< 2 Královská 19 >
1 To když uslyšel král Ezechiáš, roztrhl roucho své, a oděv se žíní, všel do domu Hospodinova.
Mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha.
2 I poslal Eliakima správce domu, a Sobnu písaře, i starší z kněží, oblečené v žíně, k Izaiášovi proroku, synu Amosovu.
Akatuma Eriakimi mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori navatungamiri vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi.
3 Kteříž řekli jemu: Toto praví Ezechiáš: Den úzkosti a útržek i rouhání jest den tento; přiblížilť se plod k vyjití, ale není síly při rodičce.
Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nokunyadziswa, sezvinoita vana vasvika pakuzvarwa ipo pasina simba rokusununguka.
4 Ó by slyšel Hospodin Bůh tvůj všecka slova Rabsacova, jehož poslal král Assyrský pán jeho, aby utrhal Bohu živému, aby pomstil Hospodin Bůh tvůj těch slov, kteráž by slyšel. Protož pozdvihni modlitby své za tento ostatek, kterýž se nalézá.
Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavarwi, akatumwa natenzi wake, mambo weAsiria, kuzozvidza Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka nokuda kwamashoko akanzwikwa naJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo unyengeterere vakasara avo vachiri vapenyu.”
5 A tak přišli služebníci krále Ezechiáše k Izaiášovi.
Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya,
6 Jimž odpověděl Izaiáš: Toto povíte pánu svému: Takto praví Hospodin: Nestrachuj se slov těch, kteráž jsi slyšel, jimiž se mi rouhali služebníci krále Assyrského.
Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya mashoko awakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
7 Aj, já pustím naň vítr, aby uslyše pověst, navrátil se do země své, a učiním to, že padne od meče v zemi své.
Tarira, ndichaisa mweya maari wokuti paanonzwa mamwe mashoko, achadzokera kunyika yake, uye ndichaita kuti aurayiwe nomunondo ikoko.’”
8 Rabsace pak navrátiv se, nalezl krále Assyrského, an dobývá Lebna; nebo uslyšel, (pročež odtrhl od Lachis, )
Mukuru wavatariri paakanzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuRakishi, akadzoka akabva akaenda akandowana mambo achirwa neRibhina.
9 Uslyšel, pravím, o Tirhákovi králi Mouřenínském, ano pravili: Aj, teď táhne, aby bojoval s tebou. I navrátil se, a však poslal jiné posly k Ezechiášovi s těmito slovy:
Zvino Senakeribhi akagamuchira chiziviso chaiti Tirihaka, mambo weEtiopia akanga achifamba achiuya kuzorwa naye. Saka akatumazve nhume kuna Hezekia neshoko iri rokuti:
10 Takto povíte Ezechiášovi králi Judskému, řkouce: Nechť tebe nesvodí Bůh tvůj, v němž ty doufáš, říkaje: Nebudeť dán Jeruzalém v ruku krále Assyrského.
“Muti kuna Hezekia mambo weJudha: Musarega Mwari wamunovimba naye achikunyengedzai paanoti, ‘Jerusarema harizopiwa mumaoko amambo weAsiria.’
11 Aj, slyšels, co jsou činili králové Assyrští všechněm zemím, pohubivše je, a ty bys měl býti vysvobozen?
Zvirokwazvo makanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose, vachidziparadza zvachose. Zvino imi mucharwirwa here?
12 Zdaliž jsou je vysvobodili bohové těch národů, kteréž zahladili otcové moji, totiž Gozana, Charana, Resefa a syny Eden, kteříž byli v Telasar?
Ko, vamwari vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzitateguru angu: vamwari veGozani, neHarani, neRezefi navanhu veEdheni vakanga vari muTeri Asari, vakavarwira here?
13 Kde jest král Emat, a král Arfad, a král města Sefarvaim, Ana i Ava?
Ko, mambo weHamati aripi, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefarivhaimi, weHena kana neIvha?”
14 Protož vzav Ezechiáš list z ruky poslů, přečetl jej, a vstoupiv do domu Hospodinova, rozvinul jej Ezechiáš před Hospodinem.
