< 1 Petrova 5 >

1 Starješine dakle među vama opominjem, ja sustarješina i svjedok Kristovih patnja, a zato i zajedničar slave koja se ima očitovati:
Vatariri vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mutariri pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovani wekubwinya kuchazoratidzwa.
2 pasite povjereno vam stado Božje, nadgledajte ga - ne prisilno, nego dragovoljno, po Božju; ne radi prljava dobitka, nego oduševljeno;
Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, muchitaridzira, kwete nekurovererwa asi nekuda, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nechido,
3 i ne kao gospodari Baštine nego kao uzori stada.
kana kuva semadzishe pane vamakagoverwa, asi muri mifananidzo yeboka.
4 Pa kad se pojavi Natpastir, primit ćete neuveli vijenac slave.
Zvino Mufudzi mukuru paachaonekwa muchagamuchira korona yekubwinya isingabvuruvari.
5 Tako i vi, mladići, podložite se starješinama; svi se jedni prema drugima pripašite poniznošću jer Bog se oholima protivi, a poniznima daruje milost.
Saizvozvo, vadiki, zviisei pasi pevakuru, uye mese muzviise pasi umwe kune mumwe, mupfekedzwe nekuzvininipisa, nokuti Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.
6 Ponizite se dakle pod snažnom rukom Božjom da vas uzvisi u pravo vrijeme.
Naizvozvo zvininipisei pasi peruoko rwune simba rwaMwari, kuti akukudzei panguva yakafanira,
7 Svu svoju brigu povjerite njemu jer on se brine za vas.
muchikandira pamusoro pake kufunganya kwenyu kwese, nokuti iye ane hanya nemwi.
8 Otrijeznite se! Bdijte! Protivnik vaš, đavao, kao ričući lav obilazi tražeći koga da proždre.
Svinurai, rindai, nokuti mupikisi wenyu dhiabhorosi, seshumba inoomba anofamba-famba achitsvaka waangapedza;
9 Oprite mu se stameni u vjeri znajući da takve iste patnje podnose vaša braća po svijetu.
mumupikise makasimba parutendo, muchiziva kuti matambudziko iwawo anozadziswa kuhama dzenyu dziri panyika.
10 A Bog svake milosti, koji vas pozva na vječnu slavu u Kristu, on će vas, pošto malo potrpite, usavršiti, učvrstiti, ojačati, utvrditi. (aiōnios g166)
Asi Mwari wenyasha dzese, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye anokupedzeredzai nekukutsigisai, nekukupai simba, nekukuteyai. (aiōnios g166)
11 Njemu vlast u vijeke vjekova! Amen. (aiōn g165)
Kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
12 Pišem vam ukratko, po Silvanu, koga smatram bratom vjernim, da vas ohrabrim i posvjedočim kako je ovo istinska milost Božja. Nje se držite!
NaSirivhano hama yakatendeka kwamuri, pakufunga kwangu, ndanyora nepadiki, ndichikurudzira nekupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari, dzamumire madziri.
13 Pozdravlja vas suizabranica u Babilonu i Marko, sin moj.
Kereke iri muBhabhironi yakasarudzwa pamwe nemwi inokukwazisai, naMariko mwanakomana wangu.
14 Pozdravite jedni druge cjelovom ljubavi! Mir svima vama koji ste u Kristu!
Kwazisanai nekutsvoda kwerudo. Rugare kwamuri mese muri muna Kristu Jesu. Ameni.

< 1 Petrova 5 >