< Matej 25 >
1 “Tada će kraljevstvo nebesko biti kao kad deset djevica uzeše svoje svjetiljke i iziđoše u susret zaručniku.
Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.
2 Pet ih bijaše ludih, a pet mudrih.
Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, uye vashanu vari mapenzi.
3 Lude uzeše svjetiljke, ali ne uzeše sa sobom ulja.
Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.
4 Mudre pak zajedno sa svjetiljkama uzeše u posudama ulja.”
Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.
5 “Budući da je zaručnik okasnio, sve one zadrijemaše i pozaspaše.
Zvino muwani wakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara.
6 O ponoći nasta vika: 'Evo zaručnika! Iziđite mu u susret!'
Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!
7 Tada ustadoše sve one djevice i urediše svoje svjetiljke.
Zvino vasikana avo vese vakamuka, vakagadzira marambi avo.
8 Lude tada rekoše mudrima: 'Dajte nam od svoga ulja, gase nam se svjetiljke!'
Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nokuti marambi edu odzima.
9 Mudre im odgovore: 'Nipošto! Ne bi doteklo nama i vama. Pođite radije k prodavačima i kupite!'”
Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.
10 “Dok one odoše kupiti, dođe zaručnik: koje bijahu pripravne, uđoše s njim na svadbu i zatvore se vrata.
Vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.
11 Poslije dođu i ostale djevice pa stanu dozivati: 'Gospodine! Gospodine! Otvori nam!'
Zvino pashure kwakauyawo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, ishe, tizarurirei!
12 A on im odgovori: 'Zaista kažem vam, ne poznam vas!'
Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.
13 Bdijte dakle jer ne znate dana ni časa!”
Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana awa Mwanakomana wemunhu raachauya mariri.
14 “Doista, kao kad ono čovjek, polazeći na put, dozva sluge i dade im svoj imetak.
Nokuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.
15 Jednomu dade pet talenata, drugomu dva, a trećemu jedan - svakomu po njegovoj sposobnosti.
Uye kune umwe wakapa matarenda mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo.
16 I otputova. Onaj koji je primio pet talenata odmah ode, upotrijebi ih i stekne drugih pet.
Uye wakagamuchira matarenda mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.
17 Isto tako i onaj sa dva stekne druga dva.
Saizvozvowo wemaviri, iye akawanawo mamwe maviri.
18 Onaj naprotiv koji je primio jedan ode, otkopa zemlju i sakri novac gospodarov.”
Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
19 “Nakon dugo vremena dođe gospodar tih slugu i zatraži od njih račun.
Shure kwenguva refu, ishe wevaranda avo wakasvika, akagadzira zvemari navo.
20 Pristupi mu onaj što je primio pet talenata i donese drugih pet govoreći: 'Gospodaru! Pet si mi talenata predao. Evo, drugih sam pet talenata stekao!'
Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.
21 Reče mu gospodar: 'Valjaš, slugo dobri i vjerni! U malome si bio vjeran, nad mnogim ću te postaviti! Uđi u radost gospodara svoga!'”
Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
22 “Pristupi i onaj sa dva talenta te reče: 'Gospodaru! Dva si mi talenta predao. Evo, druga sam dva talenta stekao!'
Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.
23 Reče mu gospodar: 'Valjaš, slugo dobri i vjerni! U malome si bio vjeran, nad mnogim ću te postaviti! Uđi u radost gospodara svoga.'”
Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
24 “A pristupi i onaj koji je primio jedan talenat te reče: 'Gospodaru! Znadoh te: čovjek si strog, žanješ gdje nisi sijao i kupiš gdje nisi vijao.
Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;
25 Pobojah se stoga, odoh i sakrih talenat tvoj u zemlju. Evo ti tvoje!'
zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!
26 A gospodar mu reče: 'Slugo zli i lijeni! Znao si da žanjem gdje nisam sijao i kupim gdje nisam vijao!
Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.
27 Trebalo je dakle da uložiš moj novac kod novčara i ja bih po povratku izvadio svoje s dobitkom.'”
Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.
28 “'Uzmite stoga od njega talenat i podajte onomu koji ih ima deset.
Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune ane matarenda gumi.
29 Doista, onomu koji ima još će se dati, neka ima u izobilju, a od onoga koji nema oduzet će se i ono što ima.
Nokuti wese anazvo achapiwa ave nezvakawandisa; asi kubva kune asina kuchatorwa nechaanacho.
30 A beskorisnoga slugu izbacite van u tamu. Ondje će biti plač i škrgut zubi.'”
Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze kwekupedzisira; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
31 “Kad Sin Čovječji dođe u slavi i svi anđeli njegovi s njime, sjest će na prijestolje slave svoje.
Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vese vanaye, ipapo achagara pachigaro cheushe chekubwinya kwake.
32 I sabrat će se pred njim svi narodi, a on će ih jedne od drugih razlučiti kao što pastir razlučuje ovce od jaraca.
Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzese; uye achadziparadzanisa vamwe kubva kune vamwe, semufudzi anoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.
33 Postavit će ovce sebi zdesna, a jarce slijeva.”
Achamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.
34 “Tada će kralj reći onima sebi zdesna: 'Dođite, blagoslovljeni Oca mojega! Primite u baštinu Kraljevstvo pripravljeno za vas od postanka svijeta!
Zvino Mambo achati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.
35 Jer ogladnjeh i dadoste mi jesti; ožednjeh i napojiste me; stranac bijah i primiste me;
Nokuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekunwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira;
36 gol i zaogrnuste me; oboljeh i pohodiste me; u tamnici bijah i dođoste k meni.'”
ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.
37 “Tada će mu pravednici odgovoriti: 'Gospodine, kada te to vidjesmo gladna i nahranismo te; ili žedna i napojismo te?
Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota, tikapa chekunwa?
38 Kada te vidjesmo kao stranca i primismo; ili gola i zaogrnusmo te?
Takakuonai rinhi muri mweni, tikakugamuchirai, kana makashama, tikapfekedza?
39 Kada te vidjesmo bolesna ili u tamnici i dođosmo k tebi?'
Takakuonai rinhi muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?
40 A kralj će im odgovoriti: 'Zaista, kažem vam, što god učiniste jednomu od ove moje najmanje braće, meni učiniste!'”
Uye Mambo achapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudikisa, makaitira ini.
41 “Zatim će reći i onima slijeva: 'Odlazite od mene, prokleti, u oganj vječni, pripravljen đavlu i anđelima njegovim! (aiōnios )
Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake. (aiōnios )
42 Jer ogladnjeh i ne dadoste mi jesti; ožednjeh i ne dadoste mi piti;
Nokuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa;
43 stranac bijah i ne primiste me; gol i ne zaogrnuste me; bolestan i u tamnici i ne pohodiste me!'”
ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.
44 “Tada će mu i oni odgovoriti: 'Gospodine, a kada te to vidjesmo gladna, ili žedna, ili stranca, ili gola, ili bolesna, ili u tamnici, i ne poslužismo te?'
Ipapo avawo vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?
45 Tada će im on odgovoriti: 'Zaista, kažem vam, što god ne učiniste jednomu od ovih najmanjih, ni meni ne učiniste.'”
Zvino achavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadikisa ava, hamuna kuitirawo ini.
46 “I otići će ovi u muku vječnu, a pravednici u život vječni.” (aiōnios )
Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi. (aiōnios )