< Psalmi 56 >
1 Zborovođi. Prema napjevu “Golubica nijema u daljini”. Davidov. Miktam. Kad su ga u Gatu uhitili Filistejci. Smiluj mi se, moj Bože, jer me dušmanin hoće zgaziti, napadač me moj neprestano tlači.
Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva paMiouki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati. Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni.
2 Dušmani moji nasrću na me povazdan, mnogo ih je koji se na me obaraju. Svevišnji,
Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.
3 kad me strah spopadne, u te ću se uzdati.
Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.
4 Božje obećanje slavim, u Boga ja se uzdam i neću se bojati: što mi može učiniti smrtnik?
Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?
5 Od jutra do večeri obružuju me, svi naumi njihovi meni su na zlo.
Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza.
6 Sastaju se i vrebaju, paze mi na korake, o glavi mi rade.
Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya.
7 Plati im prema bezakonju, u gnjevu, o Bože, obori pogane!
Ngavasapunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.
8 Ti izbroji dane mog progonstva, sabrao si suze moje u mijehu svom. Nije li sve zapisano u knjizi tvojoj?
Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?
9 Moji će dušmani uzmaknuti čim te zazovem. Ovo sigurno znam: Bog je za mene!
Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure pandinodanidzira kuti ndibatsirwe. Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
10 Božje obećanje slavim,
Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,
11 u Jahvu se uzdam i neću se bojati: što mi može učiniti čovjek?
muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu. Ko, munhu angandiitei?
12 Vežu me zavjeti koje učinih tebi, o Bože: prinijet ću ti žrtve zahvalne
Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari; ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.
13 jer si mi dušu od smrti spasio. Ti si očuvao noge moje od pada, da pred Bogom hodim u svjetlosti živih.
Nokuti makandirwira parufu, uye netsoka dzangu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi penyu muchiedza choupenyu.