< Matej 28 >

1 Po suboti, u osvit prvoga dana u tjednu, dođe Marija Magdalena i druga Marija pogledati grob.
Zvino pakupera kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva.
2 I gle, nastade žestok potres jer anđeo Gospodnji siđe s neba, pristupi, otkotrlja kamen i sjede na nj.
Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.
3 Lice mu bijaše kao munja, a odjeća bijela kao snijeg.
Kuonekwa kwake kwakange kwakaita semheni, nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando.
4 Od straha pred njim zadrhtaše stražari i obamriješe.
Zvino varindi vakadedera nekumutya, vakava sevakafa.
5 A anđeo progovori ženama: “Vi se ne bojte! Ta znam: Isusa Raspetoga tražite!
Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakange arovererwa pamuchinjikwa.
6 Nije ovdje! Uskrsnu kako reče. Hajde, vidite mjesto gdje je ležao
Haasi pano; nokuti wamuka sezvaakareva. Uyai muone nzvimbo Ishe paakange arere.
7 pa pođite žurno i javite njegovim učenicima da uskrsnu od mrtvih. I evo, ide pred vama u Galileju. Ondje ćete ga vidjeti. Evo, rekoh vam.”
Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai anokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai.
8 One otiđoše žurno s groba te sa strahom i velikom radošću otrčaše javiti njegovim učenicima.
Ndokubva vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake.
9 Kad eto im Isusa u susret! Reče im: “Zdravo!” One polete k njemu, obujme mu noge i ničice mu se poklone.
Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata.
10 Tada im Isus reče: “Ne bojte se! Idite, javite mojoj braći da pođu u Galileju! Ondje će me vidjeti!”
Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako.
11 Dok su one odlazile, gle, neki od straže dođoše u grad i javiše glavarima svećeničkim sve što se dogodilo.
Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvese zvakaitika.
12 Oni se sabraše sa starješinama na vijećanje, uzeše mnogo novaca i dadoše vojnicima
Vakati vaungana nevakuru, vakarangana, vakapa mari zhinji kumauto,
13 govoreći: “Recite: 'Noću dok smo mi spavali, dođoše njegovi učenici i ukradoše ga.'
vachiti: Itii: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tirere.
14 Ako to dočuje upravitelj, mi ćemo ga uvjeriti i sve učiniti da vi budete bez brige.”
Kana izvi zvikazikanwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika.
15 Oni uzeše novac i učiniše kako bijahu poučeni. I razglasilo se to među Židovima - sve do danas.
Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparadzirwa pakati peVaJudha kusvikira nhasi.
16 Jedanaestorica pođoše u Galileju na goru kamo im je naredio Isus.
Zvino vadzidzi gumi neumwe vakaenda kuGarirea, kugomo Jesu raakavaraira.
17 Kad ga ugledaše, padoše ničice preda nj. A neki posumnjaše.
Vakati vachimuona, vakamunamata; asi vamwe vakakonona.
18 Isus im pristupi i prozbori: “Dana mi je sva vlast na nebu i na zemlji!
Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rese rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika.
19 Pođite dakle i učinite mojim učenicima sve narode krsteći ih u ime Oca i Sina i Duha Svetoga
Endai naizvozvo muite marudzi ese vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene;
20 i učeći ih čuvati sve što sam vam zapovjedio!” “I evo, ja sam s vama u sve dane - do svršetka svijeta.” (aiōn g165)
muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurairai; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni. (aiōn g165)

< Matej 28 >