< 詩篇 115 >
1 耶和華啊,榮耀不要歸與我們, 不要歸與我們; 要因你的慈愛和誠實歸在你的名下!
Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri, asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu, nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu.
Sei ndudzi dzichiti, “Mwari wavo aripiko?”
3 然而,我們的上帝在天上, 都隨自己的意旨行事。
Mwari wedu ari kudenga; anoita zvose zvinomufadza.
Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu.
Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;
zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino, asi hazvigoni kunhuhwidza;
7 有手卻不能摸, 有腳卻不能走, 有喉嚨也不能出聲。
zvina maoko, asi hazvigoni kubata, tsoka, asi hazvigoni kufamba; uye hazvitauri napahuro pazvo.
Vanozviita vachafanana nazvo, navose vanovimba nazvo.
9 以色列啊,你要倚靠耶和華! 他是你的幫助和你的盾牌。
Haiwa imba yaIsraeri, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
10 亞倫家啊,你們要倚靠耶和華! 他是你們的幫助和你們的盾牌。
Imi imba yaAroni, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
11 你們敬畏耶和華的,要倚靠耶和華! 他是你們的幫助和你們的盾牌。
Imi vanomutya, vimbai naJehovha, ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
12 耶和華向來眷念我們; 他還要賜福給我們: 要賜福給以色列的家, 賜福給亞倫的家。
Jehovha anotirangarira uye achatiropafadza: Acharopafadza imba yaIsraeri, acharopafadza imba yaAroni,
acharopafadza vanotya Jehovha, vaduku navakuru zvakafanana.
Jehovha ngaakuwanzei, mose iwe navana vako.
Jehovha ngaakuropafadze, iye muiti wedenga napasi.
Kudenga denga kumusoro ndokwaJehovha, asi nyika akaipa kuvanhu.
17 死人不能讚美耶和華; 下到寂靜中的也都不能。
Vakafa havasivo vanorumbidza Jehovha, avo vanoburukira kwakanyarara;
18 但我們要稱頌耶和華, 從今時直到永遠。 你們要讚美耶和華!
asi tisu tinokudza Jehovha, kubva zvino kusvikira narini. Rumbidzai Jehovha.