< 2 Ljetopisa 21 >
1 Jošafat počinu kraj svojih otaca i bi sahranjen uz njih u Davidovu gradu. Na njegovo se mjesto zakraljio sin mu Joram.
Ipapo Jehoshafati akazozorora namadzibaba ake akavigwa navo muguta raDhavhidhi uye Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
2 Joram je imao šestoricu braće, Jošafatovih sinova: Azarju, Jehiela, Zahariju, Azarju, Mihaela i Šefatju. Svi su oni bili sinovi izraelskog kralja Jošafata.
Vanunʼuna vaJehoramu vanakomana vaJehoshafati vaiti Azaria, Jehieri, Zekaria, Azariyahu, Mikaeri naShefatia. Vose ava vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo weIsraeri.
3 Otac im je dao mnoge darove u srebru, zlatu i dragocjenostima, s utvrđenim gradovima u Judi; kraljevstvo je dao Joramu jer je bio prvenac.
Baba vavo vakanga vavapa zvipo zvakawanda zvesirivha negoridhe nezvinhu zvinokosha pamwe chete namaguta ana masvingo muJudha, asi akanga apa umambo kuna Jehoramu nokuti aiva mwanakomana wake wokutanga.
4 Stupivši na očevo prijestolje i utvrdiv se, Joram pobi svu braću mačem, pa i neke izraelske knezove.
Jehoramu paakazvisimbisa paumambo hwababa vake, akauraya vanunʼuna vake vose pamwe chete navamwe vana voumambo veIsraeri.
5 Joramu su bile trideset i dvije godine kad se zakraljio, a kraljevao je osam godina u Jeruzalemu.
Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore masere.
6 Živio je poput izraelskih kraljeva, kao i dom Ahabov, jer mu je kći Ahabova bila žena; radio je što je zlo u Jahvinim očima.
Akafamba nenzira dzamadzimambo eIsraeri, sezvakanga zvaitwa neimba yaAhabhu nokuti akawana mwanasikana waAhabhu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
7 Ipak Jahve ne htjede razoriti kuće Davidu zbog Saveza što ga sklopi s njim i zato što mu obeća da će dati svjetiljku njemu i njegovim sinovima zauvijek.
Zvisinei hazvo, nokuda kwesungano yakanga yaitwa naJehovha naDhavhidhi, Jehovha haana kuda kuparadza imba yaDhavhidhi. Akanga avimbisa kuchengetedza mwenje wake nezvizvarwa zvake nokusingaperi.
8 U njegovo se vrijeme Edomci odmetnuše ispod judejske vlasti i postaviše sebi kralja.
Panguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikagadza mambo wayo.
9 Zato Joram pođe sa svojim vojskovođama i sa svim bojnim kolima. Diže se noću i pobi Edomce koji bijahu opkolili njega i zapovjednike bojnih kola.
Saka Jehoramu akaendako namachinda ake nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba navakuru vake nengoro dzake asi akasimuka akabuda pakati pavo nousiku.
10 Ipak su se Edomci oslobodili ispod judejske vlasti sve do danas. U isto se doba odmetnu i Libna da ne bude pod njegovom vlašću, jer je on ostavio Jahvu, Boga svojih otaca.
Kusvikira nhasi vaEdhomu vakaramba vakamukira Judha. Ribhina yakavamukirawo panguva imwe cheteyo, nokuti Jehoramu akanga arasa Jehovha, Mwari wamadzibaba ake.
11 Još je i uzvišice napravio po judejskim gorama, naveo na blud Jeruzalemce i zaveo Judejce.
Akanga avakawo nzvimbo dzakakwirira pamakomo eJudha akaita kuti vanhu veJerusarema vaite upombwe akatungamirira Judha mukurasika.
12 Tada mu od proroka Ilije stiže pismo: “Ovako veli Jahve, Bog tvoga oca Davida: 'Kako nisi išao putovima oca Jošafata, ni putovima judejskoga kralja Ase,
Jehoramu akatambira tsamba kubva kuna muprofita Eria yaiti: “Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: ‘Hauna kufamba munzira dzababa vako Jehoshafati kana dzaAsa mambo weJudha.
13 nego si išao putovima izraelskih kraljeva i naveo na blud Judejce i Jeruzalemce, kao što je učinio dom Ahabov, a uz to si poubijao vlastitu braću, svoju obitelj, koji bjehu bolji od tebe:
Asi wakafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri uye wakatungamirira Judha navanhu vose veJerusarema mukuita upombwe sezvakaitwa neimba yaAhabhu. Wakaurayawo hama dzako, nhengo dzeimba yababa vako varume vakanga vari nani kupfuura iwe.
14 evo, Jahve će svaliti veliku nesreću na tvoj narod, na tvoje sinove, tvoje žene, na sve tvoje imanje.
Saka zvino Jehovha ava kuda kuparadza vanhu vako, vanakomana vako, vakadzi vako nechose chinonzi ndechako, neshamhu inorema kwazvo.
15 Oboljet ćeš od mnogih bolesti: od bolesti u crijevima, tako da će ti crijeva izaći od bolesti koja će trajati dane i dane.'”
Iwewe pachako ucharwara zvikuru nechirwere chomuura, kusvikira chirwere ichi chaita kuti ura hwako hubude kunze.’”
16 Jahve podiže na Jorama srdžbu Filistejaca i Arapa koji žive kraj Etiopljana.
Jehovha akamutsa vaFiristia navaArabhu vaigara pedyo navaEtiopia kuti varwise Jehoramu.
17 Oni napadoše Judeju i osvojiše je, porobiše sve blago što se našlo u kraljevu dvoru, pa i njegove sinove i njegove žene, tako da nije ostao nitko, osim najmlađega sina, Joahaza.
Vakarwisa Judha, vakaipamba vakatakura zvinhu zvose zvavakawana mumuzinda wamambo pamwe chete navanakomana vake navakadzi vake. Hakuna mwanakomana mumwe chete akasiyiwa kwaari kunze kwaAhazia mudiki pane vose.
18 Poslije svega toga udari ga Jahve neizlječivom crijevnom bolešću.
Shure kwaizvozvi zvose, Jehovha akarwadzisa Jehoramu nechirwere chisingarapike choura.
19 Ona je trajala dane i dane, a kad su se navršile dvije godine, izašla su mu crijeva s bolešću te je umro u strašnim mukama. Narod mu nije priredio mirisna paljenja, kao što je palio njegovim ocima.
Nokufamba kwenguva mukupera kwegore rechipiri maura ake akabuda kunze nokuda kwechirwere ichi, uye akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vose havana kuvesa moto wokumuremekedza sezvavakanga vaitira baba vake.
20 Bile su mu trideset i dvije godine kad se zakraljio, a osam je godina kraljevao u Jeruzalemu. Preminuo je, a nitko nije požalio za njim; i sahraniše ga u Davidovu gradu, ali ne u kraljevskoj grobnici.
Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Paakafa hapana akarwadziwa nokufa kwake, akavigwa muguta raDhavhidhi asi kwete kumakuva amadzimambo.