< Ponovljeni zakon 24 >
1 Kada tko uzme ženu i s njome postupi kao muž, a potom na njoj otkrije što ružno te ona više ne nalazi milosti u njegovim očima i on joj napiše otpusno pismo, uruči joj ga i potjera je iz svoje kuće,
Kana murume akawana mukadzi akasafadzwa naye nokuti awana chinhu chisina kufanira paari, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make,
2 a ona izađe iz njegove kuće, ode i pođe za drugoga
uye kana mushure mokunge abva mumba make akandowanikwa nomumwe murume,
3 pa omrzne i tome drugomu te joj i on napiše otpusno pismo, uruči joj ga i otjera je iz svoje kuće - ili pak umre taj koji ju je drugi uzeo -
uye murume wake wechipiri akasamufarira, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make, kana kuti murume uyu akafa,
4 tada je, pošto se tako oskvrnula, ne može opet uzeti za ženu onaj prvi muž koji je bijaše otpustio. Bilo bi to odvratno pred Jahvom; ne smiješ uvaljivati u grijeh zemlju koju ti Jahve, Bog tvoj, daje u baštinu.
ipapo murume wake wokutanga, akambomuramba, haabvumirwi kumuwana zvakare mushure mokunge asvibiswa. Izvozvo zvinonyangadza pamberi paJehovha. Musauyisa chivi pamusoro penyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka.
5 Kad se tko netom oženi, neka ne ide u vojsku; neka mu se ne dodjeljuje nikakva služba, nego, oslobođen, neka ostane kod kuće godinu dana da razveseljuje ženu koju je doveo.
Kana murume achangobva kuwana, haafaniri kuendeswa kuhondo kana kupiwa rimwe basa zvaro rokuita. Kwegore rimwe chete anofanira kusununguka kuti agare pamba agofadza mukadzi wake waakawana.
6 Neka se ne uzima u zalog žrvanj, ni gornji ni donji: tÓa time bi se u zalog uzimao sam život.
Usatora guyo kana huyo sorubatso rwechikwereti, nokuti unenge watora zvinoraramisa munhu sorubatso.
7 Ako se nađe tko da otme koga između svoje braće Izraelaca te postupi s njim kao s robom ili ga proda, taj otmičar neka se smakne! Tako ćeš iskorijeniti zlo iz svoje sredine.
Kana munhu akawanikwa achitapa hama yake yomuIsraeri uye achimubata senhapwa kana kumutengesa, nyakubata munhu anofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
8 Javi li se guba, pazi da brižno držiš i vršiš sve što vas pouče levitski svećenici. Držite i vršite što njima naredim.
Muchenjere kwazvo pachirwere chamaperembudzi kuti muite chaizvoizvo zvamakarayirwa navaprista vanova vaRevhi. Munofanira kuchenjerera kutevera zvandakavarayira.
9 Sjećaj se što je Jahve, Bog tvoj, učinio Mirjami na putu kad ste izišli iz Egipta.
Murangarire zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kuna Miriamu panzira mushure mokunge mabuda muIjipiti.
10 Kada bližnjemu svome daješ bilo kakav zajam, nemoj ulaziti u njegovu kuću da mu uzmeš zalog.
Kana ukakweretesa chinhu chipi zvacho kumuvakidzani wako, usapinda mumba momuvakidzani wako kundotora zvaari kukupa sorubatso.
11 Stoj vani, a čovjek komu si dao zajam neka ti iznese zalog van.
Gara panze urege munhu wauri kupa chikwereti akuvigire rubatso.
12 A ako on bude siromah, nemoj lijegati s njegovim zalogom;
Kana munhu uyu ari murombo, usaende kundovata une rubatso rwake.
13 o zalasku sunca moraš mu vratiti zalog da on mogne spavati u svome ogrtaču i tebe blagoslivljati. To će ti biti dobro djelo pred Jahvom, Bogom tvojim.
Dzosera jasi rake kwaari pakuvira kwezuva kuti agovata mariri. Ipapo achakutenda, uye zvigoonekwa sokuita kwakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
14 Nemoj zakidati jadnoga i bijednog najamnika, bio on tvoj sunarodnjak ili došljak iz kojega grada u tvojoj zemlji.
Usamanikidza mushandi wako kana ari murombo kana munhu anoshayiwa, hazvinei kuti ihama yako muIsraeri kana kuti mutorwa anogara mune rimwe ramaguta enyu.
15 Svaki dan daj mu zaradu prije nego sunce zađe, jer je siromah i za njom uzdiše. Tako neće na te vapiti Jahvi i nećeš sagriješiti.
Mupe mubayiro wake zuva risati ravira, nokuti iye murombo akatotarirawo pamugove wake. Nokuti angazochema kuna Jehovha pamusoro pako, uye uchazova nemhosva yokutadza.
16 Neka se očevi ne osuđuju na smrt zbog sinova ni sinovi zbog očeva; neka svatko za svoj grijeh gine.
Madzibaba haafaniri kuurayiwa nokuda kwevana vavo, kana vana kuurayiwa nokuda kwamadzibaba avo; mumwe nomumwe achafira chivi chake.
17 Ne izvrći pravice došljaku ni siroti i ne uzimaj u zalog haljine udovici.
Usarega kururamisira mutorwa kana nherera, uye usatora nguo yechirikadzi sorubatso.
18 Sjećaj se da si bio rob u Egiptu i da te odande izbavio Jahve, Bog tvoj; zato ti nalažem da ovu zapovijed vršiš.
Murangarire kuti maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai kubva ikoko. Ndokusaka ndichikurayirai kuti muite izvi.
19 Kad žanješ žito na svojoj njivi pa zaboraviš koji snop na njivi, ne vraćaj se po nj; neka ostane došljaku, siroti i udovici da te Jahve, Bog tvoj, blagoslovi u svakom pothvatu ruku tvojih.
Kana uchikohwa munda wako ukakanganwa chisote, usachidzokera kundochitora. Chisiyire mutorwa, nherera kana chirikadzi, kuitira kuti Jehovha Mwari wako agokuropafadza mumabasa ose amaoko ako.
20 Kad jednom omlatiš svoje masline, više iza sebe ne pretražuj; neka to ostane došljaku, siroti i udovici.
Kana wazunza miti yako yamaorivhi, usandozunzazve rwechipiri. Siyira asara kumutorwa, nherera nechirikadzi.
21 Kad obereš svoj vinograd, ne paljetkuj iza sebe; neka to bude za došljaka, sirotu i udovicu.
Kana uchikohwa mazambiringa mumunda wako womuzambiringa, usadzokorora kukohwa. Siyira zvinosara kumutorwa, nherera nechirikadzi.
22 Sjećaj se kako si bio rob u zemlji egipatskoj; zato ti naređujem da ovu zapovijed vršiš.
Murangarire kuti maiva varanda muIjipiti. Ndokusaka ndichikurayirai kuti muite izvi.