< Psalmi 95 >

1 Dođite, kličimo Jahvi, uzvikujmo Hridi, Spasitelju svome!
Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.
2 Pred lice mu stupimo s hvalama, kličimo mu u pjesmama!
Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo.
3 Jer velik je Jahve, Bog naš, Kralj veliki nad svim bogovima.
Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.
4 U njegovoj su ruci zemaljske dubine, njegovi su vrhunci planina.
Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake.
5 Njegovo je more, on ga je stvorio, i kopno koje načiniše ruke njegove.
Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.
6 Dođite, prignimo koljena i padnimo nice, poklonimo se Jahvi koji nas stvori!
Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;
7 Jer on je Bog naš, a mi narod paše njegove, ovce što on ih čuva. O, da danas glas mu poslušate:
nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,
8 “Ne budite srca tvrda kao u Meribi, kao u dan Mase u pustinji
musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,
9 gdje me iskušavahu očevi vaši premda vidješe djela moja.
pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.
10 Četrdeset ljeta jadio me naraštaj onaj, pa rekoh: 'Narod su nestalna srca i ne promiču moje putove.'
Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.”
11 Stog se zakleh u svom gnjevu: 'Nikad neće ući u moj pokoj!'”
Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”

< Psalmi 95 >