< Levitski zakonik 19 >

1 Jahve reče Mojsiju:
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 “Govori svoj zajednici Izraelaca i reci im: 'Sveti budite! Jer sam svet ja, Jahve, Bog vaš!
“Taura kuungano yose yeIsraeri uti kwavari, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.
3 Svoje se majke i svoga oca svaki bojte! Subote moje držite! Ja sam Jahve, Bog vaš!
“‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuremekedza mai nababa vake uye munofanira kuchengetedza maSabata angu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
4 Ne obraćajte se na ništavila! Ne pravite sebi lijevanih kumira! Ja sam Jahve, Bog vaš!
“‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira vamwari vesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
5 Kad prinosite Jahvi žrtvu pričesnicu, prinesite je tako da budete primljeni.
“‘Kana uchipa Jehovha chibayiro chechipiriso chokuwadzana, unofanira kuchipa nenzira inoita kuti chigamuchirwe pachinzvimbo chako.
6 Neka se pojede na dan kad je prinosite ili sutradan. Što preostane za prekosutra neka se spali na vatri.
Chichadyiwa nomusi waunochibayira kana zuva rinotevera; chinhu chipi nechipi chinosiyiwa kusvika pazuva rechitatu chinofanira kupiswa.
7 Kad bi se jelo od toga jela treći dan, bilo bi odvratno i žrtva ne bi bila primljena.
Kana zvimwe zvacho zvikadyiwa pazuva rechitatu hazvina kuchena uye hazvigamuchirwi.
8 A onaj koji je ipak jede neka snosi posljedice svoje krivnje. Budući da je oskvrnuo ono što je Jahvi posvećeno, neka se takav odstrani iz svoga naroda.
Ani naani anozvidya achapiwa mhosva nokuti asvibisa chitsvene kuna Mwari; munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
9 Kad žetvu žanjete po svojoj zemlji, ne žanjite dokraja svoje njive; niti pabirčite ostatke poslije svoje žetve.
“‘Kana uchikohwa mumunda wako usakohwa kusvika kumuchetocheto womunda wako, kana kunhongera zvawira pasi pakukohwa.
10 Ne paljetkuj svoga vinograda; ne kupi po svom vinogradu palih boba nego ih ostavljaj sirotinji i strancu! Ja sam Jahve, Bog vaš.
Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
11 Nemojte krasti; nemojte lagati i varati svoga bližnjega.
“‘Usaba. “‘Usareva nhema. “‘Musanyengedzana.
12 Nemojte se krivo kleti mojim imenom i tako oskvrnjivati ime svoga Boga. Ja sam Jahve!
“‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha.
13 Ne iskorišćuj svoga bližnjega niti ga pljačkaj! Radnikova zarada neka ne ostane pri tebi do jutra.
“‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumutorera chinhu nechisimba. “‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana.
14 Nemoj psovati gluhoga niti pred slijepca stavljaj zapreku. Svoga se Boga boj! Ja sam Jahve!
“‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha.
15 Ne počinjajte nepravde u osudama! Ne budi pristran prema neznatnome, niti popuštaj pred velikima; po pravdi sudi svome bližnjemu!
“‘Usaminamisa kururamisira, usatsaura murombo uchifarira mupfumi, asi tonga muvakidzani wako zvakakodzera.
16 Ne raznosi klevete među svojim narodom; ne izvrgavaj pogibli krv svoga bližnjega. Ja sam Jahve!
“‘Usafamba uchiparadzira makuhwa pakati pavanhu vokwako. “‘Usaita chinhu chinoisa upenyu hwomuvakidzani wako panjodzi. Ndini Jehovha.
17 Ne mrzi svoga brata u svom srcu! Dužnost ti je koriti svoga sunarodnjaka. Tako nećeš pasti u grijeh zbog njega.
“‘Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake.
18 Ne osvećuj se! Ne gaji srdžbe prema sinovima svoga naroda. Ljubi bližnjega svoga kao samoga sebe. Ja sam Jahve!
“‘Usatsvaka kutsiva kana kugara nedaka nomumwe wavanhu vokwako, asi ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe. Ndini Jehovha.
19 Držite moje zapovijedi! Ne daj svome blagu da se pari s drugom vrstom. Svoga polja ne zasijavaj dvjema vrstama sjemena. Ne stavljaj na se odjeće od dvije vrste tkanine.
“‘Chengeta mirayiro yangu. “‘Usaberekesa mhando dzemhuka dzakasiyana. “‘Usadyara mbeu mbiri dzakasiyana mumunda mako. “‘Usapfeka nguo yakarukwa nemicheka miviri yakasiyana.
20 Ako bi tko legao s ropkinjom koja je zaručena za drugoga, a ona ne bude ni otkupljena ni oslobođena, treba ga kazniti, ali ne smrću, jer ona nije slobodna.
