< Djela apostolska 3 >

1 Petar i Ivan uzlazili su u Hram na devetu molitvenu uru.
Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe.
2 Upravo su donosili nekog čovjeka, hroma od majčine utrobe; njega bi svaki dan postavljali kod hramskih vrata, zvanih Divna, da prosi milostinju od onih koji ulaze u Hram.
Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere.
3 On ugleda Petra i Ivana upravo kad zakoračiše u Hram te zamoli milostinju.
Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.
4 Petar ga zajedno s Ivanom prodorno pogleda i reče: “Pogledaj u nas!”
Zvino Petro akamudzvokora anaJohwani, akati: Titarire!
5 Dok ih je molećivo motrio očekujući od njih nešto dobiti,
Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.
6 reče mu Petar: “Srebra i zlata nema u mene, ali što imam - to ti dajem: u ime Isusa Krista Nazarećanina hodaj!”
Petro ndokuti: Sirivheri negoridhe handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe.
7 I uhvativši ga za desnu ruku, pridiže ga: umah mu omoćaše noge i gležnjevi
Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa.
8 pa skoči, uspravi se, stane hodati te uđe s njima u Hram hodajući, poskakujući i hvaleći Boga.
Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari.
9 Sav ga narod vidje kako hoda i hvali Boga.
Uye vanhu vese vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari.
10 Razabraše da je to on - onaj koji je na Divnim vratima Hrama prosio milostinju - i ostadoše zapanjeni i izvan sebe zbog onoga što se s njim dogodilo.
Vakamuziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvakange zvaitika kwaari.
11 Kako se pak on držao Petra i Ivana, sav se narod zapanjen strča k njima u trijem zvani Salomonov.
Zvino waikamhina wakange aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vese vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru.
12 Kada to vidje Petar, obrati se narodu: “Izraelci, što se ovomu čudite? Ili što nas gledate kao da smo svojom snagom ili pobožnošću postigli da ovaj prohoda?
Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume VaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe?
13 Bog Abrahamov, Izakov i Jakovljev, Bog otaca naših, proslavi slugu svoga, Isusa kojega vi predadoste i kojega se odrekoste pred Pilatom kad već bijaše odlučio pustiti ga.
Mwari waAbhurahama newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye agura kumusunungura.
14 Vi se odrekoste Sveca i Pravednika, a izmoliste da vam se daruje ubojica.
Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri,
15 Začetnika života ubiste. Ali Bog ga uskrisi od mrtvih, čemu smo mi svjedoci.”
mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kubva kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu.
16 “I po vjeri u njegovo ime, to je ime dalo snagu ovomu kojega gledate i poznate: vjera u Njega vratila je ovomu potpuno zdravlje naočigled vas sviju.”
Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mese.
17 “I sada, braćo, znam da ste ono uradili iz neznanja kao i glavari vaši.
Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo.
18 Ali Bog tako ispuni što unaprijed navijesti po ustima svih proroka: da će njegov Pomazanik trpjeti.
Asi Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vese, kuti Kristu achatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvi.
19 Pokajte se dakle i obratite da se izbrišu grijesi vaši
Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pachiso chaIshe dzisvike,
20 pa od Gospodina dođu vremena rashlade te on pošalje vama unaprijed namijenjenog Pomazanika, Isusa.”
uye achatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri;
21 Njega treba da nebo pridrži do vremena uspostave svega što obeća Bog na usta svetih proroka svojih odvijeka.” (aiōn g165)
wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvese, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vese kubva panguva dzakare. (aiōn g165)
22 “Mojsije tako reče: Proroka poput mene od vaše braće podignut će vam Gospodin, Bog vaš. Njega slušajte u svemu što vam god reče.
Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakaita seni; iye muchamuteerera pazvese zvaachataura kwamuri.
23 I svaka duša koja ne posluša toga proroka, neka se iskorijeni iz naroda.”
Uye zvichaitika, mweya umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu.
24 “I svi Proroci koji su - od Samuela dalje - govorili, također su navijestili ove dane.”
Uye nevaporofita vese kubva kuna Samueri nevakatevera, vese vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa.
25 “Vi ste sinovi proroka i Saveza koji sklopi Bog s ocima vašim govoreći Abrahamu: Potomstvom će se tvojim blagoslivljati sva plemena zemlje.
Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahama: Nemumbeu yako marudzi ese enyika acharopafadzwa.
26 Vama najprije podiže Bog Slugu svoga i posla ga blagoslivljati vas da se svatko obrati od opačina svojih.”
Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvenyu.

< Djela apostolska 3 >