< Marko 12 >

1 I uze im zboriti u prispodobama: Čovjek vinograd posadi, ogradom ogradi, iskopa tijesak i kulu podiže pa ga iznajmi vinogradarima i otputova.
Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo achiti, “Mumwe murume akasima munda wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akachera gomba rechisviniro chewaini uye akavaka shongwe yokurinda. Ipapo akauchengetesa kuvarimi akaenda parwendo.
2 I u svoje vrijeme posla vinogradarima slugu da od njih uzme dio uroda vinogradarskoga.
Pakukohwa akatuma muranda kumuchengeti womunda kuti andotora kwavari mimwe michero yomunda wemizambiringa.
3 A oni ga pograbiše, istukoše i otposlaše praznih ruku.
Asi vakamubata, vakamurova vakamudzosa asina chinhu.
4 I opet posla k njima drugog slugu: i njemu razbiše glavu i izružiše ga.
Ipapo akatuma mumwe muranda; vakarova murume uyu mumusoro vakamunyadzisa zvikuru.
5 Trećega također posla: njega ubiše. Tako i mnoge druge: jedne istukoše, druge pobiše.”
Akapamhazve kutuma mumwe, uye uyo vakamuuraya. Akatuma vamwe vazhinji; vamwe vavo vakavarova, vamwe vakavauraya.
6 “Još jednoga imaše, sina ljubljenoga. Njega naposljetku posla k njima misleći: 'Poštovat će sina moga.'
“Akanga asara nomumwe chete wokutuma, mwanakomana, waaida kwazvo. Akamutuma kwokupedzisira achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’
7 Ali ti vinogradari među sobom rekoše: 'Ovo je baštinik! Hajde da ga ubijemo i baština će biti naša.'
“Asi vachengeti vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai, ngatimuurayei, nhaka igova yedu.’
8 I pograbe ga, ubiju i izbace iz vinograda.”
Saka vakamutora vakamuuraya, vakamurasira kunze kwomunda wemizambiringa.
9 “Što li će učiniti gospodar vinograda? Doći će i pobiti te vinogradare i dati vinograd drugima.
“Zvino muridzi womunda wemizambiringa achaiteiko? Achauya agouraya vachengeti vaya vomunda agopa munda wemizambiringa kuna vamwe.
10 Niste li čitali ovo Pismo: Kamen što ga odbaciše graditelji, postade kamen zaglavni.
Ko, hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti: “‘Dombo rakarambwa navavaki ndiro rava musoro wekona;
11 Gospodnje je to djelo - kakvo čudo u očima našim!”
Ishe akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’?”
12 I tražili su da ga uhvate, ali se pobojaše mnoštva. Razumješe da je protiv njih izrekao prispodobu pa ga ostave i odu.
Ipapo vakatsvaka nzira yokumusunga nayo nokuti vakaziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu vazhinji; saka vakamusiya vakaenda.
13 I pošalju k njemu neke od farizeja i herodovaca da ga uhvate u riječi.
Shure kwaizvozvo vakatuma vamwe vavaFarisi navaHerodhi kuna Jesu kuti vandomubata namashoko ake.
14 Oni dođu i kažu mu: “Učitelju, znamo da si istinit i ne mariš tko je tko jer nisi pristran, nego po istini učiš putu Božjemu. Je li dopušteno dati porez caru ili nije? Da damo ili da ne damo?”
Vakauya kwaari vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama. Imi hamutsauswi navanhu, nokuti hamuteereri kuti ndivanaani, asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Zvakanaka here kuripa mutero kuna Kesari kana kuti kwete?
15 A on im reče prozirući njihovo licemjerje: “Što me iskušavate? Donesite mi denar da vidim!”
Tinofanira kuripa here kana kuti tinofanira kuregera?” Asi Jesu achiziva kunyengera kwavo, akati, “Seiko muchiedza kunditeya? Ndipei kuno dhenari ndirione.”
16 Oni doniješe. I reče im: “Čija je ovo slika i natpis?” A oni će mu: “Carev.”
Vakauya nemari yacho, iye akavabvunza akati, “Mufananidzo uyu ndowani? Uye runyoro urwu ndorwani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”
17 A Isus im reče: “Caru podajte carevo, a Bogu Božje!” I divili su mu se.
Ipapo Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye kuna Mwari zvaMwari.” Uye vakashamiswa naye.
18 Dođu k njemu saduceji, koji vele da nema uskrsnuća, i upitaju ga:
Ipapo vaSadhusi, vaya vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.
19 “Učitelju, Mojsije nam napisa: Umre li čiji brat i ostavi ženu, a ne ostavi djeteta, neka njegov brat uzme tu ženu te podigne porod bratu svomu.
Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womurume akafa uye akasiya mukadzi asina vana, mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi iyi kuti amutsire mukoma wake vana.
20 Sedmero braće bijaše. Prvi uze ženu i umrije ne ostavivši poroda.
Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe chete vanomwe. Wokutanga akawana uye akafa akasasiya vana.
21 I drugi je uze te umrije ne ostavivši poroda. I treći jednako tako.
Wechipiri akatora chirikadzi iya, asi naiyewo akafa, akasasiya vana. Ndizvo zvakaitikawo kuno wechitatu.
22 I sedmorica ne ostaviše poroda. Najposlije i žena umrije.
Zviripo ndezvokuti, hakuna pavanomwe ava akasiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi akazofawo.
23 Komu će biti žena o uskrsnuću, kad uskrsnu? Jer sedmorica su je imala za ženu.”
Pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waani, sezvo akanga akawanikwa navanomwe ava?”
