< Brojevi 6 >

1 Jahve reče Mojsiju:
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 “Govori Izraelcima i reci im: 'Ako tko, bilo čovjek ili žena, položi nazirejski zavjet te se posveti Jahvi,
“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana murume kana mukadzi akada kuita mhiko yakasarudzika, iyo mhiko yokuzvitsaurira kuna Jehovha somuNaziri,
3 neka se suzdržava od vina i svakoga opojnog pića. Neka ne pije ni ukiseljena vina niti ukiseljena opojnog pića; a niti kakva soka od grožđa neka ne pije; neka ne jede grožđa, ni svježa ni suha.
anofanira kusanwa waini nezvimwe zvinodhaka uye haafaniri kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nezvimwe zvinonwiwa zvinodhaka. Haafaniri kunwa muto wamazambiringa, kana kudya mazambiringa, kana akaomeswa.
4 Sve vrijeme svoga nazireata ne smije jesti ništa što rađa lozov trs - od zelena grožđa do komine.'
Panguva yose youNaziri hwake, haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuti womuzambiringa, dzingava mhodzi kana mateko zvawo.
5 Sve dok traje njegov nazirejski zavjet, neka britva ne prelazi preko njegove glave; dok se ne navrši vrijeme što ga je Jahvi zavjetovao, neka bude posvećen i pusti kose da mu slobodno rastu na glavi.
“‘Mazuva ose okupika kwake kwokuzvitsaura hapana chisvo chichashandiswa kuveura musoro wake. Anofanira kuva mutsvene kusvikira nguva yokutsaurirwa kwake kuna Jehovha yapera; anofanira kurega bvudzi romusoro wake rirebe.
6 Za sve vrijeme svoga zavjeta Jahvi neka se ne primiče nikakvu mrtvacu.
Haafaniri kuswedera pachitunha mazuva ose aakazvitsaurira kuna Jehovha.
7 Neka se ne onečišćuje ni zbog svoga oca, ni zbog svoje majke, svoga brata ili svoje sestre ako bi umrli, jer na svojoj glavi nosi posvećenje svoga Boga.
Kunyange kana baba vake chaivo, kana mai vake, kana mununʼuna kana hanzvadzi vafa, haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavo, nokuti chiratidzo chokuzvitsaurira kuna Mwari chiri pamusoro wake.
8 Sve vrijeme svoga nazireata on je posvećen Jahvi.
Mutsvene kuna Jehovha pamazuva ake ose aakazvitsaura.
9 Umre li tko nenadanom smrću pokraj njega, onečistivši tako njegovu posvećenu glavu, neka na dan svoga očišćenja obrije svoju glavu - neka je obrije sedmoga dana.
“‘Kana mumwe munhu akafa pakarepo iye ari ipapo, nokudaro akasvibisa bvudzi raakakumikidza, anofanira kuveura musoro wake nezuva rokunatswa kwake, iro zuva rechinomwe.
10 A osmoga dana neka donese svećeniku, na ulazu u Šator sastanka, dvije grlice ili dva golubića.
Ipapo nezuva rorusere anofanira kuuya nenjiva mbiri kana twana tuviri twenjiva kumuprista ari pamusuo weTende Rokusangana.
11 Neka svećenik prinese jedno kao žrtvu okajnicu, a drugo kao žrtvu paljenicu, zatim neka nad njim izvrši obred pomirenja zbog ljage kojom se okaljao uz mrtvaca. Toga dana neka posveti svoju glavu;
Muprista anofanira kupa imwe yacho sechipiriso chechivi uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa kuti amuyananisire nokuti iye akatadza paakava pedyo nechitunha. Anofanira kunatsa musoro wake nezuva iroro.
12 neka zavjetuje Jahvi dane svoga nazireata; neka donese jednogodišnjeg janjca kao žrtvu naknadnicu. Prijašnje vrijeme neka se ne računa, jer je njegov nazireat bio oskvrnjen.
Anofanira kuzvikumikidza kuna Jehovha panguva yokuzvitsaura kwake uye anofanira kuuya nomukono wegwayana regore rimwe chete sechipiriso chemhosva.
13 Ovo je obred za nazirejca: na dan kad se navrši vrijeme njegova nazireata, neka ga dovedu na ulaz Šatora sastanka.
“‘Zvino uyu ndiwo murayiro womuNaziri panopera nguva yokuzvitsaura kwake. Anofanira kuuyiswa kumusuo weTende Rokusangana.
