< Izaija 27 >

1 U onaj dan kaznit će Jahve mačem ljutim, velikim i jakim Levijatana, zmiju hitru, Levijatana, zmiju vijugavu, i ubit će zmaja morskoga.
Pazuva iro, Jehovha acharanga nomunondo wake, iwo munondo wake mukuru une simba uye unotyisa, Revhiatani nyoka inokurumidza, Revhiatani nyoka inogonyana; achauraya chikara chomugungwa.
2 U onaj dan pjevajte mu, vinogradu vinorodnom:
Pazuva iro, “Imbai nezvomuzambiringa unobereka:
3 Ja, Jahve, njega čuvam, svaki čas ga zalijevam, i da ga tko ne ošteti, danju i noću stražim.
Ini Jehovha ndini ndinouchengeta; ndinoramba ndichiudiridzira. Ndinourinda masikati nousiku kuitira kuti parege kuva neanoukanganisa.
4 Nema gnjeva u meni! Nek' se trnje i drač samo pojavi, protiv njega ustat ću u boj, svega ću ga sažgati!
Handina kutsamwa. Dai paingova nerukato neminzwa zvinorwa neni! Ndaienda kundorwa nazvo; ndaizvipisa zvose nomoto.
5 Ili u moje nek' dođe okrilje, neka sklopi mir sa mnom, mir neka sklopi sa mnom!
Kana kuti ngazviuye zvizovanda kwandiri; ngazviyanane neni, hongu, ngazviyanane neni.”
6 Dolaze dani kad će se ukorijeniti Jakov, razgranit' se i procvasti Izrael, i sav svijet plodovima napuniti.
Mumazuva anouya, Jakobho achadzika midzi, Israeri achabukira uye achatunga maruva, agozadza nyika yose nomuchero,
7 Je li ga udario kako udari one koji njega udarahu? Je li ga ubio kako ubi one koji njega ubiše?
Ko, Jehovha akamurova here sezvaanorova avo vakamurova? Akaurayiwa here sokuurayiwa kwakaitwa avo vakamuuraya?
8 Za kaznu ga potjera, izagna, odnese ga silnim dahom svojim u dan istočnjaka.
Muhondo makarwa naye mukamudzinga, nokurwisa kwake kunotyisa akamudzinga, sezvinoitika pazuva rinovhuvhuta mhepo yokumabvazuva.
9 Tako će se okajati bezakonje Jakovljevo; a ovo je sve plod oproštenja grijeha njegova. Neka se smrve svi kamenovi žrtvenika kao što se u prah drobi krečno kamenje! Nek' se više ne dižu ašere i sunčani stupovi!
Zvino nenzira iyi, mhosva yaJakobho ichadzikinurwa, uye izvi zvichava chibereko chakazara chokubviswa kwechivi chake: Paanoita kuti aritari dzose dzifanane namabwe omunyaka akaputswa-putswa, hapana matanda aAshera kana aritari dzezvinonhuhwira zvichasiyiwa zvakamira.
10 Jer opustje tvrdi grad, naselje je poharano, napušteno kao pustinja. Telad ondje pase - leži ondje, grmlje brsti.
Guta rakakomberedzwa norusvingo rasiyiwa rava dongo, hwava ugaro hwakasiyiwa, kufanana nerenje; mhuru dzofura ikoko, uye ikoko ndiko kwadzinovata; dzinosiya matavi asisina chinhu.
11 Kad mu se osuše grane, lome ih, dolaze žene i oganj pale. Jer to je narod nerazuman, zato ga neće žaliti Stvoritelj, Tvorac mu se neće smilovati.
Panooma matavi acho, anovhuniwa, uye vakadzi vanouya vovesa moto nawo. Nokuti vanhu ava havana njere; nokudaro Muiti wavo haachina tsitsi pamusoro pavo, uye Musiki wavo haangavaitiri nyasha.
12 Jahve će u dan onaj klasje vrijeći od Eufrata do Potoka egipatskog, i bit ćete pobrani jedan po jedan, djeco Izraelova.
Pazuva iro Jehovha achapura kubva panoyerera Yufuratesi kusvikira paRukova rweIjipiti, uye imi vaIsraeri, muchaunganidzwa muchiita mumwe mumwe.
13 U onaj dan zatrubit će velika trublja, i doći će izgubljeni u zemlji asirskoj, i koji bijahu izgnani u zemlju egipatsku, i poklonit će se Jahvi na Svetoj gori, u Jeruzalemu.
Uye pazuva iro hwamanda huru icharira. Vakanga vofira muAsiria uye navaya vakanga vatizira kuIjipiti vachauya kuzonamata Jehovha pamusoro pegomo dzvene riri muJerusarema.

< Izaija 27 >