< Ezekiel 32 >

1 Godine dvanaeste, dvanaestoga mjeseca, prvoga dana, dođe mi riječ Jahvina:
Mugore regumi namaviri, mumwedzi wegumi nemiviri pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “Sine čovječji, zaplači nad faraonom, kraljem egipatskim, i kaži mu: 'Laviću naroda, propao si! Ti bješe kao krokodil u vodi, bučio si u rijekama svojim, nogama si vodu mutio, valove joj podizao!'
“Mwanakomana womunhu, chemera Faro mambo weIjipiti uti kwaari: “‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi; wakaita sechikara mukati mamakungwa uchibvongodza-bvongodza mukati mehova dzako, uchibvongodza mvura netsoka dzako uye uchiita kuti hova dzive namatope.
3 Ovako govori Jahve Gospod: 'Gle, razapet ću mrežu nad tobom sa skupom mnogih naroda: oni će te u mojoj mreži izvući.
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Neboka ravanhu vazhinji ndichakanda mambure angu pamusoro pako, uye vachakukweva mumumbure wangu.
4 Ostavit će te na zemlji, tresnuti tobom o tlo. Sve ptice nebeske na te ću pustiti i zvijeri zemaljske tobom ću nahraniti!
Ndichakukanda panyika ndichakurasira pamhene. Ndichamharisa shiri dzose dzedenga pamusoro pako, uye zvikara zvose zvomunyika zvichagutswa newe.
5 Meso ću ti razbacat' po gorama, doline ću prekriti strvinom tvojom.
Ndichayanika nyama yako pamakomo, ndigozadza mipata nezvitunha zvako.
6 Istekom iz tebe zemlju ću napojiti, krvlju tvojom po gorama, i korita riječna njome napuniti.
Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera kusvikira kumakomo, uye nzizi dzichazadzwa nenyama yako.
7 A kada te utrnem, nebesa ću potamniti i zvijezde na njima ugasiti! Oblakom ću sunce zastrijeti, i mjesec svjetlošću neće svijetliti.
Pandichakudzima, ndichafukidza matenga uye ndichasvibisa nyeredzi; ndichafukidza zuva mugore, uye mwedzi haungabudisi chiedza chawo.
8 Sva ću svjetlila na nebu zbog tebe utrnuti i mrak ću nad zemljom razastrijeti!' - riječ je Jahve Gospoda.
Zviedza zvose zvinopenya zvedenga ndichazvidzima pamusoro pako; ndichauyisa rima pamusoro penyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9 'Ucvilit ću srca mnogih naroda kad izgnanike tvoje odvedem u zemlje tebi nepoznate.
Ndichatambudza mwoyo yavanhu vazhinji, pandichauyisa kuparadzwa kwako pakati pendudzi, pakati penyika dzausina kumboziva.
10 Narode će mnoge strava uhvatiti, a njihovi će se kraljevi nad tobom užasnuti njima naočigled. I na dan pada tvojega svatko će za svoj život neprestano strepiti.'
Ndichaita kuti marudzi mazhinji ashamisike pamusoro pako, uye madzimambo avo achadedera nokutya nokuda kwako, pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo. Pazuva rokuwa kwako mumwe nomumwe wavo achadedera nguva dzose, nokuda kwoupenyu hwake.
11 Jer ovako govori Jahve Gospod: 'Mač kralja babilonskoga na te će se spustiti.
“‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: “‘Munondo wamambo weBhabhironi uchauya kuzokurwisa.
12 Tvoje ću mnoštvo pobiti mačevima junaka, najljući od svih naroda opustošit će ponos Egipta i sve mnoštvo njegovo zatrijeti.
Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vawe nokuda kweminondo yavane simba, vanhu vakaipisisa pandudzi dzose. Vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, uye vanhu vayo vazhinji vachakundwa.
13 Svu ću stoku njegovu uništiti pokraj voda obilnih. Ljudska ih noga više neće gaziti niti će ih životinjski papak mutiti.
Ndichaparadza mombe dzayo dzose dziri panhivi dzemvura zhinji, hakuchazova norutsoka rwomunhu ruchaibvongodza, kana namahwanda emombe achaibvongodza.
14 Onda ću im vode opet stišati i učinit ću da im rijeke kao ulje teku!' - riječ je Jahve Gospoda.
Ipapo ndichaita kuti mvura yavo igadzikane, uye ndichaita kuti hova dzayo dziyerere samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15 'Kad zemlju egipatsku opustošim, kad bude opljačkano što je na njoj, kad udarim sve žitelje njezine, znat će da sam ja Jahve.
Pandichaita Ijipiti kuti ive dongo uye pandichabvisa zvose zviri mairi, pandichauraya vose vanogaramo, ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’
16 Tužaljka je to koja će se naricati. Naricat će je kćeri naroda. Naricat će je nad Egiptom i nad svim njegovim mnoštvom' - riječ je Jahve Gospoda.”
“Aya ndiwo mashoko okuchema avachaiimbira. Vanasikana vendudzi vachaimba; nokuda kweIjipiti navanhu vayo vose vazhinji vachaimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
17 Godine dvanaeste, prvoga mjeseca, petnaestoga dana, dođe mi riječ Jahvina:
Mugore regumi namaviri, pazuva regumi namashanu romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
18 “Sine čovječji, nariči za egipatskim mnoštvom, gurni ga, njega i kćeri naroda slavnih, u podzemni kraj, k onima što siđoše u jamu.
