< Ezekiel 8 >
1 Godine šeste, šestoga mjeseca, petoga dana, dok sjeđah u svojoj kući, a preda mnom starješine judejske, spusti se na me ruka Jahvina.
Mugore rechitanhatu, mumwedzi wechitanhatu pazuva reshanu, pandakanga ndirere mumba mangu uye vakuru veJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha rwakauya pamusoro pangu ipapo.
2 Pogledah, i gle: tu kao neki čovjek; od njegovih kao bokova naniže oganj, a od njegovih kao bokova naviše bljeskanje, nešto poput usijane kovine.
Ndakatarisa, ndikaona chimiro chakaita sechomunhu. Kubva ipapo zvichikwira kumusoro, kuratidzika kwake kwainge kuchibwinya sedare rinopisa.
3 Ispruži nešto nalik na ruku i uhvati me za kosu na glavi. Uto me duh podiže između zemlje i neba i ponese me u božanskome viđenju u Jeruzalem, na ulaz unutrašnjih vrata, što su okrenuta prema sjeveru gdje stoji kumir, ljubomora koja izaziva ljubomoru.
Akatambanudza chakanga chakaita soruoko akandibata nebvudzi romusoro wangu. Mweya akandisimudza pakati penyika nedenga uye muzviratidzo zvaMwari akanditora akandiendesa kuJerusarema, kumukova wokusuo rokumusoro roruvazhe rwomukati, pakanga pamire chifananidzo chinomutsa godo.
4 I gle, ondje bijaše Slava Boga Izraelova, kao što je vidjeh u dolini.
Uye ipapo pamberi pangu pakanga pane kubwinya kwaMwari waIsraeri, sapachiratidzo chandakanga ndaona mubani.
5 I reče mi: “Sine čovječji, podigni oči prema sjeveru!” I podigoh oči prema sjeveru. I gle, kumir, ljubomora, bijaše i na sjeveru, kraj vrata žrtvenika, na strani prema ulazu.
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira kumusoro.” Naizvozvo ndakatarisa, uye pamukova wokumusoro kwesuo rearitari ndakaona chifananidzo ichi chegodo.
6 I reče mi: “Sine čovječji, vidiš li što oni ovdje čine? Velike su to gnusobe što ih dom Izraelov ovdje čini, samo da me udalji iz mojega Svetišta. A vidjet ćeš i gorih gnusoba!”
Uye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, unoona zvavari kuita here, izvo zvinhu zvinonyangadza chose zvinoitwa neimba yaIsraeri pano, zvinhu zvichandiisa kure neimba yangu tsvene? Asika, uchaona zvimwe zvinhu zvinonyangadza kwazvo.”
7 I povede me do vrata predvorja. Pogledah, i gle: u zidu pukotina.
Ipapo akaenda neni kumukova wokuruvazhe. Ndakatarisa ndikaona buri pamadziro.
8 I reče mi: “Sine čovječji, probij taj zid!” Probih zid, a ono - ulaz!
Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chichera zvino mumadziro.” Saka ndakachera mumadziro ndikaona mukova imomo.
9 I reče mi: “Uđi i pogledaj strahovite gadosti što se ovdje čine!”
Ipapo akati kwandiri, “Pinda mukati undoona zvinhu zvakaipa uye zvinonyangadza zvavanoita pano.”
10 Uđoh i pogledah. I gle, svakojake slike gmazova i gnusnih životinja - sve kumiri doma Izraelova, našarani na zidu, svuda uokolo.
Saka ndakapinda mukati ndikatarisa, ndikaona mifananidzo pamadziro ose yezvinhu zvose zvinokambaira uye nemhuka dzinonyangadza nezvifananidzo zvose zveimba yaIsraeri.
11 A pred tim kumirima sedamdesetorica ljudi od starješina doma Izraelova, i među njima i Šafanov sin Jaazanija. I svakome od njih u ruci kadionica iz koje se podiže oblak kada miomirisnoga.
Pamberi pazvo pakanga pamire vakuru makumi manomwe veimba yaIsraeri, uye Jaazania mwanakomana waShafani akanga akamira pakati pavo. Mumwe nomumwe akanga akabata hadyana yezvinonhuhwira muruoko rwake, uye munhuwi wegore rezvinonhuhwira wakanga uchienda kumusoro.
12 I reče mi: “Sine čovječji, vidiš li što u toj tami rade starješine doma Izraelova, svatko u svojoj oslikanoj komori? I još govore: Jahve nas ne vidi jer je Jahve napustio zemlju!”
Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, waona here zvinoitwa navakuru veimba yaIsraeri murima, mumwe nomumwe pashongwe yechifananidzo chake? Vanoti, ‘Jehovha haationi, Jehovha akaramba nyika.’”
13 I reče mi još: “A vidjet ćeš i gorih gnusoba što se ovdje čine!”
Akatizve, “Uchavaona vachiita zvinhu zvinonyangadza kupfuura izvi.”
14 I povede me do vrata Doma Jahvina što su okrenuta prema sjeveru. I gle, ondje sjeđahu žene i oplakivahu Tamuza.
Ipapo akaenda neni kumukova wokusuo rokumusoro weimba yaJehovha, ndikaona vakadzi vagerepo, vachichema Tamuzi.
15 I reče mi: “Vidiš li, sine čovječji? A vidjet ćeš i gorih gnusoba od ovih!”
Akati kwandiri, “Unoona here izvi, mwanakomana womunhu? Uchaona zvinhu zvakatonyanya kuipa kupfuura izvi.”
16 I povede me u unutrašnje predvorje Doma Jahvina. Ondje, na ulazu u Hekal Jahvin, između trijema i žrtvenika, bijaše oko dvadeset i pet ljudi, okrenutih leđima Hekalu Jahvinu, a licem prema istoku, i ondje se prema istoku klanjahu suncu.
Zvino akaenda neni kuruvazhe rwomukati meimba yaJehovha, uye ipapo pamukova wetemberi, pakati pebiravira nearitari, pakanga pana varume vaikarosvika makumi maviri navashanu. Vakafuratira temberi yaJehovha uye zviso zvavo zvakatarisa kumabvazuva, vakanga vachipfugamira zuva kurutivi rwamabvazuva.
17 I reče mi: “Vidiš li to, sine čovječji? Malo li je domu Judinu svih ovih gnusoba što ih ovdje čine, nego mi još zemlju pune i nasiljem, i ponovo me izazivaju i granama pred nosom mašu?
Akati kwandiri, “Wazviona here izvi, iwe mwanakomana womunhu? Chinhu chiduku here kuimba yaJudha kuti vaite zvinhu zvinonyangadza zvavari kuita pano? Vanofanira here kuzadzazve nyika nechisimba uye nokuramba vachinditsamwisa? Vatarise vachiisa davi kumhuno dzavo.
18 Zato ću i ja sada postupiti s njima jarosno i oči se moje više neće sažaliti i neću im se smilovati. I kad stanu iza glasa vikati na moje uši, neću ih uslišiti.”
Naizvozvo ndichavaranga nehasha; handingavanzwiri tsitsi kana kuvaponesa. Kunyange vakaridza mhere munzeve dzangu, handingavanzwi.”