< Galačanima 1 >
1 Pavao, apostol - ne od ljudi ni po kojem čovjeku, nego po Isusu Kristu i Bogu Ocu koji ga uskrisi od mrtvih -
Pauro muapositori asingabvi kuvanhu, uye kwete nemunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba vakamumutsa kubva kuvakafa,
2 i sva braća koja su sa mnom: Crkvama u Galaciji.
nehama dzese dzineni, kumakereke eGaratia:
3 Milost vam i mir od Boga, Oca našega, i Gospodina Isusa Krista,
Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba, naIshe wedu Jesu Kristu,
4 koji sam sebe dade za grijehe naše da nas istrgne iz sadašnjega svijeta opakoga kao što je volja Boga i Oca našega, (aiōn )
wakazvipa nekuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure panyika yakaipa yaikozvino, maererano nechido chaMwari naBaba vedu; (aiōn )
5 komu slava u vijeke vjekova! Amen. (aiōn )
kuve nekubwinya kwaari kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn )
6 Čudim se da od Onoga koji vas pozva na milost Kristovu tako brzo prelazite na neko drugo evanđelje,
Ndinoshamisika kuti munokurumidza zvakadai kubva kune uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, muchienda kune imwe evhangeri;
7 koje uostalom i ne postoji. Postoje samo neki koji vas zbunjuju i hoće prevratiti evanđelje Kristovo.
isati iri imwe; asi kune vamwe vanokutambudzai vachidawo kutsaudzira evhangeri yaKristu.
8 Ali kad bismo vam mi, ili kad bi vam anđeo s neba navješćivao neko evanđelje mimo onoga koje vam mi navijestismo, neka je proklet!
Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyatakaparidza kwamuri, ngaave chakatukwa.
9 Što smo već rekli, to sad i ponavljam: navješćuje li vam tko neko evanđelje mimo onoga koje primiste, neka je proklet.
Sezvatakamboreva, uye ndinorevazve ikozvino: Kana umwe akakuparidzirai evhangeri yakasiyana neyamakagamuchira, ngaave chakatukwa.
10 Doista, nastojim li ovo pridobiti ljude ili Boga? Ili idem li za tim da ljudima ugodim? Kad bih sveudilj nastojao ljudima ugađati, ne bih bio Kristov sluga.
Nokuti ikozvino ndinonyengetedza vanhu here kana Mwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Nokuti kana ndichiri kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.
11 Obznanjujem vam, braćo: evanđelje koje sam navješćivao nije od ljudi,
Asi ndinokuzivisai, hama, evhangeri yakaparidzwa neni, kuti haina kuita seyevanhu.
12 niti ga ja od kojeg čovjeka primih ili naučih, nego objavom Isusa Krista.
Nokuti neni handina kuigamuchira kumunhu, uye handina kuidzidziswa, asi nekuzarurirwa kwaJesu Kristu.
13 Ta čuli ste za moje negdašnje ponašanje u židovstvu: preko svake sam mjere progonio i pustošio Crkvu Božju
Nokuti makanzwa mufambiro wangu kwekutanga pachiJudha, kuti ndaishusha kereke yaMwari zvikurusa sei, nekuiparadza;
14 te sam u židovstvu, prerevno odan otačkim predajama, nadmašio mnoge vršnjake u svojem narodu.
uye ndaibudirira pachiJudha kupfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichishingairisisa tsika dzemadzibaba angu.
15 Ali kad se Onomu koji me odvoji već od majčine utrobe i pozva milošću svojom, svidjelo
Asi zvakati zvafadza Mwari, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake,
16 otkriti mi Sina svoga da ga navješćujem među poganima, odmah, ne posavjetovah se s tijelom i krvlju
kuratidza Mwanakomana wake mandiri, kuti ndimuparidze pakati pevahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa;
17 i ne uziđoh u Jeruzalem k onima koji bijahu apostoli prije mene, nego odoh u Arabiju pa se opet vratih u Damask.
uye handina kukwira kuJerusarema kune vakanditangira kuva vaapositori, asi ndakaenda kuArabhiya, ndikadzokerazve kuDhamasiko.
18 Onda nakon tri godine uziđoh u Jeruzalem potražiti Kefu i ostadoh kod njega petnaest dana.
Ipapo shure kwemakore matatu ndakakwira kuJerusarema kunoona Petro, ndikagara naye mazuva gumi nemashanu.
19 Od apostola ne vidjeh nikoga drugog osim Jakova, brata Gospodinova.
Asi handina kuona umwe wevaapositori, kunze kwaJakobho munin'ina waIshe.
20 Što vam pišem, Bog mi je svjedok, ne lažem.
Zvino zvinhu zvandinokunyorerai, tarira pamberi paMwari, kuti handinyepi.
21 Zatim dođoh u krajeve sirijske i cilicijske.
Shure kwaizvozvo ndakaenda kumatunhu eSiriya neeKirikia.
22 Osobno pak bijah nepoznat Kristovim crkvama u Judeji.
Asi ndakange ndisingazikanwi pachiso nemakereke eJudhiya aiva muna Kristu;
23 One su samo čule: “Negdašnji naš progonitelj sada navješćuje vjeru koju je nekoć pustošio”
asi vakange vanzwa chete kuti: Waititambudza nguva dzakapfuura, zvino woparidza rutendo rwaaimboparadza.
24 i slavile su Boga zbog mene.
Vakarumbidzawo Mwari mandiri.