< 1 Korintským 3 >
1 A já, bratří, nemohl jsem vám mluviti jako duchovním, ale jako tělesným, jako maličkým v Kristu.
Zvino ini, hama, ndakange ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu.
2 Mlékem jsem vás živil, a ne pokrmem; nebo jste ještě nemohli, ano i nyní ještě nemůžete.
Ndakakunwisai mukaka, uye kwete kudya kukukutu; nokuti makange musati mogona kudya, asi naikozvino hamusati mogona;
3 Ještě zajisté tělesní jste. Nebo poněvadž jest mezi vámi nenávist, svárové a různice, zdaž ještě tělesní nejste, a podlé člověka nechodíte?
nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba zvinoenderana nemunhu here?
4 Nebo když někdo říká: Já jsem Pavlův, jiný pak: Já Apollův, zdaliž nejste tělesní?
Nokuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamusi venyama here?
5 Kdo tedy jest Pavel, kdo Apollo, než služebníci, skrze něž jste uvěřili, a jakž jednomu každému dal Pán?
Ko Pauro chii, naAporo chii, asi vabati vamakatenda kubudikidza navo, Ishe sezvaanopawo umwe neumwe?
6 Jáť jsem štípil, Apollo zaléval, ale Bůh dal zrůst.
Ini ndakadzvara, Aporo wakadiridza, asi Mwari wakakurisa.
7 A protož aniž ten, kdož štěpuje, jest něco, ani ten, kdož zalévá, ale Bůh, kterýž zrůst dává.
Naizvozvo anodzvara haasi chinhu, kana anodiridza, asi Mwari anokudza.
8 Ten pak, kdož štěpuje, a ten, kdož zalévá, jedno jsou, a však jeden každý svou vlastní odplatu vezme podlé své práce.
Zvino anodzvara neanodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe achagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake.
9 Božíť jsme zajisté pomocníci, Boží rolí, Boží vzdělání jste.
Nokuti tiri vashandi vaMwari pamwe naye; muri munda waMwari, chivakwa chaMwari.
10 Podlé milosti Boží sobě dané, jako moudrý stavitel, základ jsem založil, jiný pak na něm staví. Ale jeden každý viz, jak na něm staví.
Zvichienderana nenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera ndakaronga nheyo, uye umwe anovaka pamusoro payo. Asi umwe neumwe ngaachenjerere kuti anovaka sei pamusoro payo.
11 Nebo základu jiného žádný položiti nemůž, mimo ten, kterýž položen jest, jenž jest Ježíš Kristus.
Nokuti hakuna umwe anogona kuisa imwe nheyo kunze kweiyo yakaiswa, inova Jesu Kristu.
12 Staví-liť pak kdo na ten základ zlato, stříbro, kamení drahé, dříví, seno, strniště,
Zvino kana umwe achivaka pamusoro penheyo iyi, goridhe, sirivheri, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga,
13 Jednohoť každého dílo zjeveno bude. Den zajisté to okáže; nebo v ohni zjeví se, a jednoho každého dílo, jaké by bylo, oheň zprubuje.
basa reumwe neumwe richaratidzwa; nokuti zuva richazvibudisa pachena, nokuti richazarurwa mumoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini.
14 Zůstane-liť čí dílo, kteréž na něm stavěl, vezme odplatu.
Kana basa raani nani raakavaka pamusoro payo richigara, achagamuchira mubairo.
15 Pakliť čí dílo shoří, vezme škodu, ale sám spasen bude, a však tak, jako skrze oheň.
Kana basa raani nani richizopiswa, acharasikirwa; asi iye amene achaponeswa, asi saizvozvo sewakabuda nemumoto.
16 Zdaliž nevíte, že chrám Boží jste, a Duch Boží v vás přebývá?
Hamuzivi here kuti muri tembere yaMwari, uye Mweya waMwari unogara mamuri?
17 Jestližeť kdo chrámu Božího poškvrňuje, tohoť zatratí Bůh; nebo chrám Boží svatý jest, jenž jste vy.
Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari achamuparadza iye; nokuti tembere yaMwari itsvene, yamuri imwi.
18 Žádný sám sebe nesvoď. Zdá-li se komu z vás, že jest moudrý na tomto světě, budiž bláznem, aby byl učiněn moudrým. (aiōn )
Ngakurege kuva neanozvinyengera; kana umwe pakati penyu achifunga kuti wakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera. (aiōn )
19 Moudrost zajisté světa tohoto bláznovství jest u Boha. Nebo psáno jest: Kterýž lapá moudré v chytrosti jejich.
Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Anobata vakachenjera paumhare hwavo;
20 A opět: Znáť Pán přemyšlování moudrých, že jsou marná.
uyezve: Ishe anoziva ndangariro dzevakachenjera, kuti hadzina maturo.
21 A tak nechlub se žádný lidmi; nebo všecky věci vaše jsou.
Naizvozvo ngakurege kuva neanozvikudza nevanhu; nokuti zvinhu zvese ndezvenyu,
22 Buď Pavel, buď Apollo, buď Petr, buď svět, buď život, buď smrt, buď přítomné věci, buďto budoucí, všecko jest vaše,
kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvese ndezvenyu,
23 Vy pak Kristovi, a Kristus Boží.
uye imwi muri vaKristu, naKristu ndewaMwari.