< Efezským 5 >
1 Buďtež tedy následovníci Boží, jakožto synové milí.
Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa
2 A choďte v lásce, jako i Kristus miloval nás, a vydal sebe samého za nás, dar a obět Bohu u vůni rozkošnou.
uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari.
3 Smilstvo pak a všeliká nečistota, neb lakomství, aniž jmenováno buď mezi vámi, jakož sluší na svaté,
Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.
4 A mrzkost, ani bláznové mluvení, ani šprymování, kteréžto věci jsou nenáležité, ale raději díků činění.
Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.
5 Víte zajisté o tom, že žádný smilník aneb nečistý, ani lakomec, (jenž jest modloslužebník, ) nemá dědictví v království Kristově a Božím.
Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari.
6 Žádný vás nesvoď marnými řečmi; nebo pro takové věci přichází hněv Boží na syny nepoddané.
Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri.
7 Nebývejtež tedy účastníci jejich.
Naizvozvo musashamwaridzana navo.
8 Byli jste zajisté někdy temnosti, ale nyní jste světlo v Pánu. Jakožto synové světla choďte,
Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza
9 (Nebo ovoce Ducha záleží ve vší dobrotě, a spravedlnosti, a v pravdě, )
(nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi)
10 O to stojíce, což by se dobře líbilo Pánu.
uye muzive zvinofadza Ishe.
11 A neobcujte s skutky neužitečnými tmy, ale raději je trescete.
Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.
12 Nebo což se tajně děje od nich, mrzko jest o tom i mluviti.
Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri.
13 Ale to všecko, když bývá od světla trestáno, bývá zjeveno; cožkoli zajisté zjevné bývá, světlo jest.
Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa,
14 Protož praví: Probuď se ty, kdož spíš, a vstaň z mrtvých, a zasvítíť se tobě Kristus.
nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi: “Muka, iwe muvati, muka kubva kuvakafa, Kristu achavhenekera pauri.”
15 Viztež tedy, kterak byste opatrně chodili, ne jako nemoudří, ale jako moudří,
Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera,
16 Vykupujíce čas; nebo dnové zlí jsou.
muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.
17 Protož nebývejte neopatrní, ale rozumějící, která by byla vůle Páně.
Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi.
18 A neopíjejte se vínem, v němž jest prostopašnost, ale naplněni buďte Duchem,
Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.
19 Mluvíce sobě vespolek v žalmích, a v chvalách, a v písničkách duchovních, zpívajíce a plésajíce v srdcích svých Pánu,
Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu,
20 Díky činíce vždycky ze všeho ve jménu Pána našeho Jezukrista Bohu a Otci,
muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.
21 Poddáni jsouce jedni druhým v bázni Boží.
Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu.
22 Ženy mužům svým poddány buďte, jako Pánu.
Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She.
23 Nebo muž jest hlava ženy, jako i Kristus hlava církve, a onť jest spasitel těla.
Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo.
24 A protož jakož církev poddána jest Kristu, tak i ženy mužům svým ve všem.
Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.
25 Muži milujte ženy své, jako i Kristus miloval církev, a vydal sebe samého za ni,
Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo
26 Aby ji posvětil, očistiv obmytím vody skrze slovo,
kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko,
27 Aby ji sobě postavil slavnou církev, nemající poškvrny, ani vrásky, neb cokoli takového, ale aby byla svatá, a bez úhony.
uye kuti ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa.
28 Takť jsou povinni muži milovati ženy své jako svá vlastní těla. Kdo miluje ženu svou, sebeť samého miluje,
Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake.
29 Žádný zajisté nikdy těla svého neměl v nenávisti, ale krmí a chová je, jakožto i Pán církev.
Pana izvozvo zvose, hakuna munhu angavenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke,
30 Neboť jsme oudové těla jeho, z masa jeho, a z kostí jeho.
nokuti tiri nhengo dzomuviri wake.
31 A protoť opustí člověk otce svého i matku, a připojí se k manželce své, i budouť ti dva jedno tělo.
“Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete.”
32 Tajemství toto veliké jest, ale já pravím o Kristu a o církvi.
Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke.
33 A však i vy, jeden každý z vás, manželku svou tak jako sám sebe miluj. Žena pak ať se bojí muže.
Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.