< Koloským 3 >

1 Protož povstali-li jste s Kristem, vrchních věcí hledejte, kdež Kristus na pravici Boží sedí.
Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvekumusoro, uko kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.
2 O svrchní věci pečujte, ne o zemské.
Rangarirai zviri kumusoro, kwete zviri panyika.
3 Nebo zemřeli jste, a život váš skryt jest s Kristem v Bohu.
Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.
4 Když se pak ukáže Kristus, život náš, tehdy i vy ukážete se s ním v slávě.
Kana Kristu upenyu hwedu achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.
5 Protož mrtvěte oudy své zemské, smilstvo, nečistotu, chlipnost, žádost zlou, i lakomství, jenž jest modlám sloužení.
Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba kwakaipa, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo.
6 Pro kteréž věci přichází hněv Boží na syny zpurné.
Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari dzinouya pavana vekusateerera;
7 V kterýchž i vy někdy chodili jste, když jste živi byli v nich.
imwiwo maimbofamba mazviri, pamairarama mazviri.
8 Ale nyní složtež i vy všecko to, hněv, prchlivost, zlobivost, zlořečení, i mrzkomluvnost z úst svých.
Asi ikozvino imwiwo bvisai zvese izvi, kutsamwa, hasha, uipi, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa kubva mumuromo wenyu;
9 Nelžete jedni na druhé, když jste svlékli s sebe starého člověka s skutky jeho,
regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake,
10 A oblékli toho nového, obnovujícího se k známosti, podlé obrazu toho, kterýž jej stvořil,
mukapfeka mutsva, anovandudzwa paruzivo semufananidzo wewakamusika;
11 Kdežto není Řek a Žid, obřízka a neobřízka, cizozemec a Scýta, služebník a svobodný, ale všecko a ve všech Kristus.
apo pasina muGiriki uye muJudha, kudzingiswa uye kusadzingiswa, mutorwa, muSikitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvese, uye ari mune zvese.
12 Protož oblectež se jako vyvolení Boží, svatí, a milí, v střeva milosrdenství, v dobrotivost, nízké o sobě smýšlení, krotkost, trpělivost,
Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikanwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa, unyoro, nemoyo murefu;
13 Snášejíce jeden druhého, a odpouštějíce sobě vespolek, měl-li by kdo proti komu žalobu. Jako i Kristus odpustil vám, tak i vy.
muchiitirana moyo murefu, nekukanganwirana kana umwe ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukanganwiraiwo, saizvozvowo imwi;
14 Nadto pak nade všecko v lásku, kteráž jest svazek dokonalosti.
zvino pamusoro pezvinhu zvese izvi pfekai rudo, ndicho chisungo chekupedzeredza.
15 A pokoj Boží vítěziž v srdcích vašich, k němuž i povoláni jste v jedno tělo; a buďtež vděčni.
Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga.
16 Slovo Kristovo přebývejž v vás bohatě se vší moudrostí, učíce a napomínajíce sebe vespolek žalmy, a zpěvy, a písničkami duchovními, s milostí zpívajíce v srdci svém Pánu.
Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi muuchenjeri hwese; muchidzidzisana nekurairana mumapisarema, nenziyo, nenziyo dzemweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo wenyu;
17 A všecko, cožkoli činíte v slovu neb v skutku, všecko čiňte ve jménu Pána Ježíše, díky činíce Bohu a Otci skrze něho.
uye zvese chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.
18 Ženy poddány buďte mužům svým tak, jakž sluší, v Pánu.
Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sezvo zvakafanira muna Ishe.
19 Muži milujte ženy své, a nemějte se přísně k nim.
Varume, idai vakadzi venyu, uye regai kuvavavira.
20 Dítky poslouchejte rodičů ve všem; nebo to jest dobře libé Pánu.
Vana, teererai vabereki pazvinhu zvese, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
21 Otcové nepopouzejte k hněvivosti dítek svých, aby sobě nezoufaly.
Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo.
22 Služebníci poslušni buďte ve všem pánů tělesných, ne na oko sloužíce, jako ti, jenž se usilují lidem líbiti, ale v sprostnosti srdce, bojíce se Boha.
Varanda, teererai pazvinhu zvese vari vatenzi venyu panyama; kwete nekushandira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama, muchitya Mwari;
23 A všecko, což byste koli činili, z té duše čiňte, jako Pánu, a ne lidem,
uye zvese kunyange chipi chamunoita, itai nemoyo, sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu;
24 Vědouce, že ode Pána vzíti máte odplatu dědictví; nebo Pánu Kristu sloužíte.
muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.
25 Kdož by pak nepravost páchal, odměnu své nepravosti vezme. A neníť přijímání osob u Boha.
Asi anoita zvisakarurama achagamuchira zvisakarurama zvaakaita; uye hakuna kusarurwa kwavanhu.

< Koloským 3 >