< 撒迦利亞書 8 >
Shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvikazve kwandiri richiti:
2 「萬軍之耶和華如此說:我為錫安心裏極其火熱,我為她火熱,向她的仇敵發烈怒。
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Ndine godo kwazvo pamusoro peZioni; ndiri kutsva negodo pamusoro paro.”
3 耶和華如此說:我現在回到錫安,要住在耶路撒冷中。耶路撒冷必稱為誠實的城,萬軍之耶和華的山必稱為聖山。
Zvanzi naJehovha: “Ndichadzokera kuZioni uye ndichagara muJerusarema. Ipapo Jerusarema richanzi Guta reZvokwadi, uye gomo raJehovha Wamasimba Ose richanzi Gomo Dzvene.”
4 萬軍之耶和華如此說:將來必有年老的男女坐在耶路撒冷街上,因為年紀老邁就手拿柺杖。
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Varume navakadzi vakwegura vachagarazve mumigwagwa yeJerusarema, mumwe nomumwe aine mudonzvo muruoko nokuda kwokukwegura kwake.
Migwagwa yeguta ichazara navakomana navasikana vanotambamo.”
6 萬軍之耶和華如此說:到那日,這事在餘剩的民眼中看為希奇,在我眼中也看為希奇嗎?這是萬軍之耶和華說的。
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Zvingaita sezvinoshamisa kuna vakasara vavanhu ava panguva iyoyo, asi zvichaita sezvinoshamisa here kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
7 萬軍之耶和華如此說:我要從東方從西方救回我的民。
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Ndichaponesa vanhu vangu kubva kunyika dzokumabvazuva nedzokumavirira.
8 我要領他們來,使他們住在耶路撒冷中。他們要作我的子民,我要作他們的上帝,都憑誠實和公義。」
Ndichavadzosazve kuti vazogara muJerusarema; vachava vanhu vangu, uye ndichava akatendeka uye akarurama kwavari saMwari wavo.”
9 萬軍之耶和華如此說:「當建造萬軍之耶和華的殿,立根基之日的先知所說的話,現在你們聽見,應當手裏強壯。
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Imi munonzwa mashoko aya iye zvino, akataurwa navaprofita vaivapo nheyo dzemba yaJehovha Wamasimba Ose padzakateyiwa, maoko enyu ngaasimbe kuti temberi igovakwa.
10 那日以先,人得不着雇價,牲畜也是如此;且因敵人的緣故,出入之人不得平安,乃因我使眾人互相攻擊。
Nguva iyoyo isati yasvika kwakanga kusina munhu aishandira mubayiro kana chipfuwo. Hapana aienda kundoita basa rake norugare nokuda kwomuvengi wake, nokuti ndakanga ndarwisanisa munhu wose nomuvakidzani wake.
11 但如今,我待這餘剩的民必不像從前。這是萬軍之耶和華說的。
Asi zvino handichazoitiri vanhu ava vakasara sezvandakaita pamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
12 因為他們必平安撒種,葡萄樹必結果子,地土必有出產,天也必降甘露。我要使這餘剩的民享受這一切的福。
“Mbeu ichakura zvakanaka, muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvirimwa zvayo, uye matenga achaburutsa dova rawo. Ndichapa zvinhu zvose izvi senhaka kuna vakasara vavanhu ava.
13 猶大家和以色列家啊,你們從前在列國中怎樣成為可咒詛的;照樣,我要拯救你們,使人稱你們為有福的。你們不要懼怕,手要強壯。」
Sezvamaiva chinhu chakatukwa pakati pendudzi, imi Judha neIsraeri, saizvozvo ndichakuponesai, uye muchava chinhu chinoropafadza. Musatya, asi itai kuti maoko enyu asimbe.”
14 萬軍之耶和華如此說:「你們列祖惹我發怒的時候,我怎樣定意降禍,並不後悔。
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Sezvandakanga ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu, uye ndikasaitira madzibaba enyu tsitsi paakanditsamwisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose,
15 現在我照樣定意施恩與耶路撒冷和猶大家,你們不要懼怕。
“saka zvino ndafunga kuita zvakanakazve kuJerusarema neJudha. Musatya.
16 你們所當行的是這樣:各人與鄰舍說話誠實,在城門口按至理判斷,使人和睦。
Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi, uye tongai nezvokwadi uye nokururamisira mumatare enyu
17 誰都不可心裏謀害鄰舍,也不可喜愛起假誓,因為這些事都為我所恨惡。這是耶和華說的。」
usarongera muvakidzani wako zvakaipa, uye usafarira kupika nhema. Ndinovenga zvose izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvikazve kwandiri richiti:
19 「萬軍之耶和華如此說:四月、五月禁食的日子,七月、十月禁食的日子,必變為猶大家歡喜快樂的日子和歡樂的節期;所以你們要喜愛誠實與和平。」
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Kutsanya kwomwedzi wechina, wechishanu, wechinomwe nowegumi kuchava nguva dzomufaro nokupembera, nemitambo yomufaro kuna Judha. Naizvozvo mude zvokwadi norugare.”
20 萬軍之耶和華如此說:「將來必有列國的人和多城的居民來到。
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vanhu vazhinji navagari vomumaguta mazhinji vachauyazve,
21 這城的居民必到那城,說:『我們要快去懇求耶和華的恩,尋求萬軍之耶和華;我也要去。』
uye vagari vomune rimwe guta vachaenda kune rimwe vachinoti, ‘Ngatiendei nokuchimbidza kundokumbira nyasha kuna Jehovha, nokutsvaka Jehovha Wamasimba Ose. Ini pachangu ndiri kuenda.’
22 必有列邦的人和強國的民來到耶路撒冷尋求萬軍之耶和華,懇求耶和華的恩。
Uye vanhu vazhinji nendudzi dzine simba vachauya kuJerusarema kuzotsvaka Jehovha Wamasimba Ose nokukumbira nyasha kwaari.”
23 萬軍之耶和華如此說:在那些日子,必有十個人從列國諸族中出來,拉住一個猶大人的衣襟,說:『我們要與你們同去,因為我們聽見上帝與你們同在了。』」
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Mumazuva iwayo varume gumi kubva kundimi dzose nendudzi dzose vachabatirira kwazvo pamupendero wenguo yomuJudha vachiti, ‘Ngatiendei tose, nokuti takanzwa kuti Mwari anewe.’”