< Mihej 7 >
1 Teško meni! Postao sam kao žetelac ljeti, kao trgač poslije jematve: nema bobice grožđa da je pozobljem, nema smokve ranke za kojom žudim!
Inhamoi yandinayo! Ndafanana nouya anounganidza michero yezhizha inosara mumunda wemizambiringa pakukohwa; hapana sumbu ramazambiringa rokudya, kana maonde okutanga andinopanga.
2 Vjernici su iščezli iz zemlje: nijednog pravednika među ljudima! Svi vrebaju za krvoprolićem, svaki svome bratu mrežu postavlja.
Vanhu vano umwari vabviswa panyika; hapana mumwe akarurama asara. Vanhu vose vanovandira kuti vateure ropa; mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure.
3 Njihove ruke za zlo su sposobne: glavar traži dar, sudac sudi prema poklonu, velikaš po svome hiru odlučuje.
Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo, mutongi anotambira fufuro, vane simba vanomanikidzira zvido zvavo; vose vanozvironga pamwe chete.
4 I najbolji među njima je kao trn, najpravedniji kao drača živica. Iskušenje njihovo danas sa Sjevera dolazi, dolazi ura strave njihove.
Akanaka kupfuura vose akangoita sorukato, vakarurama kupfuura vose vakaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa. Zuva renharirire dzenyu rasvika, zuva rokushanyirwa kwenyu naMwari. Zvino ino ndiyo nguva yokukanganiswa kwavo.
5 Ne pouzdavajte se u bližnjega, ne vjerujte u prijatelja; pred onom koja s tobom dijeli postelju pazi da usta ne otvoriš.
Rega kuvimba nomuvakidzani wako; usavimba neshamwari yako. Kunyange nomukadzi wawakagumbatira, uchenjerere mashoko ako.
6 Jer sin svoga oca zlostavlja, kćerka na majku ustaje, snaha na svoju svekrvu, svakome je dušmanin njegov ukućanin.
Nokuti mwanakomana anozvidza baba vake, mwanasikana anomukira mai vake, muroora anomukira vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu vemhuri yake.
7 A ja, prema Jahvi ja sam zagledan, čekam na Boga koji spasava, Bog moj mene će uslišati.
Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha, ndinomirira Mwari Muponesi wangu; Mwari wangu achandinzwa.
8 Ne raduj se mome zlu, dušmanko moja, ako sam pao, ustat ću; ako boravim u tminama, Jahve je svjetlost moja.
Usafara pamusoro pangu, iwe muvengi wangu! Kunyange ndakawira pasi, ndichasimuka. Kunyange ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu.
9 Moram podnositi srdžbu Jahvinu, jer sam protiv njega sagriješio, sve dok on ne prosudi spor moj i izrekne pravdu; izvest će me na svjetlost, gledat ću pravednost njegovu.
Nokuti ndakamutadzira, ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, kusvikira andireverera mhosva yangu uye asimbisa kodzero yangu. Achandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
10 Kada ga moja dušmanka ugleda, od stida će se pokriti ona koja mi je govorila: “Gdje je on, Jahve, tvoj Bog?” Moje će se oči naslađivati kad je ugledam: ona će biti zgažena kao blato na putu.
Ipapo muvengi wangu achazviona uye achafukidzwa, iye akati kwandiri, “Aripiko Jehovha Mwari wako?” Meso angu achaona kuwa kwake; kunyange iye zvino achatsikwa pasi petsoka sematope mumigwagwa.
11 Dolazi dan kad će se sazidati tvoji bedemi! Toga dana nadaleko će se prostirati tvoje granice!
Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, zuva rokuwedzerwa kwemiganhu yenyu.
12 Toga dana dolazit će k tebi od zemlje asirske do Egipta, od Tira do Rijeke, od mora do mora, od gore do gore.
Pazuva iro vanhu vachauya kwauri vachibva kuAsiria namaguta eIjipiti, kunyange kubva kuIjipiti kusvikira kuYufuratesi, uye kubva kugungwa kusvika kune rimwe gungwa, nokubva kugomo kusvika kune rimwe gomo.
13 Zemlja će postat' pustinja zbog stanovnika svojih, zbog djela njihovih.
Nyika ichava dongo nokuda kwavagari vayo, nokuda kwamabasa avo.
14 Pasi svoj narod svojom palicom, stado svoje baštine, koje osamljeno živi u šikarju, usred plodnih voćnjaka. Neka pase u Bašanu i Gileadu, kao u davne dane!
Fudza vanhu vako nomudonzvo wako, boka renhaka yako, rinogara roga musango, mumafuro akanaka. Rega afure muBhashani reGireadhi samazuva ekare.
15 Kao u dane kad si izašao iz Egipta, pokaži nam čudesa!
“Sapamazuva amakabuda kubva muIjipiti, ndichavaratidza zvishamiso zvangu.”
16 Narodi će ih vidjeti i bit će posramljeni uza svu silu svoju; stavit će ruku na usta i uši će im oglušiti.
Ndudzi dzichazviona uye dzichanyadziswa, dzisisina simba radzo rose. Vachabata miromo yavo uye nzeve dzavo dzichadzivira.
17 Lizat će prašinu kao zmija, kao gmazovi koji gmižu po zemlji. Izići će dršćući iz svojih jazbina, prestravljeni i ustrašeni pred tobom.
Vachananzva guruva senyoka, sezvipuka zvinokambaira pasi. Vachabuda vachidedera kubva munzvimbo dzavo dzokuvanda; vachadzoka vachitya kuna Jehovha Mwari wedu, uye vachakutyai.
18 Tko je Bog kao ti koji prašta krivnju, koji grijeh oprašta i prelazi preko prekršaja Ostatka baštine svoje, koji ne ustraje dovijeka u svome gnjevu, nego uživa u pomilovanju?
Ndiani Mwari akaita semi, anoregerera chivi uye anokanganwira kudarika kwavakasara venhaka yake? Hamugari makatsamwa nokusingaperi, asi munofarira kunzwira ngoni.
19 Još jednom, imaj milosti za nas! Satri naše opačine, baci na dno mora sve grijehe naše!
Muchava nenyasha kwatiri zvakare; muchatsikira zvivi zvedu pasi petsoka uye muchakanda kuipa kwedu kwose pakadzikadzika mugungwa.
20 Udijeli Jakovu vjernost svoju, dobrotu svoju Abrahamu, kako si se zakleo ocima našim od dana iskonskih.
Muchava makatendeka kuna Jakobho, mucharatidza nyasha kuna Abhurahama, sezvamakapika mhiko kumadzibaba edu mumazuva akare.