< Rimljanima 3 >
1 Koja je dakle prednost Židova? Ili kakva korist od obrezanja?
Ko zvino muJudha ane pundutso yei, kana rubatsiro rwekudzingiswa nderwupi?
2 Velika u svakom pogledu. Ponajprije: povjerena su im obećanja Božja.
Zvizhinji nemutoo wese; nokuti pakutanga kuti vakabatiswa mashoko aMwari.
3 Da, a što ako su se neki iznevjerili? Neće li njihova nevjernost obeskrijepiti vjernost Božju?
Nokuti ko kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kuchashayisa kutendeka kwaMwari maturo here?
4 Nipošto! Nego neka Bog bude istinit, a svaki čovjek lažac, kao što je pisano: Da pravedan budeš po obećanjima svojim i pobijediš kada te sudili budu.
Ngazvisadaro! Asi Mwari ngaave wechokwadi, asi munhu wese murevi wenhema, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kuti munzi makarurama pamashoko enyu, uye mukunde pakutongwa kwenyu.
5 Ako pak naša nepravednost ističe Božju pravednost, što ćemo na to reći? Nije li onda - po ljudsku govorim - nepravedan Bog koji daje maha gnjevu?
Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichati chii? Kuti Mwari haana kururama here anodurura hasha? (Ndinotaura semunhu.)
6 Nipošto! Ta kako će inače Bog suditi svijet?
Ngazvisadaro! Kana zvakadaro Mwari angagozotonga nyika sei?
7 Ako je, doista, istina Božja po mojoj lažljivosti obilno zasjala njemu na slavu, zašto da ja još budem suđen kao grešnik?
Nokuti kana chokwadi chaMwari chakawanzwa nenhema dzangu parumbidzo yake, ini ndichiri kutongerweiwo semutadzi?
8 I zar da ne “činimo zlo da dođe dobro”, kako nas kleveću i kako neki kažu da govorimo? Sud ih pravedni čeka!
Uye zvikasadaro tichapomerwa zvakaipa, uye sezvinotaura vamwe kuti tinoti: Ngatiite zvakaipa kuti zvakanaka zviuye? Kuraswa kwavo kunova kwakarurama.
9 Što dakle? Imamo li prednost? Ne baš! Jer upravo optužismo sve, i Židove i Grke, da su pod grijehom,
Ko zvino? Tiri nani here? Kwete nepadiki pese; nokuti tambopa mhosva vese VaJudha neVaGiriki kuti vese vari pasi pechivi,
10 kao što je pisano: Nema pravedna ni jednoga,
sezvazvakanyorwa zvichinzi: Hakuna wakarurama, kwete kunyange neumwe;
11 nema razumna, nema ga tko bi Boga tražio.
hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari;
12 Svi skrenuše, svi se zajedno pokvariše, nitko da čini dobro - nijednoga nema.
vese vakatsauka, vakava pamwe vasina maturo; hakuna anoita zvakanaka, hakuna kunyange neumwe;
13 Grob otvoren grlo je njihovo, jezikom lažno laskaju, pod usnama im je otrov ljutičin,
huro yavo iguva rakashama; nendimi dzavo vakanyengera; uturu hwemhungu huri pasi pemiromo yavo;
14 usta im puna kletve i grkosti;
vemuromo wavo uzere nekutuka nekuvava;
15 noge im hitre da krv proliju,
tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
16 razvaline i nevolja na njinim su putima,
kuparadza nekutambudzika zviri munzira dzavo,
17 put mira oni ne poznaju,
uye nzira yerugare havana kuiziva;
18 straha Božjega nemaju pred očima.
kutya Mwari hakupo pamberi pemeso avo.
19 A znamo: što god Zakon veli, govori onima pod Zakonom, da svaka usta umuknu i sav svijet bude krivac pred Bogom.
Zvino tinoziva kuti zvese murairo zvaunoreva, unozvireva kune vari pasi pemurairo; kuti muromo umwe neumwe udzivirwe, nenyika yese ive nemhosva kuna Mwari;
20 Zato se po djelima Zakona nitko neće opravdati pred njim. Uistinu, po Zakonu - samo spoznaja grijeha!
naizvozvo nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama pamberi pake; nokuti nemurairo kune ruzivo rwechivi.
21 Sada se pak izvan Zakona očitovala pravednost Božja, posvjedočena Zakonom i Prorocima,
Asi ikozvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwemurairo, kuchipupurwa nemurairo nevaporofita;
22 pravednost Božja po vjeri Isusa Krista, prema svima koji vjeruju. Ne, nema razlike!
ikowo kururama kwaMwari kubudikidza nerutendo rwaJesu Kristu kune vese nepamusoro pevese vanotenda; nokuti hapana musiyano;
23 Svi su zaista sagriješili i potrebna im je slava Božja;
nokuti vese vakatadza vakataira pakubwinya kwaMwari,
24 opravdani su besplatno, njegovom milošću po otkupljenju u Kristu Isusu.
vachinzi vakarurama pachena nenyasha dzake kubudikidza nerudzikunuro rwuri muna Kristu Jesu;
25 Njega je Bog izložio da krvlju svojom bude Pomirilište po vjeri. Htio je tako očitovati svoju pravednost kojom je u svojoj božanskoj strpljivosti propuštao dotadašnje grijehe;
iye Mwari waakagadza kuva muripo wekuyananisa, nerutendo muropa rake, kuva chiratidzo chekururama kwake, nekusarangarira zvivi zvakaitwa kare mukuva nemoyo murefu kwaMwari;
26 htio je očitovati svoju pravednost u sadašnje vrijeme - da bude pravedan i da opravdava onoga koji je od vjere Isusove.
kuti chive chiratidzo chekururama kwake panguva yaikozvino, kuti ave wakarurama uye kururamisa werutendo rwaJesu.
27 Gdje je dakle hvastanje? Isključeno je. Po kojem zakonu? Po zakonu djela? Ne, nego po zakonu vjere.
Naizvozvo kuzvikudza kuripi? Kwavharirwa kunze. Nemurairo upi? Wemabasa here? Kwete, asi nemurairo werutendo.
28 Smatramo zaista da se čovjek opravdava vjerom bez djela Zakona.
Naizvozvo tinogura kuti munhu anonzi wakarurama nerutendo, kunze kwemabasa emurairo.
29 Ili je Bog samo Bog Židova? Nije li i pogana? Da, i pogana.
Kuti ndiMwari weVaJudha vega here? Haasi wevahedheniwo here? Hongu wevahedheniwo;
30 Jer jedan je Bog: on će opravdati obrezane zbog vjere i neobrezane po vjeri.
Mwari zvaari zvirokwazvo mumwe, achati kudzingiswa kwakarurama kubva parutendo, nevasina kudzingiswa nerutendo.
31 Obeskrepljujemo li dakle Zakon po vjeri? Nipošto! Naprotiv, Zakon utvrđujemo.
Naizvozvo tinoshayisa maturo murairo nerutendo here? Ngazvisadaro! Asi tinosimbisa murairo.