“‘Kana murume akavata nomukadzi ari murandakadzi akavimbiswa kuno mumwe murume, asi mukadzi asina kudzikinurwa kana kupiwa rusununguko rwake, panofanira kuva nokurangwa kwakakodzera. Asi haafaniri kuurayiwa nokuti mukadzi uyu anga asati asunungurwa.
21 Neka on na ulazu u Šator sastanka prinese Jahvi žrtvu naknadnicu, to jest jednoga ovna kao žrtvu naknadnicu.
Zvisinei, murume uyu anofanira kuuya negondobwe kumusuo weTende Rokusangana rechipiriso chemhosva kuna Jehovha.
22 Neka svećenik tim ovnom žrtve naknadnice izvrši nad tim čovjekom obred pomirenja pred Jahvom za počinjeni grijeh. I grijeh koji je počinio bit će mu oprošten.
Negondobwe rechipiriso chemhosva muprista anofanira kumuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwechivi chaakaita, uye chivi chake chicharegererwa.
23 Kad uđete u zemlju i zasadite bilo kakvu voćku, smatrajte njezine plodove za neobrezane. Tri godine neka vam budu neobrezani: neka se ne jedu.
“‘Kana mapinda munyika iyo mukadyara muchero upi noupi, torai michero yacho seisingabvumirwi. Kwamakore matatu munofanira kuitora seisingabvumirwi. Haifaniri kudyiwa.
24 Četvrte godine neka se svi njezini plodovi posvete na svetkovinu zahvale Jahvi.
Mugore rechina, michero yacho yose ichava mitsvene, chipiriso chokurumbidza kuna Jehovha.
25 Istom pete godine jedite njezin plod i ubirite sebi njezin urod. Ja sam Jahve, Bog vaš!
Asi mugore rechishanu mungadya michero yacho. Nenzira iyi gohwo renyu richawedzerwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
26 Ništa s krvlju nemojte jesti! Ne gatajte! Ne čarajte!
“‘Usadya nyama ipi neipi ichine ropa. “‘Usaita zvokushopera kana zvouroyi.
27 Ne zaokružujte kose na svojim sljepoočnicama; ne šišajte okrajka svoje brade.
“‘Musacheka bvudzi renyu kumativi omusoro kana kudimurira ndebvu dzenyu.
28 Ne urezujte zareza na svome tijelu za pokojnika; niti na sebi usijecajte kakvih biljega. Ja sam Jahve!
“‘Musacheka miviri yenyu nokuda kwavakafa kana kuzviisa nyora. Ndini Jehovha.
29 Ne obeščašćuj svoje kćeri dajući je za javnu bludnicu. Tako se zemlja neće podati bludnosti niti će se napuniti pokvarenošću.
“‘Usaderedza unhu hwomwanasikana wako nokumuita chifeve nokuti nyika yose ichaita ufeve ikazara nouipi.
30 Držite moje subote; štujte moje Svetište. Ja sam Jahve!
“‘Chengetedza maSabata angu uye uremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.
31 Ne obraćajte se na zazivače duhova i vračare; ne pitajte ih za savjet. Oni bi vas opoganili. Ja sam Jahve, Bog vaš!
“‘Usaenda kumasvikiro nokune vezvemidzimu nokuti uchasvibiswa navo. Ndini Jehovha Mwari wako.
32 Ustani pred sijedom glavom; poštuj lice starca; boj se svoga Boga. Ja sam Jahve!
“‘Unofanira kusimukira vachena bvudzi, ratidza rukudzo kuna vakuru uye utye Mwari wako. Ndini Jehovha.
33 Ako se stranac nastani u vašoj zemlji, nemojte ga ugnjetavati.
“‘Kana mutorwa akagara nemi munyika, musamubate zvakaipa.
34 Stranac koji s vama boravi neka vam bude kao sunarodnjak; ljubi ga kao sebe samoga. TÓa i vi ste bili stranci u egipatskoj zemlji. Ja sam Jahve, Bog vaš.
Mutorwa anogara nemi anofanira kubatwa sechizvarwa chenyu. Mudei sokuda kwamunozviita imi nokuti maiva vatorwa muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
35 Ne počinjajte nepravde u osudama, u mjerama za duljinu, težinu i obujam.
“‘Musashandise zviero zvokubiridzira kana muchiera urefu, uremu kana uwandu.
36 Neka su vam mjerila točna; utezi jednaki; efa prava; prav hin. Ja sam Jahve, Bog vaš, koji sam vas izveo iz zemlje egipatske.
Shandisai zviyero zvechokwadi efa rechokwadi nehini yechokwadi. Ndini Jehovha Mwari wenyu akakubudisai muIjipiti.
37 Držite sve moje zakone i sve moje naredbe; vršite ih. Ja sam Jahve!'”
“‘Chengetai mirayiro yangu yose nemitemo yangu yose, mugoitevera. Ndini Jehovha.’”

< Levitski zakonik 19 >