< 雅歌 1 >

1 所羅門的歌,是歌中的雅歌。
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:
2 願他用口與我親嘴; 因你的愛情比酒更美。
Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.
3 你的膏油馨香; 你的名如同倒出來的香膏, 所以眾童女都愛你。
Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza; zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!
4 願你吸引我,我們就快跑跟隨你。 王帶我進了內室, 我們必因你歡喜快樂。 我們要稱讚你的愛情, 勝似稱讚美酒。 他們愛你是理所當然的。
Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati. Shamwari Tinokupembererai uye tinokufarirai; ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini. Mukadzi Regai zvenyu mhandara dzikudei!
5 耶路撒冷的眾女子啊, 我雖然黑,卻是秀美, 如同基達的帳棚, 好像所羅門的幔子。
Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu, vanasikana veJerusarema, ndakasviba samatende eKedhari, sezvidzitiro zvetende raSoromoni.
6 不要因日頭把我曬黑了就輕看我。 我同母的弟兄向我發怒, 他們使我看守葡萄園; 我自己的葡萄園卻沒有看守。
Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, nokuti ndakasvibiswa nezuva. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.
7 我心所愛的啊,求你告訴我, 你在何處牧羊? 晌午在何處使羊歇臥? 我何必在你同伴的羊群旁邊 好像蒙着臉的人呢?
Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako nokwaunozorodzera makwai ako masikati. Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake pedyo namakwai eshamwari dzako?
8 你這女子中極美麗的, 你若不知道, 只管跟隨羊群的腳蹤去, 把你的山羊羔牧放在牧人帳棚的旁邊。
Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe, chitevera makwara amakwai ugondofudzira mbudzana dzako pedyo namatende avafudzi.
9 我的佳偶, 我將你比法老車上套的駿馬。
Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa pane imwe yengoro dzaFaro.
10 你的兩腮因髮辮而秀美; 你的頸項因珠串而華麗。
Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.
11 我們要為你編上金辮,鑲上銀釘。
Tichakugadzirira mhete dzenzeve dzegoridhe nesirivha.
12 王正坐席的時候, 我的哪噠香膏發出香味。
Mambo paakanga agere patafura yake, munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.
13 我以我的良人為一袋沒藥, 常在我懷中。
Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura kanogara pakati pamazamu angu.
14 我以我的良人為一棵鳳仙花, 在隱‧基底葡萄園中。
Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.
15 我的佳偶,你甚美麗!你甚美麗! 你的眼好像鴿子眼。
Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu! A-a, wakazonaka! Meso ako injiva chaidzo!
16 我的良人哪,你甚美麗可愛! 我們以青草為床榻,
Wakanaka sei, mudiwa wangu! A-a, unofadza! Uye mubhedha wedu wakasvibira.
17 以香柏樹為房屋的棟樑, 以松樹為椽子。
Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari; mbariro dzacho ndedzomupaini.

< 雅歌 1 >