Hezekia akagamuchira tsamba kubva kunhume uye akaiverenga. Ipapo akaenda kutemberi yaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha.
15 A modlil se Ezechiáš před Hospodinem, řka: Hospodine Bože Izraelský, kterýž sedíš nad cherubíny, ty jsi sám Bůh všech království země, ty jsi učinil nebe i zemi.
Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, imi mugere pakati pamakerubhi, imi moga ndimi Mwari pamusoro poushe hwose hwapasi.
16 Nakloniž, Hospodine, ucha svého a uslyš; otevři, Hospodine, oči své a pohleď; slyš slova Senacheribova, kterýž poslal k činění útržek Bohu živému.
Rerekerai nzeve, imi Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, imi Jehovha, muone; inzwai mashoko Senakeribhi aakatuma kuti azozvidza nawo Mwari mupenyu.
17 Takť jest, Hospodine, žeť jsou zkazili králové Assyrští národy ty i země jejich.
“Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi nenyika dzavo.
18 A uvrhli bohy jejich do ohně. Nebo nebyli bohové, ale dílo rukou lidských, dřevo a kámen, protož zahladili je.
Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo, akaumbwa namaoko avanhu.
19 A nyní, Hospodine Bože náš, vysvoboď nás, prosím, z ruky jeho, ať by poznala všecka království země, že jsi ty sám, Hospodine, Bohem.
Haiwa Jehovha Mwari wedu, zvino chitirwirai kubva muruoko rwake, kuitira kuti umambo hwose hwapanyika huzive kuti imi moga, ndimi Mwari.”
20 Tedy poslal Izaiáš syn Amosův k Ezechiášovi, řka: Toto praví Hospodin Bůh Izraelský: Zač jsi mi se modlil strany Senacheriba krále Assyrského, vyslyšel jsem tě.
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekia akati, “Zvanzi naJehovha: Mwari waIsraeri: Ndanzwa munyengetero wako pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria.
21 Totoť jest slovo, kteréž mluvil Hospodin o něm: Pohrdá tebou, a posmívá se tobě, králi, panna dcera Sionská, potřásá za tebou hlavou dcera Jeruzalémská.
Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake: “‘Mhandara Mwanasikana weZioni anokushora uye anokuseka. Mwanasikana weJerusarema anogutsurira musoro uchitiza.
22 Kohož jsi zhaněl? A komus se rouhal? Proti komu jsi povýšil hlasu a pozdvihls vzhůru očí svých? Však proti svatému Izraelskému.
Ndianiko wawakazvidza uye ukamhura? Wakasimudzira inzwi rako kuna aniko uye ukasimudza meso ako mukuzvikudza? Ndiye Mutsvene waIsraeri!
23 Skrze posly své utrhal jsi Pánu, a řekl jsi: Ve množství vozů svých vytáhl jsem na hory vysoké, na stráně Libánské, a zpodtínám vysoké cedry jeho, i spanilé jedle jeho, a vejdu do nejdalších příbytků jeho, do lesů a výborných rolí jeho.
Nenhume dzako wakaunganidza zvituko kuna Jehovha. Uye wakati, “Nengoro dzangu zhinji ndakakwira makomo marefu, nzvimbo refu refu dzeRebhanoni. Ndakatemera pasi misidhari yayo yakareba, nemipaini yayo yakaisvonaka. Ndakasvika kumasango ayo kure kure, masango ayo akanakisisa.
24 Já jsem vykopal a pil jsem vody cizí, a vysušil jsem nohama svýma všecky potoky podmaněných.
Ndakachera matsime munyika yavatorwa, uye ndikanwa mvura ikoko. Netsoka dzangu ndakaomesa hova dzose dzeIjipiti.”
25 Zdaliž jsi neslyšel, že již dávno jsem jej učinil, a ode dnů starých jej sformoval? Což tedy nyní přivedl bych jej k zkažení a v hromady rumu, jako jiná města hrazená?
“‘Hauna kunzwa here? Ndakazviita kare kare. Mumazuva akare ndakazvironga; zvino ndaita kuti zviitike, kuti wakashandura maguta akakomberedzwa akava murwi wamatombo.
