< 詩篇 7 >
1 大衛指着便雅憫人古實的話,向耶和華唱的流離歌。 耶和華-我的上帝啊,我投靠你! 求你救我脫離一切追趕我的人,將我救拔出來!
Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri; ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa,
kuti varege kundibvambura seshumba nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.
3 耶和華-我的上帝啊,我若行了這事, 若有罪孽在我手裏,
Haiwa Jehovha, Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,
4 我若以惡報那與我交好的人- 連那無故與我為敵的,我也救了他,
kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,
5 就任憑仇敵追趕我,直到追上, 將我的性命踏在地下, 使我的榮耀歸於灰塵。 (細拉)
ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate; ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu uye andivatise muguruva.
6 耶和華啊,求你在怒中起來, 挺身而立,抵擋我敵人的暴怒! 求你為我興起!你已經命定施行審判!
Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu; simukai murwise hasha dzavavengi vangu. Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.
Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai. Vatongei imi muri kumusoro;
8 耶和華向眾民施行審判; 耶和華啊,求你按我的公義和我心中的純正判斷我。
Jehovha ngaatonge marudzi. Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu, zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.
9 願惡人的惡斷絕! 願你堅立義人! 因為公義的上帝察驗人的心腸肺腑。
Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.
Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro, iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.
11 上帝是公義的審判者, 又是天天向惡人發怒的上帝。
Mwari ndiye mutongi akarurama, iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.
12 若有人不回頭,他的刀必磨快, 弓必上弦,預備妥當了。
Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; achakunga uta hwake agogadzirira.
Agadzirira zvombo zvake zvinouraya; anozvigadzirira miseve yake inopisa.
14 試看惡人因奸惡而劬勞, 所懷的是毒害,所生的是虛假。
Iye ane mimba yezvakaipa akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.
15 他掘了坑,又挖深了, 竟掉在自己所挖的阱裏。
Uyo anochera gomba, akaridzikisa achawira mugomba raachera.
16 他的毒害必臨到他自己的頭上; 他的強暴必落到他自己的腦袋上。
Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake; uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.
17 我要照着耶和華的公義稱謝他, 歌頌耶和華至高者的名。
Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake, uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.