< Ivan 15 >

1 “Ja sam istinski trs, a Otac moj - vinogradar.
Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
2 Svaku lozu na meni koja ne donosi roda on siječe, a svaku koja rod donosi čisti da više roda donese.
Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko.
3 Vi ste već očišćeni po riječi koju sam vam zborio.
Imwi matochena neshoko randataura kwamuri.
4 Ostanite u meni i ja u vama. Kao što loza ne može donijeti roda sama od sebe, ako ne ostane na trsu, tako ni vi ako ne ostanete u meni.
Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka chibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwi kwete, kana musingagari mandiri.
5 Ja sam trs, vi loze. Tko ostaje u meni i ja u njemu, taj donosi mnogo roda. Uistinu, bez mene ne možete učiniti ništa.
Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka chibereko chakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
6 Ako tko ne ostane u meni, izbace ga kao lozu i usahne. Takve onda skupe i bace u oganj te gore.
Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe.
7 Ako ostanete u meni i riječi moje ako ostanu u vama, što god hoćete, ištite i bit će vam.
Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa.
8 Ovim se proslavlja Otac moj: da donosite mnogo roda i da budete moji učenici.
Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.
9 Kao što je Otac ljubio mene tako sam i ja ljubio vas; ostanite u mojoj ljubavi.
Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu.
10 Budete li čuvali moje zapovijedi, ostat ćete u mojoj ljubavi; kao što sam i ja čuvao zapovijedi Oca svoga te ostajem u ljubavi njegovoj.
Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.
11 To sam vam govorio da moja radost bude u vama i da vaša radost bude potpuna.
Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare.
12 Ovo je moja zapovijed: ljubite jedni druge kao što sam ja vas ljubio!
Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.
13 Veće ljubavi nitko nema od ove: da tko život svoj položi za svoje prijatelje.
Hakuna ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake.
14 Vi ste prijatelji moji ako činite što vam zapovijedam.
Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai.
15 Više vas ne zovem slugama jer sluga ne zna što radi njegov gospodar; vas sam nazvao prijateljima jer vam priopćih sve što sam čuo od Oca svoga.
Handichakuidziizve varanda, nokuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nokuti zvese zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai.
16 Ne izabraste vi mene, nego ja izabrah vas i postavih vas da idete i rod donosite i rod vaš da ostane te vam Otac dadne što ga god zaištete u moje ime.
Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei.
17 Ovo vam zapovijedam: da ljubite jedni druge.”
Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.
18 “Ako vas svijet mrzi, znajte da je mene mrzio prije nego vas.
Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi.
19 Kad biste bili od svijeta, svijet bi svoje ljubio; no budući da niste od svijeta, nego sam vas ja izabrao iz svijeta, zbog toga vas svijet mrzi.
Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.
20 Sjećajte se riječi koju vam rekoh: 'Nije sluga veći od svoga gospodara.' Ako su mene progonili, i vas će progoniti; ako su moju riječ čuvali, da vašu će čuvati.
Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo.
21 A sve će to poduzimati protiv vas poradi imena moga jer ne znaju onoga koji mene posla.
Asi izvi zvese vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nokuti havamuzivi wakandituma.
22 Da nisam došao i da im nisam govorio, ne bi imali grijeha; no sada nemaju izgovora za svoj grijeh.
Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo.
23 Tko mene mrzi, mrzi i Oca mojega.
Anondivenga, anovenga Baba vanguwo.
24 Da nisam učinio među njima djela kojih nitko drugi ne čini, ne bi imali grijeha; a sada vidješe pa ipak zamrziše i mene i Oca mojega.
Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvese ini naBaba vangu.
25 No neka se ispuni riječ napisana u njihovu Zakonu: Mrze me nizašto.
Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero.
26 A kada dođe Branitelj koga ću vam poslati od Oca - Duh Istine koji od Oca izlazi - on će svjedočiti za mene.
Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu achapupura nezvangu.
27 I vi ćete svjedočiti jer ste od početka sa mnom.
Nemwiwo muchapupura, nokuti maiva neni kubva pakutanga.

< Ivan 15 >