< Otkrivenje 22 +
1 I pokaza mi rijeku vode života, bistru kao prozirac: izvire iz prijestolja Božjeg i Jaganjčeva.
Zvino wakandiratidza rwizi rwemvura yeupenyu rwakachena, yakapenya sekrisitaro, ichibuda pachigaro cheushe chaMwari, necheGwayana.
2 Posred gradskoga trga, s obje strane rijeke, stablo života što rodi dvanaest puta, svakog mjeseca svoj rod. A lišće stabla za zdravlje je narodima.
Pakati penzira yaro uye kurutivi urwu neurwu rwerwizi kune muti weupenyu unoita zvibereko gumi nezviviri, uchibereka zvibereko zvawo mwedzi umwe neumwe; nemashizha emuti aiva ekuporesa ndudzi.
3 I neće više biti nikakva prokletstva. I prijestolje će Božje i Jaganjčevo biti u gradu i sluge će mu se njegove klanjati
Zvino hakuchavizve nekutuka kwese; asi chigaro cheushe chaMwari necheGwayana zvichava mariri; uye varanda vake vachamushumira,
4 i gledati lice njegovo, a ime će im njegovo biti na čelima.
zvino vachaona chiso chake; nezita rake richava pahuma dzavo.
5 Noći više biti neće i neće trebati svjetla od svjetiljke ni svjetla sunčeva: obasjavat će ih Gospod Bog i oni će kraljevati u vijeke vjekova. (aiōn )
Zvino usiku hahuchazovipo ipapo, uye havatsvaki mwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari anovapa chiedza; uye vachatonga kusvikira rinhi narinhi. (aiōn )
6 I reče mi: “Ove su riječi vjerne i istinite jer Gospod Bog, nadahnitelj proroka, posla svoga anđela da on pokaže slugama njegovim što se ima dogoditi ubrzo.
Zvino akati kwandiri: Mashoko awa akatendeka uye ndeechokwadi; uye Ishe, Mwari wevaporofita vatsvene, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.
7 I evo, dolazim ubrzo! Blago onomu koji čuva riječi proroštva ove knjige!”
Tarira, ndinokurumidza kuuya. Wakaropafadzwa anochengeta mashoko echiporofita chebhuku iri.
8 Ja, Ivan, čuo sam i vidio sve ovo. I kad sam to vidio i čuo, padoh pred noge anđelu koji mi to pokaza da mu se poklonim.
Zvino ini Johwani, ndini ndakaona zvinhu izvi uye ndakanzwa. Zvino ndakati ndanzwa nekuona, ndakawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzemutumwa wakandiratidza zvinhu izvi.
9 A on će mi: “Nipošto! Sluga sam kao i ti i braća tvoja proroci i svi koji čuvaju riječi ove knjige. Bogu se pokloni!”
Zvino akati kwandiri: Rega kudaro; nokuti ndiri muranda pamwe newe, newehama dzako vaporofita, newevanochengeta mashoko ebhuku iri; namata Mwari.
10 A zatim će mi: “Ne zapečati riječi proroštva ove knjige jer - vrijeme je blizu!
Zvino akati kwandiri: Usavharira nemucherechedzo mashoko echiporofita chebhuku iri, nokuti nguva yava pedo.
11 Nepravednik neka samo i dalje čini nepravdu! Okaljan neka se i dalje kalja! Pravednik neka i dalje živi pravedno! Svet neka se i dalje posvećuje!”
Anoita zvisakarurama ngaagare achiita zvisakarurama; neane tsvina ngaagare ane tsvina; newakarurama ngaagare achiruramiswa; mutsvenewo ngaagare achiitwa mutsvene.
12 “Evo, dolazim ubrzo i plaća moja sa mnom: naplatit ću svakom po njegovu djelu!”
Zvino tarira, ndinouya nekukurumidza; uye mubairo wangu uneni, kuti ndiripire umwe neumwe sezvichava mabasa ake.
13 “Ja sam Alfa i Omega, Prvi i Posljednji, Početak i Svršetak!
Ini ndiri Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, Wekutanga neWekupedzisira.
14 Blago onima koji peru svoje haljine: imat će pravo na stablo života i na vrata će smjeti u grad!
Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nekodzero yemuti weupenyu, vagopinda nepamasuwo muguta.
15 Vani pak ostaju psi i vračari, bludnice, ubojice i idolopoklonici i tko god ljubi i čini laž.”
Asi kunze kune imbwa, nevaroyi, nemhombwe, nemhondi, nevanamati vezvifananidzo, nevese vanoda nhema vachidziita.
16 “Ja, Isus, poslah anđela svoga posvjedočiti ovo po crkvama. Ja sam korijen i izdanak Davidov, sjajna zvijezda Danica.”
Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kukupupurirai zvinhu izvozvi pamakereke. Ini ndiri mudzi nechizvarwa chaDhavhidhi, nyeredzi inopenya uye yemangwanani.
17 I Duh i Zaručnica govore: “Dođi!” I tko ovo čuje, neka rekne: “Dođi!” Tko je žedan, neka dođe; tko hoće, neka zahvati vode života zabadava!
Zvino Mweya nemwenga vanoti: Uya! Naiye anonzwa ngaati: Uya! Uye ane nyota ngaauye; neanoda ngaatore mvura yeupenyu pachena.
18 Ja svjedočim svakomu tko sluša riječi proroštva u ovoj knjizi: Tko ovomu što doda, Bog će njemu dodati zla napisana u ovoj knjizi.
Nokuti ndinopupura kune wese anonzwa mashoko echiporofita chebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri;
19 I tko oduzme od riječi proroštva u ovoj knjizi, Bog će mu oduzeti udio na stablu života i na svetom gradu - na svemu što je napisano u ovoj knjizi.
uye kana munhu akabvisa pamashoko ebhuku rechiporofita ichi, Mwari achabvisa mugove wake pabhuku reupenyu, nepaguta dzvene, nezvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.
20 Svjedok za sve ovo govori: “Da, dolazim ubrzo!” Amen! Dođi, Gospodine Isuse!
Anopupura zvinhu izvi anoti: Hongu, ndinouya nekukurumidza. Ameni. Hongu uyai, Ishe Jesu.
21 Milost Gospodina Isusa sa svima!
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.