24 Reče im Isus: “Niste li u zabludi zbog toga što ne razumijete Pisama ni sile Božje?
Jesu akapindura akati, “Hamuna kurasika here nokuda kwokusaziva Magwaro kana simba raMwari?
25 Ta kad od mrtvih ustaju, niti se žene niti udavaju, nego su kao anđeli na nebesima.
Vakafa pavanomuka, havazowani uye havazowaniswi; vachaita savatumwa vokudenga.
26 A što se tiče mrtvih, da ustaju, niste li čitali u knjizi Mojsijevoj ono o grmu, kako Mojsiju reče Bog: Ja sam Bog Abrahamov i Bog Izakov i Bog Jakovljev?
Zvino pamusoro pokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, panhoroondo dzegwenzi raipfuta, kuti Mwari akati kwaari, ‘Ndini Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho’?
27 Nije on Bog mrtvih, nego živih. Uvelike se varate.”
Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu. Makarasika kwazvo!”
28 Tada pristupi jedan od pismoznanaca koji je slušao njihovu raspravu. Vidjevši da im je dobro odgovorio, upita ga: “Koja je zapovijed prva od sviju?”
Mumwe wavadzidzisi vomurayiro akauya akavanzwa vachitaurirana. Akaona kuti Jesu akanga avapa mhinduro yakanaka, akamubvunza akati, “Pamirayiro yose, ndoupiko unonyanya kukosha?”
29 Isus odgovori: “Prva je: Slušaj, Izraele! Gospodin Bog naš Gospodin je jedini.
Jesu akapindura akati, “Unonyanya kukosha, ndouyu: ‘Inzwa, iwe Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwe chete.
30 Zato ljubi Gospodina Boga svojega iz svega srca svojega, i iz sve duše svoje, i iz svega uma svoga, i iz sve snage svoje!”
Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kwose uye nesimba rako rose.’
31 “Druga je: Ljubi svoga bližnjega kao sebe samoga. Nema druge zapovijedi veće od tih.”
Wechipiri ndouyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuna murayiro mukuru kupfuura iyi.”
32 Nato će mu pismoznanac: “Dobro, učitelju! Po istini si kazao: On je jedini, nema drugoga osim njega.
Murume akapindura akati, “Mapindura zvakanaka, mudzidzisi. Mataura chokwadi pamataura kuti Mwari ndiye mumwe chete uye hakuna mumwe kunze kwake.
33 Njega ljubiti iz svega srca, iz svega razuma i iz sve snage i ljubiti bližnjega kao sebe samoga - više je nego sve paljenice i žrtve.”
Kumuda nomwoyo wako wose, nokunzwisisa kwako kwose uye nesimba rako rose, uye kuda wokwako sezvaunozvida iwe ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvipiriso zvose zvinopiswa, nezvibayiro.”
34 Kad Isus vidje kako je pametno odgovorio, reče mu: “Nisi daleko od kraljevstva Božjega!” I nitko se više nije usuđivao pitati ga.
Jesu akati aona kuti akanga apindura nokuchenjera, akati kwaari, “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Uye kubvira ipapo hakuna munhu akazotsunga kumubvunza mimwezve mibvunzo.
35 A naučavajući u Hramu, uze Isus govoriti: “Kako pismoznanci kažu da je Krist sin Davidov?
Jesu paakanga achidzidzisa ari mutemberi, akabvunza akati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?
36 A sam David reče u Duhu Svetome: Reče Gospod Gospodinu mojemu: 'Sjedni mi zdesna dok ne položim neprijatelje tvoje za podnožje nogama tvojim!'
Dhavhidhi pachake achitaura noMweya Mutsvene, akati: “‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”’
37 Sam ga David zove Gospodinom. Kako mu je onda sin?” Silan ga je svijet s užitkom slušao.
Dhavhidhi pachake anomuti ‘Ishe.’ Zvino anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vazhinji vakateerera kwaari nomufaro.
38 A on im u pouci svojoj govoraše: “Čuvajte se pismoznanaca, koji rado idu u dugim haljinama, vole pozdrave na trgovima,
Pakudzidzisa kwake, Jesu akati, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu uye vachikwaziswa mumisika,
39 prva sjedala u sinagogama i pročelja na gozbama;
uye kuti vave nezvigaro zvakakwirira kwazvo mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.
40 proždiru kuće udovičke, još pod izlikom dugih molitava. Stići će ih to oštrija osuda!”
Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu kuti vaonekwe navanhu. Vanhu vakadai vacharangwa zvikuru kwazvo.”
41 Potom sjede nasuprot riznici te promatraše kako narod baca sitniš u riznicu. Mnogi bogataši bacahu mnogo.
Jesu akagara pasi akatarisana nenzvimbo yaiiswa zvipo uye akatarisisa vanhu vazhinji vachiisa mari yavo muchivigiro chemari mutemberi. Vapfumi vazhinji vaikandamo mari zhinji.
42 Dođe i neka siromašna udovica i baci dva novčića, to jest jedan kvadrant.
Asi chirikadzi yakasvika ikaisamo tumari tuviri tuduku.
43 Tada dozove svoje učenike i reče im: “Doista, kažem vam, ova je sirota udovica ubacila više od svih koji ubacuju u riznicu.
Jesu akadana vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, chirikadzi murombo iyi yaisa mari zhinji muchivigiro kupfuura vamwe vose.
44 Svi su oni zapravo ubacili od svoga suviška, a ona je od svoje sirotinje ubacila sve što je imala, sav svoj žitak.”
Vose vapa kubva paupfumi hwavo; asi chirikadzi iyi yapa, ichitora pakushayiwa kwayo, yaisa zvose zvayanga ichifanira kurarama nazvo.”

< Marko 12 >