrátím zajisté oči své k nim k dobrému, a přivedu je zase do země této, kdežto vzdělám je, a nezkazím, štípím je, a nevypléním.
Meso angu acharingira kwavari nokuda kwokunaka kwavo, uye ndichavadzosazve munyika ino. Ndichavavaka uye handingavakoromori; ndichavasima uye handingavadzuri.
7 Nebo dám jim srdce, aby znali mne, že já jsem Hospodin. I budou mým lidem, a já budu jejich Bohem, když se obrátí ke mně celým srdcem svým.
Ndichavapa mwoyo wokundiziva, kuti ndini Jehovha. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo, nokuti vachadzokera kwandiri nomwoyo wavo wose.
8 Naodpor, jako fíky zlé, kterýchž nelze jísti pro trpkost, tak zavrhu (toť zajisté praví Hospodin), Sedechiáše krále Judského s knížaty jeho, a ostatek Jeruzalémských pozůstalých v zemi této, i ty, kteříž bydlí v zemi Egyptské.
“‘Asi sezvakaita maonde akaipa, iwo akaipa kwazvo zvokusagona kudyiwa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘saizvozvo ndichaitira Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake, navaya vakasara muJerusarema, kunyange vakasara munyika ino kana vagere muIjipiti.
9 Vydám je, pravím, v posmýkání k zlému po všech královstvích země, v pohanění a v přísloví, v rozprávku a v proklínání po všech těch místech, kamž je rozženu.
Ndichavaita chinhu chinovengwa, nechinhu chakaipa kuushe hwose hwenyika, chinhu chinoshorwa, neshumo, chinhu chinosekwa nechinotukwa kwose kwose kwandinovadzingira.
10 A budu posílati na ně meč, hlad a mor, dokudž by do konce vyhlazeni nebyli z země, kterouž jsem byl dal jim i otcům jejich.
Ndichavatumira munondo, nzara, nehasha pamusoro pavo kusvikira vaparadzwa kubva panyika yandakavapa ivo namadzibaba avo.’”