< Mudre Izreke 6 >

1 Sine moj, kad jamčiš bližnjemu svojem i daš svoju ruku drugome,
Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako, kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe,
2 vezao si se vlastitim usnama, uhvatio se riječima svojih usta;
kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura, wabatwa namashoko omuromo wako,
3 učini onda ovo, sine moj: oslobodi se! Jer si dopao u ruke bližnjemu svojemu; idi, baci se preda nj i salijeći bližnjega svoga.
ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako!
4 Ne daj sna svojim očima ni drijema svojim vjeđama;
Usatendera meso ako hope, usatendera meso ako kutsumwaira.
5 otmi se kao gazela iz mreže i kao ptica iz ruku ptičaru.
Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi, seshiri kubva paugombe hwomuteyi.
6 Idi k mravu, lijenčino, promatraj njegove pute i budi mudar:
Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera!
7 on nema vođe, nadzornika, ni nadstojnika,
Harina mutungamiri, mutariri kana mutongi,
8 ljeti se sebi brine za hranu i prikuplja jelo u doba žetve.
asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha, uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa.
9 A ti, dokle ćeš, lijenčino, spavati? Kad ćeš se dići oda sna svoga?
Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe? Uchamuka riniko kubva pahope dzako?
10 Još malo odspavaj, još malo odrijemaj, još malo podvij ruke za počinak
Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana, kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore.
11 i doći će tvoje siromaštvo kao skitač i tvoja oskudica kao oružanik.
Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.
12 Nevaljalac i opak čovjek hodi s lažljivim ustima;
Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora,
13 namiguje očima, lupka nogama, pokazuje prstima;
anochonya nameso ake, anonongedzera netsoka dzake, uye anodudzira neminwe yake,
14 prijevare su mu u srcu, snuje zlo u svako doba, zameće svađe.
anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make, iyeyo anogaromutsa kupesana.
15 Zato će mu iznenada doći propast, i učas će se slomiti i neće mu biti lijeka.
Naizvozvo njodzi ichamuwira munguva shoma shoma; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira.
16 Šest je stvari koje Gospod mrzi, a sedam ih je gnusoba njegovu biću:
Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:
17 ohole oči, lažljiv jezik, ruke koje prolijevaju krv nevinu,
meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva,
18 srce koje smišlja grešne misli, noge koje hitaju na zlo,
mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,
19 lažan svjedok koji širi laži, i čovjek koji zameće svađe među braćom.
chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.
20 Sine moj, čuvaj zapovijedi oca svoga i ne odbacuj nauka matere svoje.
Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
21 Priveži ih sebi na srce zauvijek, ovij ih oko svoga grla;
Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako.
22 da te vode kada hodiš, da te čuvaju kada spavaš i da te razgovaraju kad se probudiš.
Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe.
23 Jer je zapovijed svjetiljka, pouka je svjetlost, opomene stege put su života;
Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,
24 da te čuvaju od zle žene, od laskava jezika tuđinke.
kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati.
25 Ne poželi u svom srcu njezine ljepote i ne daj da te osvoji trepavicama svojim,
Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake,
26 jer bludnici dostaje i komad kruha, dok preljubnica lovi dragocjeni život.
nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.
27 Može li tko nositi oganj u njedrima a da mu se odjeća ne upali?
Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here?
28 Može li tko hoditi po živom ugljevlju a svojih nogu da ne ožeže?
Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here?
29 Tako biva onomu tko ide k ženi svoga bližnjega: neće ostati bez kazne tko god se nje dotakne.
Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.
30 Ne sramote li lupeža sve ako je krao da gladan utoli glad:
Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya.
31 uhvaćen, on sedmerostruko vraća i plaća svim imanjem kuće svoje.
Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake.
32 Nerazuman je, dakle, tko se upušta s preljubnicom; dušu svoju gubi koji tako čini.
Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.
33 Bruke i sramote dopada i rug mu se nikad ne briše.
Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;
34 Jer bijesna je ljubomornost u muža: on ne zna za milost u osvetni dan;
nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume, uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva.
35 ne pristaje ni na kakav otkup i ne prima ma kolike mu darove dao.
Haangagamuchiri muripo upi zvawo; acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.

< Mudre Izreke 6 >