“Mwanakomana womunhu, ungudza nokuda kwavanhu vazhinji veIjipiti uye uvawisire pasi zvose iyo nyika navanasikana vendudzi dzine simba, pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.
19 Od koga si bolji? Siđi i počini s neobrezanima.
Uti kwavari, ‘Ko, imi munonyanya kudikanwa kupfuura vamwe here? Burukai munoradzikwa pakati pavasina kudzingiswa.’
20 Oni će pasti među one što ih mač pokosi. Ležaj će dobiti sa svim mnoštvom.
Vachava pakati pavakaurayiwa nomunondo. Munondo wavhomorwa; ngaakweverwe kunze pamwe chete navanhu vake vazhinji.
21 Najhrabriji junaci govorit će mu iz srca Podzemlja: 'Ti i pomoćnici tvoji siđite i počinite s neobrezanima, mačem pokošenima!' (Sheol h7585)
Vatungamiri vane simba vari mukati meguva, vachati pamusoro peIjipiti navabatsiri vayo, ‘Vaburukira kuno uye vavete pamwe chete navasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.’ (Sheol h7585)
22 Ondje je i Asirac i sva njegova gomila oko groba njegova - svi pobijeni, mačem pokošeni.
“Asiria iriko nehondo yayo yose; yakakomberedzwa namakuva avakaurayiwa vayo vose, vose vakaurayiwa nomunondo.
23 Grobovi im leže na dnu jame i sva mu je gomila oko grobova njegova - svi, nekoć užas u zemlji živih, sada pobijeni, mačem pokošeni.
Makuva ayo ari pasi pasi mugomba uye hondo yayo ivete yakakomberedza rinda rayo. Vose vakanga vaparadzira kutya munyika yavapenyu vakaurayiwa vakafa nomunondo.
24 Ondje Elam i sve mnoštvo njegovo oko groba njegova - svi pobijeni, mačem pokošeni, neobrezani u podzemni kraj mrtvih siđoše: nekoć užas u zemlji živih, snose sad sramotu svoju s onima što u jamu siđoše.
“Eramu iriko, pamwe chete navanhu vayo vazhinji vose vakapoteredza rinda rayo. Vose vakaurayiwa, vakafa nomunondo. Vose vakanga vatyisidzira vamwe munyika yavapenyu vakaburukira panyika pasi vasina kudzingiswa. Vakatakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba.
25 Usred pobijenih ležaj smjestiše njemu i mnoštvu oko groba njegova - sve neobrezani, mačem probodeni: nekoć užas u zemlji živih, snose sad sramotu svoju s onima što u jamu siđoše, među pobijene položeni.
Yakawaridzirwa mubhedha pakati pavakaurayiwa, nevanhu vayo vazhinji vakakomberedza rinda rayo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo. Nemhaka yokuti kutyisidzira kwavo kwakanga kwapararira munyika yavapenyu, vanotakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba, vakaradzikwa pakati pavakaurayiwa.
26 Ondje je Mešek i Tubal i sve mnoštvo njegovo, s grobovima oko groba njegova - svi neobrezani, mačem probodeni, nekoć užas u zemlji živih.
“Mesheki neTubhari dziripo, navanhu vadzo vazhinji vakakomba marinda adzo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo nokuti vakatyisidzira vanhu munyika yavapenyu.
27 Ne leže s junacima davno palima, u Podzemlje siđoše s oružjem, s mačem pod glavom i sa štitom na kostima, jer bijahu užas junacima u zemlji živih. (Sheol h7585)
Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu. (Sheol h7585)
28 I ti ćeš ležati usred neobrezanih, mačem pokošenih.
“Newewo, iwe Faro, uchavhunwa uye uchavata pakati pavasina kudzingiswa.
29 Ondje je Edom i svi njegovi kraljevi i knezovi: unatoč svojemu junaštvu, i oni leže zajedno s onima što su mačem pokošeni, s neobrezanima, s onima koji u jamu siđoše.
“Edhomu iriko namadzimambo ayo namachinda ayo ose; kunyange ane simba, vakaradzikwa navaya vakaurayiwa nomunondo. Vakavata navasina kudzingiswa, navaya vanoburukira kugomba.
30 Ondje su knezovi sjevera i svi Sidonci, i oni siđoše među probodene. Unatoč užasu svojega junaštva, leže neobrezani, s mačem probodenima, snoseći svoju sramotu s onima što u jamu siđoše.
“Machinda ose okumusoro navaSidhoni variko; vakadzika navakaurayiwa mukunyadziswa kunyange simba ravo raityisa. Vakavata vasina kudzingiswa pamwe chete navakaurayiwa nomunondo vakatakura kunyadziswa kwavo pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.
31 Vidjet će ih faraon i utješit će se zbog svog mnoštva - faraon i sva vojska njegova mačem pokošena, riječ je Jahve Gospoda!
“Faro, iye nehondo yake, achavaona agonyaradzwa nokuda kwavanhu vake vazhinji vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32 Jer je zadavao strah u zemlji živih, faraon i sve mnoštvo njegovo leže s neobrezanima, s mačem pokošenima - riječ je Jahve Gospoda.”
Kunyange ndakamurega achityisidzira vamwe munyika yavapenyu, Faro navanhu vake vazhinji vacharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

< Ezekiel 32 >