26 Jejichž obyvatelé mdlí byli, předěšení a zahanbení, byvše jako bylina polní a zelina vzcházející, jako tráva na střechách, a jako osení rzí zkažené, prvé než by dorostlo obilí.
Vanhu vawo, vakapedzwa simba, vakavhundutswa uye vakanyadziswa. Vakafanana nembesa dziri muminda, samabukira omuriwo mutete akasvibira, souswa huri pamusoro pemba, hwakatsva husati hwakura.
27 Sedání pak tvé, vycházení tvé i vcházení tvé znám, i vzteklost tvou proti mně.
“‘Asi ndinoziva paunogara, uye kwaunobva nokwaunoenda, uye kuti wakanditsamwira sei.
28 Poněvadž jsi se rozzlobil proti mně, a tvé zpouzení přišlo v uši mé, protož vpustím udici svou v chřípě tvé, a udidla svá do úst tvých, a odvedu tě zase tou cestou, kterouž jsi přišel.
Nokuti wakanditsamwira uye kuzvikudza kwako kwasvika munzeve dzangu, ndichaisa chiredzo changu mumhino dzako, nematomhu angu mumuromo mako, uye ndichakuita kuti udzokere nenzira yawakauya nayo.’
29 Toto pak měj, Ezechiáši, za znamení: Že jíte roku prvního to, což se samo rodí, též druhého roku, což samo vzchází, třetího teprv roku sejte a žněte, a štěpujte vinice, a jezte ovoce z nich.
“Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, iwe Hezekia: “Gore rino uchadya zvinongomera zvoga, uye mugore rechipiri zvinobva muna izvozvo. Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa, mudyare mizambiringa uye mugodya michero yawo.
30 Ostatek zajisté domu Judova, kterýž pozůstal, vpustí zase kořeny své hluboce, a vydá užitek nahoru.
Uyezve vakasara veimba yaJudha vachadzika midzi pasi vagobereka michero pamusoro.
31 Nebo z Jeruzaléma vyjdou ostatkové, a ti, kteříž jsou zachováni, z hory Siona. Horlivost Hospodina zástupů učiní to.
Nokuti muJerusarema muchabuda vakasara, uye muGomo reZioni muchabuda chikwata chavachapunyuka. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.
32 A protož toto praví Hospodin o králi Assyrském: Nevejdeť do města tohoto, aniž sem střely vstřelí, aniž se ho zmocní pavézníci, aniž udělají u něho náspu.
“Naizvozvo, zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria: “‘Haazopindi muguta iri kana kupfura museve pano. Haangauyi mberi kwaro nenhoo, kana kurikomberedza negomo revhu;
33 Cestou, kterouž přitáhl, zase navrátí se, a do města tohoto nevejde, praví Hospodin.
Nenzira yaakauya nayo achadzokera, haazopindi muguta rino, ndizvo zvinotaura Jehovha.
34 Nebo chrániti budu města tohoto, abych je zachoval pro sebe a pro Davida služebníka svého.
Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa, nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.’”
35 Tedy stalo se té noci, že vyšel anděl Hospodinův, a zbil v vojště Assyrském sto osmdesáte pět tisíců. I vstali ráno, a aj, všickni mrtví.
Usiku ihwohwo mutumwa waJehovha akaenda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu mumusasa wavaAsiria. Vanhu pavakati vachimuka mangwana acho, wanei heyo mitumbi yavakafa!
36 Pročež odjel a utekl Senacherib král Assyrský, a navrátiv se, bydlil v Ninive.
Saka Senakeribhi mambo weAsiria akaparadza musasa akadzokera kuNinevhe akandogarako.
37 I stalo se, když se klaněl v chrámě Nizrocha boha svého, že Adramelech a Sarasar, synové jeho, zabili jej mečem, a sami utekli do země Ararat. I kraloval Esarchaddon syn jeho místo něho.
Rimwe zuva, paakanga achinamata mutemberi yamwari wake Nisiroki, vanakomana vake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni mwanakomana wake akamutevera paumambo.