< Židům 2 >

1 Protož musímeť my tím snažněji šetřiti toho, což jsme slýchali, aby nám to nevymizelo.
Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka.
2 Nebo poněvadž skrze anděly mluvené slovo bylo pevné, a každé přestoupení a neposlušenství vzalo spravedlivou odměnu pomsty,
Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira,
3 Kterakž my utečeme, takového zanedbávajíce spasení? Kteréžto nejprvé začavši vypravováno býti skrze samého Pána, od těch, kteříž jej slýchali, nám jest utvrzeno.
ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa.
4 Čemuž i Bůh svědectví vydával skrze divy, a zázraky, a rozličné moci, i podělování Duchem svatým, podlé vůle své.
Mwariwo akarupupurira nezviratidzo, zvishamiso, mabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake.
5 Nebo nepoddal andělům okršlku země budoucího, o kterémž mluvíme.
Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo.
6 Osvědčilť pak na jednom místě jeden, řka: Co jest člověk, že naň pomníš, aneb syn člověka, že na něj patříš?
Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti: “Ko, munhu chii zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?
7 Maličkos jej menšího než anděly učinil, slavou a ctí korunoval jsi ho, a ustanovils jej nad dílem rukou svých.
Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa
8 Všecko jsi podmanil pod nohy jeho. Poddav pak jemu všecko, ničeho nezanechal nepodmaněného jemu. I však nyní ještě nevidíme, aby jemu všecko poddáno bylo.
uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
9 Ale toho Ježíše, kterýž maličko nižší byl nežli andělé, vidíme pro utrpení smrti slavou a ctí korunovaného, aby z milosti Boží za všecky okusil smrti.
Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.
10 Slušeloť zajisté na toho, pro kteréhož jest všecko, a skrze kteréhož jest všecko, aby mnohé syny k slávě přiveda, vůdce spasení jejich skrze utrpení posvětil.
Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika.
11 Nebo i ten, kterýž posvěcuje, i ti, kteříž posvěceni bývají, z jednoho jsou všickni. Pro kteroužto příčinu nestydí se jich nazývati bratřími,
Vose, iye anoita kuti vanhu vave vatsvene uye avo vanoitwa vatsvene ndevemhuri imwe chete. Saka Jesu haana nyadzi kuti avaidze hama.
12 Řka: Zvěstovati budu jméno tvé bratřím svým, u prostřed shromáždění prozpěvovati budu tobě.
Anoti, “Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; pamberi peungano ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai.”
13 A opět: Já budu v něm doufati. A opět: Aj, já a dítky, kteréž dal mi Bůh.
Uyezve anoti, “Ndichavimba naye.” Uyezve anoti, “Ndiri pano, navana vandakapiwa naMwari.”
14 Poněvadž tedy dítky účastnost mají těla a krve, i on též podobně účasten jest jich, aby skrze smrt zahladil toho, kterýž má vládařství smrti, to jest ďábla,
Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori
15 A vysvobodil ty, kteříž bázní smrti po všecken čas života podrobeni byli v službu.
uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu.
16 Neboť nikoli nepřijal andělů, ale símě Abrahamovo přijal.
Nokuti zvirokwazvo havasi vatumwa vaakabatsira, asi zvizvarwa zvaAbhurahama.
17 Pročež ve všem připodobněn býti měl bratřím, aby milosrdný byl, a věrný nejvyšší kněz v tom, což se u Boha k očištění hříchů lidu díti mělo.
Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake munzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo.
18 Nebo že sám trpěl, pokoušín byv, může také pokušení trpícím spomáhati.
Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.

< Židům 2 >