14 Kao svoj prinos neka Jahvi donese: jednogodišnjeg janjca bez mane za žrtvu paljenicu; jednogodišnje žensko janje, bez mane, za žrtvu okajnicu; jednoga ovna, bez mane, za žrtvu pričesnicu;
Anofanira kupa kuna Jehovha chipiriso chake ipapo: mukono wegore rimwe chete wegwayana risina charingapomerwa kuti rive chipiriso chinopiswa, sheshe yegwayana regore rimwe chete isina kuremara kuti chive chipiriso chokuwadzana,
15 nadalje, košaru neukvasanih pogača od najboljeg brašna, u ulju zamiješenih i neukvasanih kolača, namazanih uljem, s njihovim prinosnicama i ljevanicama.
pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chokunwa, uye dengu rechingwa chisina mbiriso, keke rakaitwa noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta.
16 Svećenik, pošto to donese pred Jahvu, neka prinese njegovu okajnicu i paljenicu.
“‘Muprista anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha agoita chipiriso chechivi nechipiriso chinopiswa.
17 Zatim neka prinese ovna Jahvi kao žrtvu pričesnicu zajedno s košarom neukvasanih pogača. I njegovu prinosnicu i njegovu ljevanicu neka prinese svećenik.
Anofanira kuuyisa dengu rechingwa chisina mbiriso uye agobayira gondobwe sechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa.
18 Na ulazu u Šator sastanka neka nazirejac obrije svoju posvećenu glavu i, uzevši uvojke sa svoje posvećene glave, neka ih stavi na vatru što gori pred žrtvom pričesnicom.
“‘Zvino pamusuo weTende Rokusangana, muNaziri anofanira kuveura bvudzi riya raakakumikidza. Anofanira kutora bvudzi iro agoriisa mumoto uri pasi pechibayiro chokuwadzana.
19 Zatim neka svećenik uzme kuhano pleće ovna, jednu neukvasanu pogaču iz košare i jedan neukvasani kolač i stavi to na ruke nazirejcu pošto ovaj obrije svoje posvećene kose.
“‘Shure kwokunge muNaziri aveura bvudzi rokuzvikumikidza kwake, muprista anofanira kuisa mumaoko ake bandauko rakabikwa regondobwe, uye keke nechingwa chitete kubva mudengu, zvose zvakabikwa zvisina mbiriso.
20 Neka to svećenik prinese kao žrtvu prikaznicu pred Jahvom. To je svetinja što pripada svećeniku, osim grudi prikaznice i stegna podizanice. Poslije toga nazirejac može piti vina.”
Ipapo muprista achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira; izvi zvitsvene uye ndezvomuprista, pamwe chete nechipfuva chakaninirwa uye chidya chakakumikidzwa. Shure kwaizvozvo, muNaziri anganwa hake waini.
21 Ovo je obred nazirejca, ne računajući ono što bi još mogla prinijeti njegova ruka. Ako je povrh svoga nazireata obećao kakav dar, neka povrh obreda svoga nazireata učini kako je zavjetovao.
“‘Uyu ndiwo murayiro womuNaziri anenge apikira chipiriso kuna Jehovha maererano nokuzvitsaura kwake pamusoro pezvimwe zvose zvaanenge achigona kupa. Anofanira kuzadzisa mhiko yaakaita, zviri maererano nomurayiro womuNaziri.’”
22 Jahve reče Mojsiju:
Jehovha akati kuna Mozisi,
23 “Reci Aronu i njegovim sinovima: 'Ovako blagoslivljajte Izraelce govoreći im:
“Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutoo uyu. Muti kwavari:
24 Neka te blagoslovi Jahve i neka te čuva!
“‘Jehovha akuropafadzei uye akuchengetei;
25 Neka te Jahve licem svojim obasja, milostiv ti bude!
Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu uye akunzwirei tsitsi;
26 Neka pogled svoj Jahve svrati na te i mir ti donese!'
Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri uye akupei rugare.’”
27 Tako neka stavljaju moje ime nad sinove Izraelove, i ja ću ih blagoslivljati.”
“Saka vachaisa zita rangu pamusoro pavaIsraeri, uye ndichavaropafadza.”

< Brojevi 6 >