< 2 Korintským 8 >

1 Známuť pak vám činíme, bratří, milost Boží, danou zborům Macedonským,
Zvino tinokuzivisai, hama, nyasha dzaMwari dzakapiwa pamakereke eMakedhonia;
2 Že v mnohém zkušení ssoužení rozhojnilá radost jejich a převeliká chudoba jejich rozhojněna jest v bohatství upřímosti jejich.
kuti pakuedzwa kukuru kwedambudziko, kuwanzwa kwemufaro wavo neurombo hwavo hwakadzama zvakawedzera pafuma yekupa kwavo.
3 Nebo svědectví jim vydávám, že podlé možnosti, ba i nad možnost hotovi byli,
Nokuti vakange vane chido pakukwanisa kwavo, ndinopupura, kunyange kupfuura kukwanisa kwavo,
4 Mnohými žádostmi prosíce nás, abychom tu milost a zbírku, kteráž se děje na svaté, na se přijali.
nechikumbiro chikuru vakatigombedzera, kuti tigamuchire chipo uye kugovana parubatsiro rwunova rwevatsvene;
5 A netoliko tak, jakž jsme se nadáli, ale sami sebe nejprvé dali Pánu, i nám z vůle Boží,
uye kwete sezvatakatarisira, asi vakatanga kuzvipa ivo kuna Ishe, nekwatiri nechido chaMwari.
6 Tak že jsme musili napomenouti Tita, aby jakož byl prvé započal, tak také i dokonal při vás milost tuto.
Zvekuti takakurudzira Tito, kuti sezvaakange ambotanga, saizvozvo apedzisewo kwamuri basa iri renyashawo.
7 A protož jakž ve všech věcech jste hojní, u víře i v řeči i v známosti i ve všeliké snažnosti i v lásce své k nám, tak i v této milosti hojní buďte.
Asi sezvamakawanza pazvese, parutendo, uye pashoko, uye paruzivo, uye pakushingaira kwese, uye parudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti muwanzewo pabasa iri renyasha.
8 Ne jako rozkazuje, pravím, ale snažností jiných i vaši upřímou lásku zkušenou ukázati chtěje.
Handitauri semurairo, asi nekushingaira kwevamwe uye ndichiidza uchokwadi hwerudo rwenyu.
9 Nebo znáte milost Pána našeho Jezukrista, že pro vás učiněn jest chudý, jsa bohatý, abyste vy jeho chudobou zbohatli.
Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange akange akafuma, nekuda kwenyu wakava murombo, kuti imwi kubudikidza neurombo hwake mufume.
10 A k tomuť vám radu dávám; nebo jest vám to užitečné, kteříž jste netoliko činiti, ale i chtíti prvé začali léta předešlého.
Zvino pachinhu ichi ndinopa maonero; nokuti ichi chinokubatsirai, imwi makatotanga kubva gore rakapera, kwete kuita chete, asi nekuda.
11 Protož nyní již to skutkem vykonejte, aby jakož hotové bylo chtění, tak bylo i vykonání z toho, což máte.
Asi ikozvinowo pedzisai kuita, kuti, sezvapane chishuwo chemoyo, saizvozvo kuripo kupedzisawo kubva pane zvamunazvo.
12 Nebo jest-liť prvé vůle hotová, podlé toho, což kdo má, vzácná jest, ne podlé toho, čehož nemá.
Nokuti kana chishuwo chemoyo chiripo, munhu anogamuchirika zvichienderana nezvaanazvo, kwete kuenderana nezvaasina.
13 Nebo ne, aby jiní měli polehčení, a vy úzkost, ale rovnost ať jest, nyní přítomně vaše hojnost spomoz jejich chudobě,
Nokuti hakusi kuti vamwe vave nekurerusirwa, imwi muremerwe; asi kubva pakuenzana, panguva yaikozvino zvakawanda zvenyu zviwedzere pakushaiwa kwavo,
14 Aby také jejich hojnost vaší chudobě byla ku pomoci, aby tak byla rovnost;
kutiwo zvakawanda zvavo zviwedzere pakushaiwa kwenyu, kuti kuve nekuenzana,
15 Jakož psáno: Kdo mnoho, nic mu nezbývalo, a kdo málo, neměl nedostatku.
sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaunganidza zvizhinji haana kuva nezvakasara; newakaunganidza zvishoma haana kushaiwa.
16 Ale díka Bohu, kterýž takovou snažnost k vám dal v srdce Titovo,
Asi ngaavongwe Mwari wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri,
17 Tak že to napomenutí přijal, anobrž jsa opravdový, sám z své dobré vůle šel k vám.
kuti zvirokwazvo wakagamuchira kurudziro, asi zvaakange achishingaira zvikuru, wakabva akaenda kwamuri nechido chake.
18 Poslaliť jsme pak s ním bratra toho, kterýž má velikou chválu v evangelium po všech zbořích,
Zvino takatuma pamwe naye hama, rumbidzo yake muevhangeri yakagura nemumakereke ese;
19 (A netoliko to, ale také vyvolen jest od církví za tovaryše putování našeho, s touto milostí, kterouž sloužíme k slávě Pánu a vůli vaší, )
zvisati zviri izvozvo chete, asi wakasarudzwawo nemakereke kuti atiperekedze nenyasha idzi, dzakabatiswa nesu mukurumbidzwa kwaIshe uyu, nechishuwo chemoyo wenyu;
20 Varujíce se toho, aby nám někdo neutrhal pro tu hojnost, kterouž my přisluhujeme,
tichidzivirira izvi, zvimwe umwe angatimhura pamusoro pezvipamhidzirwa izvi zvinobatiswa nesu;
21 Dobré opatrujíce netoliko před oblíčejem Páně, ale i před lidmi.
tichirangarira zvakanaka kwete pamberi paIshe chete asi pamberi pevanhuwo.
22 Poslali jsme pak s nimi bratra svého, kteréhož jsme mnohokrát ve mnohých věcech zkusili, že jest pilný, a nyní mnohem pilnější pro mnohé doufání mé o vás.
Uye takatuma navo hama yedu, yatakawana yakashingaira pazvizhinji kazhinji, asi zvino anonyanya kushingaira nekuda kwekukuvimbai kukuru.
23 Z strany Tita, tovaryš můj jest, a mezi vámi pomocník; z strany bratří našich, poslové jsou církví a sláva Kristova.
Kana zviri zvaTito, umwe wangu nemushandi pamwe neni kwamuri; kana hama dzedu, nhume dzekereke, vari kukudzwa kwaKristu.
24 Protož jistoty lásky své a chlouby naší o vás k nim dokažte, před oblíčejem církví.
Naizvozvo ratidzai kwavari uchapupu hwerudo rwenyu nehwekuzvikudza kwedu pamusoro penyu, nepamberi pemakereke.

< 2 Korintským 8 >