< Zaharija 7 >
1 Četvrte godine kralja Darija, četvrtoga dana devetoga mjeseca, Kisleva, dođe riječ Jahvina Zahariji.
Mugore rechina raMambo Dhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekaria pazuva rechina romwedzi wepfumbamwe, mumwedzi weKisirevhi.
2 Betel je naime poslao Sar-Esera i Regem-Meleka s njihovim ljudima da mole lice Jahvino
Vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemi-Mereki, pamwe chete navanhu vavo, kuti vaende kuna Jehovha
3 i da pitaju svećenike u Domu Jahve nad Vojskama i proroke: “Hoćemo li plakati petoga mjeseca i postiti, kao što činimo već tolike godine?”
kundokumbira kuvaprista veimba yaJehovha Wamasimba Ose nokuvaprofita vachiti, “Ndochema nokutsanya nomwedzi wechishanu here, sezvandakaita kwamakore mazhinji aya?”
4 Tada mi dođe riječ Jahve nad Vojskama: “Reci svemu puku zemlje i svećenicima:
Ipapo shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvika kwandiri richiti,
5 'Kad postite i naričete petoga i sedmoga mjeseca već sedamdeset godina, zar meni postite?
“Bvunza vanhu vose venyika uye navaprista kuti, ‘Pamakatsanya uye mukachema mumwedzi wechishanu nowechinomwe kwamakore makumi manomwe akapfuura, makatsanyira ini zvechokwadi here?
6 A kad jedete i pijete, zar sebi ne jedete i pijete?
Uye pamaidya nokunwa, makanga musingangozvifadzi here?
7 Nisu li to propisi koje je Jahve objavio preko negdašnjih proroka kada Jeruzalem bijaše naseljen i miran kao i gradovi oko njega i kada bijaše napučen Negeb i Šefela?'”
Aya haasiwo here mashoko aJehovha akaparidzwa kubudikidza navaprofita vekare, Jerusarema namaguta aro akaripoteredza parakanga riri parugare uye richibudirira, uye nyika yeNegevhi nomujinga mezvikomo zvokumavirira muchakagarwa navanhu?’”
8 Riječ Jahvina dođe Zahariji:
Uye shoko raJehovha rakasvikazve kuna Zekaria richiti,
9 “Ovako govori Jahve nad Vojskama: 'Sudite istinito i budite dobrostivi i milosrdni jedni drugima.
“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha.
10 Ne tlačite udovu ni sirotu, ni došljaka ni uboga, i ne snujte u srcu pakosti jedan prema drugom.'
Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’
11 Ali oni ne htjedoše poslušati, već prkosno okrenuše leđa; zatisnuše uši da ne bi čuli;
“Asi vakaramba kuteerera; mukuzvikudza vakafuratira uye vakadzivira nzeve dzavo.
12 otvrdnuše srcem kao kremen, da ne bi čuli Zakon i riječi koje im je slao Jahve nad Vojskama, svojim duhom, preko drevnih proroka. I Jahve nad Vojskama silno se tad razgnjevi.
Vakaomesa mwoyo yavo sedombo romusarasara uye vakasateerera kumurayiro kana kumashoko aJehovha Wamasimba Ose aakanga atuma noMweya wake kubudikidza navaprofita vekare. Saka Jehovha Wamasimba Ose akatsamwa zvikuru.
13 I zato, kao što je on zvao a oni ga ne slušaše, tako su sad oni zvali a ja ih nisam slušao - riječ je Jahve nad Vojskama.
“‘Pandakadana, havana kuteerera; saka pavakadana, handina kuvateerera,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
14 I razmeo sam ih među sve narode kojih ne poznavahu, a zemlja iza njih bi opustošena, te nitko nije njome prolazio niti se vraćao. Tako su zemlju blagostanja obratili u pustoš!”
‘Ndakavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose, uko kwavakava vatorwa. Nyika yakava dongo shure kwavo zvokuti hapana aizogona kupinda kana kubudamo. Izvi ndizvo zvavakaita kunyika yaifadza, ikava dongo.’”